Jobho
16 Jobho akapindura achiti:
2 “Ndakambonzwa zvinhu zvizhinji zvakadai.
Mese muri vanyaradzi vanotambudza!+
3 Mashoko asina zvaanobatsira achazombopera here?
Imi maitwa sei kuti muzopindura muchidaro?
4 Ini ndinokwanisawo kutaura sezvamunoita.
Kudai zviri kuitika kwandiri zviri izvo zviri kuitika kwamuri,
Ndaigona kutaura mashoko anorwadza kwamuri
Ndodzungudza musoro ndakakutarisai.+
5 Asi pane kudaro, ndaitozokusimbisai nemashoko emuromo wangu,
Uye kunyaradza kwemiromo yangu kwaizozorodza.+
6 Kana ndikataura, marwadzo angu haanyarari,+
Uye kana ndikarega kutaura, marwadzo angu anoderedzwa kusvika papi?
8 Munondibatawo, uye izvi zviri kubva zvava uchapupu,
Zvekuti kuondoroka kwangu kunosimuka kuchipupurira pamberi pangu.
9 Hasha dzake dzandibvambura-bvambura, uye anondivenga.+
Anorumanisa mazino ake akanditsamwira.
Muvengi wangu anondidzvokora nemaziso eruvengo.+
12 Ndakanga ndisina chaindinetsa, asi akandiputsa;+
Akandibata necheseri kwemutsipa ndokundirovera pasi;
Akabva atanga kundipfura nemiseve yake.
13 Vanhu vake vanopfura neuta vanondikomba;+
Anotsemura itsvo dzangu+ asinganzwi tsitsi;
Anodururira nduru yangu pasi.
14 Anondidhiritsa serusvingo, achiramba achivhura mekupinda namo;
Anondimhanyira sezvinoita murwi.
16 Chiso changu chatsvuka nekuchema,+
Uye pamaziso angu pane mumvuri werufu,
17 Kunyange zvazvo maoko angu asina kukuvadza munhu,
Uye munyengetero wangu wakachena.
18 Haiwa iwe nyika, usafukidza ropa rangu!+
Uye kuchema kwangu ngakushayiwe nzvimbo yekuzororera!
19 Kunyange iye zvino, chapupu changu chiri kudenga;
Munhu anogona kundipupurira ari kumusoro.