Tsamba Yechipiri Kuna Timoti
1 Pauro, muapostora waKristu Jesu nekuda kwaMwari maererano nevimbiso yeupenyu kuburikidza naKristu Jesu,+ 2 kuna Timoti, mwana anodiwa:+
Nyasha nengoni nerugare zvinobva kuna Mwari Baba nekuna Kristu Jesu Ishe wedu ngazvive newe.
3 Ndinotenda Mwari, uyo wandiri kuitira basa dzvene sezvaiitwa nemadzitateguru angu, ndichizviita nehana yakachena, ndisingambokukanganwi pandinonyengetera ndichiteterera siku nesikati. 4 Ndikangoyeuka misodzi yako ndiri kubva ndati dai ndakuona, ndazadzwa nemufaro. 5 Nekuti ndinoyeuka kutenda kwako kusina unyengeri,+ uko kwakatanga kuva muna ambuya vako Roisi naamai vako Yunisi, uye kwandiine chokwadi kuti unakowo.
6 Saka ndiri kukuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri, chiya chawakawana pandakaisa maoko angu pauri.+ 7 Nekuti Mwari haana kutipa mweya weumbwende,+ asi wesimba+ newerudo newekuva nepfungwa dzakanaka. 8 Saka usanyara kupupura pamusoro paIshe wedu,+ kana kuti pangu ini, musungwa nekuda kwake, asi bvuma kutambudzikira+ mashoko akanaka uchivimba nesimba raMwari.+ 9 Iye akatiponesa, akatidana nekudana kutsvene,+ kwete pamusana pemabasa edu, asi nekuda kwechinangwa chake uye nenyasha dzake.+ Takadzipiwa muna Kristu Jesu kubvira kare kare, 10 asi iye zvino dzakaratidzwa pachena pakaratidzwa Muponesi wedu, Kristu Jesu,+ uyo akabvisa rufu,+ akaisa chiedza paupenyu+ nepakusaora+ achishandisa mashoko akanaka,+ 11 anova ndiwo andakagadzwa kuti ndive muparidzi wawo uye muapostora nemudzidzisi.+
12 Ndokusaka ndiri kutambura sezvandiri kuita,+ asi handinyari.+ Nekuti ndinoziva wandakatenda maari, uye ndine chivimbo chekuti anokwanisa kuchengetedza zvandakaisa mumaoko ake kusvikira pazuva iroro.+ 13 Ramba uchitevedzera muenzaniso wemashoko anobatsira*+ awakanzwa kwandiri nekutenda nerudo zvinobva pakuva pamwe naKristu Jesu. 14 Chengetedza zvawakachengeteswa izvi uchibatsirwa nemweya mutsvene, uyo uri kugara matiri.+
15 Unoziva kuti vanhu vese vemunharaunda yeEzhiya+ vakandisiya, kusanganisira Figerasi naHemogenesi. 16 Ngoni dzaShe ngadzive neimba yaOnesiforasi,+ nekuti aigara achindizorodza, uye haana kunyara neni nekuti ndiri musungwa. 17 Paaiva muRoma, akatonditsvaga kusvikira andiwana. 18 Ishe ngaaite kuti awane ngoni dzinobva kuna Jehovha* pazuva iroro. Uye iwe unonyatsoziva mabasa ese aakaita kuEfeso.