Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
21 Haiwa Jehovha, mambo anofara pamusana pesimba renyu;+
Anofara zvikuru pamusana pemabasa enyu ekuponesa.+
2 Makamupa zvinodiwa nemwoyo wake,+
Uye hamuna kumunyima zvaakakumbira nemiromo yake. (Sera)
3 Nekuti munomuchingura nemakomborero akawanda;
Munoisa korona yegoridhe rakanatswa pamusoro wake.+
4 Akakukumbirai upenyu, mukamupa,+
Upenyu hwakareba, nariini nariini.
5 Mabasa enyu ekuponesa anoita kuti akudzwe zvikuru.+
Munoisa paari kuremekedzwa nekubwinya.
6 Munoita kuti akomborerwe nekusingaperi;+
Munoita kuti afadzwe nemufaro uri pachiso chenyu.+
7 Nekuti mambo anovimba naJehovha;+
Haazozununguswi+ nekuti Wekumusorosoro ane rudo rusingachinji.
8 Ruoko rwenyu ruchawana vavengi venyu vese;
Ruoko rwenyu rwerudyi ruchawana vaya vanokuvengai.
9 Muchaita kuti vave sechoto chine moto kana nguva yasvika yekuti muvaongorore.
Jehovha achavamedza akatsamwa, uye moto uchavaparadza.+
10 Muchaparadza vazukuru vavo panyika,
Nevana vavo pavanakomana vevanhu.
11 Nekuti vaida kukuitirai zvakaipa;+
Vakaronga mazano asingazobudiriri.+
12 Nekuti muchaita kuti vadzokere shure+
Nekunongedzera uta hwenyu kwavari.
13 Simukai musimba renyu, haiwa Jehovha.
Tichaimba tichirumbidza simba renyu guru.