Zvirevo
4 Teererai, vanakomana vangu, kurayira kwababa;+
Teererai kuti mugonzwisisa,
2 Nekuti ndichakurayiridzai zvakanaka;
4 Baba vaindidzidzisa vachiti: “Mwoyo wako ngaubatisise mashoko angu.+
Chengeta mirayiro yangu urambe uchirarama.+
5 Wana uchenjeri, wana mwoyo unonzwisisa.+
Usakanganwa, uye usatsauka pane zvandinotaura.
6 Usahusiya, uye huchakudzivirira.
Hude, uye huchakuchengetedza.
7 Uchenjeri ndihwo hunokosha* kupfuura zvimwe zvese,+ saka wana uchenjeri,
Uye pazvese zvaunowana, wana mwoyo unonzwisisa.+
8 Hukoshese kwazvo, uye huchakukwidziridza.+
Huchakukudza nekuti unohumbundira.+
9 Huchaisa mumusoro mako chishongo chinoyevedza;
Huchakupfekedza korona yerunako.”
12 Paunofamba, hapana chinozokanganisa nhanho dzako;
Uye kana ukamhanya, hauzogumburwi.
13 Batisisa kurayirwa; usakuregedza.+
Kuchengetedze, nekuti ndihwo upenyu hwako.+
16 Nekuti havagoni kurara kana vasina kuita zvakaipa.
Vanoshaya hope kana vasina kuwisira mumwe munhu pasi.
17 Vanodya chingwa cheuipi,
Uye vanonwa waini yemhirizhonga.
18 Asi gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chemangwanani
Chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.+
19 Nzira yevakaipa yakaita serima;
Havazivi chinoita kuti vagumburwe.
21 Usabvisa pfungwa dzako pazviri;
Zvichengete zviri mukatikati memwoyo wako,+
22 Nekuti izvo upenyu kune vaya vanozviwana+
Uye utano kumiviri* yavo yese.
23 Chengetedza mwoyo wako kupfuura zvinhu zvese zvaunochengetedza,+
Nekuti mauri ndimo mune zvitubu zveupenyu.
27 Usatsaukira kurudyi kana kuruboshwe.+
Bvisa tsoka dzako pane zvakaipa.