2 Marudzi ari kuitireiko zhowezhowe
Uye vanhu vari kufungireiko zvisina musoro?+
2 Madzimambo epanyika anomira ogadzirira
Uye makurukota anoungana pamwe chete+
Kuti arwe naJehovha uye kuti arwe nemuzodziwa wake.+
3 Vanoti: “Ngatidamburei cheni dzavo,
Tirase tambo dzavo!”
4 Iye agere pachigaro chekumatenga achaseka;
Jehovha achavanyomba.
5 Panguva iyoyo achataura navo akatsamwa,
Achavavhundutsa akashatirwa kwazvo,
6 Achiti: “Ini pachangu ndakagadza mambo wangu+
PaZiyoni,+ gomo rangu dzvene.”
7 Regai ndizivise murau waJehovha;
Akati kwandiri: “Ndiwe mwanakomana wangu;+
Nhasi ndava baba vako.+
8 Ndikumbire, uye ndichakupa marudzi kuti ave nhaka yako
Uye migumo yenyika kuti ive yako.+
9 Uchaaputsa netsvimbo yeumambo yesimbi,+
Uye uchaapwanya semudziyo wakaumbwa.”+
10 Saka imi madzimambo, ivai nenjere;
Bvumai kururamiswa, imi vatongi venyika.
11 Shumirai Jehovha muchimutya,
Uye farai muchidedera.
12 Kudzai mwanakomana,+ nekuti mukasadaro, Mwari achashatirwa
Uye muchaparara munzira,+
Nekuti hasha dzake dzinokwira nekukurumidza.
Vanofara vese vanopotera kwaari.