Jobho
15 Erifazi+ muTemani akapindura achiti:
2 “Munhu akachenjera angapindura nemashoko asina zvaanobatsira here,
Kana kuti angazadza dumbu rake nemhepo yekumabvazuva here?
3 Kutsiura nemashoko asina basa hakubatsiri,
Uye kungotaura chete hakubatsiri.
4 Nekuti unoita kuti kutya Mwari kushaye basa,
Uye unoita kuti kufungisisa nezvaMwari kuonekwe sekusingakoshi.
7 Ndiwe munhu akatanga kuberekwa here,
Kana kuti wakaberekwa zvikomo zvisati zvavapo here?
8 Unomboteerera Mwari achitaura nyaya dzake ega here,
Kana kuti ndiwe wega une uchenjeri here?
9 Chii chaunoziva iwe chatisingazivi?+
Chii chaunonzwisisa iwe chatisinganzwisisi?
11 Kunyaradzwa kwaunoitwa naMwari,
Kana kuti mashoko eunyoro aunotaurirwa hazvina kukwana here?
12 Mwoyo wako unoitirei kuti uzvikudze,
Uye nei wakabudisa maziso nehasha?
13 Nekuti unotsamwira Mwari,
Uye unosiya mashoko akadaro achibuda mumuromo mako.
17 Ndichakuudza; nditeerere!
Ndichakurondedzera zvandakaona,
18 Zvinhu zvakarondedzerwa nevarume vakachenjera vazvinzwa kumadzibaba avo,+
Zvinhu zvavasina kuvanza.
19 Ivo vega ndivo vakapiwa nyika,
Uye hapana mutorwa akapfuura nepakati pavo.
20 Munhu akaipa anongotambura mazuva ake ese,
Mumakore ese akachengeterwa mudzvinyiriri.
23 Anomberereka achitsvaga zvekudya,* achiti: “Zviri kupi?”
Anonyatsoziva kuti zuva rerima rava pedyo.
24 Kutambudzika nekurwadziwa zvinoramba zvichiita kuti atye;
Zvinouya samambo akagadzirira kurwa, zvomukurira.
25 Nekuti anosimudza ruoko rwake kuti arwe naMwari pachake
Uye anoedza kurwisa* Wemasimbaose;
26 Anoomesa musoro achimhanya kunorwisana naye,
Aine nhoo yake yakakora uye yakasimba;
27 Chiso chake chakakora,
Uye hudyu dzake dzabuda nekukora;
28 Anogara mumaguta achaparadzwa,
Mudzimba dzisingazogarwi,
Dzichava mirwi yematombo.
29 Haazopfumi, uye pfuma yake haizowedzeri,
Uye zvinhu zvake hazvizozari panyika.
31 Haafaniri kutsauka achivimba nezvinhu zvisina zvazvinobatsira,
Nekuti zvaachawana hazvibatsiri;
32 Zvichaitika zuva rake risati rasvika,
Uye mapazi ake haazokuri zvakanaka.+
33 Achaita semuzambiringa unodonhedza mazambiringa awo asina kuibva,
Uye achaita semuorivhi unodonhedza maruva awo.
34 Nekuti ungano yevasingadi Mwari* haina zvibereko,+
Uye moto uchaparadza matende evanoita zvechiokomuhomwe.
35 Vanobata pamuviri pedambudziko, vobereka zvinhu zvakaipa,
Uye muchibereko chavo munobuda unyengeri.”