Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
64 Inzwaiwo inzwi rangu Mwari, sezvo ndiri kuteterera.+
Chengetedzai upenyu hwangu pavavengi vangu vanotyisa.
2 Ndidzivirirei pane zvandinorongerwa nevakaipa,+
Pamhomho yevanhu vanoita zvakaipa.
3 Vanorodza rurimi rwavo sebakatwa;
Vanonangisa mashoko avo eutsinye semiseve,
4 Kuti vapfure munhu asina mhosva vari pakahwanda;
Vanomupfura asingafungiri, vasingatyi.
5 Vanoramba vaine chinangwa chavo chekuita zvakaipa;
Vanokurukura nezvekuvanza zviteyeso zvavo.
Vanoti: “Ndiani achazviona?”+
6 Vanotsvaga nzira itsva dzekuita zvakaipa;
Vanoronga mazano avo neungwaru pachivande;+
Zvinofungwa nemumwe nemumwe wavo mumwoyo make hazvinzwisisiki.
7 Asi Mwari achavapfura;+
Vachangoona vakuvadzwa nemuseve.
8 Rurimi rwavo ndirwo ruchaita kuti vawire pasi;+
Vese vanenge vakatarisa vachadzungudza misoro yavo.
9 Vanhu vese vachabva vatya,
Uye vachazivisa zvinenge zvaitwa naMwari,
Uye vachanzwisisa mabasa ake.+
10 Munhu akarurama achafara muna Jehovha uye achapotera kwaari;+
Vese vakarurama mumwoyo vachafarisisa.