Mapisarema
Rumbidzai Jehovha muri kumatenga;+
Murumbidzei muri munzvimbo dzakakwirira.
2 Murumbidzei, imi ngirozi dzake dzese.+
Murumbidzei, imi uto rake rese.+
3 Murumbidzei, imi zuva nemwedzi.
Murumbidzei, imi mese nyeredzi dzinopenya.+
7 Rumbidzai Jehovha muri panyika,
Imi zvisikwa zvikuru zvemugungwa nemi mese mvura yakadzika,
8 Imi mheni nechimvuramabwe, chando nemakore matematema,
Iwe dutu guru, rinoita zvaakataura,+
9 Imi makomo nemi mese zvikomo,+
Imi miti yemichero nemi mese misidhari,+
10 Imi mhuka dzesango+ nemi mese zvipfuwo,
Imi zvinhu zvinokambaira neshiri dzine mapapiro,
11 Imi madzimambo enyika nemi mese marudzi,
Imi machinda nemi mese vatongi venyika,+
12 Imi majaya nemhandara,
Vakwegura pamwe chete nevadiki.
Ukuru hwake huri kumusoro kwenyika nedenga.+
14 Achawedzera simba* revanhu vake,
Kuti vanhu vake vese vakavimbika varumbidzwe,
Vanakomana vaIsraeri, vanhu vari pedyo naye.
Rumbidzai Jah!*