Numeri
2 Jehovha akazotaura naMozisi naAroni, achiti: 2 “VaIsraeri vanofanira kudzika misasa yavo kunenge kwakagoverwa mapoka avo emadzinza matatu,+ murume mumwe nemumwe pedyo nechiratidzo cheimba yemadzibaba ake. Vanofanira kudzika misasa yavo yakatarisa tende rekusanganira, vakaritenderedza.
3 “Vaya vachadzika musasa nechekumabvazuva, vachava boka remadzinza matatu remusasa waJudha maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaJudha ndiNashoni+ mwanakomana waAminadhabhi. 4 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 74 600.+ 5 Vedzinza raIsakari ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaIsakari ndiNetaneri+ mwanakomana waZuari. 6 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 54 400.+ 7 Dzinza rinozotevera nderaZebhuroni; jinda revanakomana vaZebhuroni ndiEriyabhi+ mwanakomana waHeroni. 8 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 57 400.+
9 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waJudha vanosvika 186 400. Ndivo vanofanira kutanga kuputsa musasa.+
10 “Boka remadzinza matatu remusasa waRubheni+ richava nechekumaodzanyemba maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaRubheni ndiErizuri+ mwanakomana waShedheuri. 11 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 46 500.+ 12 Vedzinza raSimiyoni ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaSimiyoni ndiSherumieri+ mwanakomana waZurishadhai. 13 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 59 300.+ 14 Dzinza rinozotevera nderaGadhi; jinda revanakomana vaGadhi ndiEriyasafi+ mwanakomana waReueri. 15 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 45 650.+
16 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waRubheni vanosvika 151 450, uye ndivo vanofanira kuva vechipiri kuputsa musasa.+
17 “Panotamiswa tende rekusanganira,+ musasa wevaRevhi unofanira kuva nechepakati pemimwe misasa.
“Vanofanira kufamba vakarongwa semagariro avanoita mumisasa,+ mumwe nemumwe ari panzvimbo yake, maererano nemapoka avo emadzinza matatu.
18 “Boka remadzinza matatu remusasa waEfremu richava nechekumavirira maererano nezvikwata zvavo;* jinda revanakomana vaEfremu ndiErishama+ mwanakomana waAmihudhi. 19 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 40 500.+ 20 Dzinza rinozomutevera nderaManase;+ jinda revanakomana vaManase ndiGamarieri+ mwanakomana waPedhazuri. 21 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 32 200.+ 22 Dzinza rinozotevera nderaBhenjamini; jinda revanakomana vaBhenjamini ndiAbhidhani+ mwanakomana waGidhiyonai. 23 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 35 400.+
24 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waEfremu vanosvika 108 100, uye ndivo vanofanira kuva vechitatu kuputsa musasa.+
25 “Boka remadzinza matatu remusasa waDhani richava nechekuchamhembe maererano nezvikwata zvavo;* uye jinda revanakomana vaDhani ndiAhiezeri+ mwanakomana waAmishadhai. 26 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 62 700.+ 27 Vedzinza raAsheri ndivo vachadzika musasa pedyo naye; jinda revanakomana vaAsheri ndiPagieri+ mwanakomana waOkrani. 28 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 41 500.+ 29 Dzinza rinozotevera nderaNaftari; jinda revanakomana vaNaftari ndiAhira+ mwanakomana waEnani. 30 Vaya vakaverengwa muuto rake vanosvika 53 400.+
31 “Vese vakanyorwa muuto remusasa waDhani vanosvika 157 600. Ndivo vanofanira kupedzisira kuputsa musasa,+ maererano neboka ravo remadzinza matatu.”
32 Ava ndivo vaIsraeri vakaverengwa maererano nedzimba dzemadzibaba avo; vese vaiva mumisasa vakanyorwa kuti vave mauto vaiva 603 550.+ 33 Asi vaRevhi havana kunyorwa+ pamwe nevamwe vaIsraeri,+ sezvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. 34 VaIsraeri vakaita zvese zvakanga zvarayirwa Mozisi naJehovha. Izvi ndizvo zvavaiita pavaidzika misasa yavo maererano nemapoka avo emadzinza matatu+ uye pavaiputsa musasa,+ mumwe nemumwe nemhuri yake uye maererano neimba yemadzibaba ake.