Bhuku raZvakazarurwa
5 Zvino ndakaona muruoko rwerudyi rweuya akanga agere pachigaro cheumambo+ muine gwaro* rakanyorwa kumativi ese,* rainge rakanamwa zvakasimba nezvisimbiso* zvinomwe. 2 Ndakaona ngirozi yakasimba ichishevedzera kuti: “Ndiani akakodzera kuvhura gwaro iri uye kubvisa zvisimbiso zvaro?” 3 Asi kudenga nepanyika nepasi penyika pakashayikwa aikwanisa kuvhura gwaro racho kana kuona kuti rakanyorwei. 4 Ndakachema kwazvo nekuti pakashayikwa akakodzera kuvhura gwaro racho uye kuona kuti rakanyorwei. 5 Asi mumwe wevakuru vacho akati kwandiri: “Rega kuchema. Inzwa! Shumba yedzinza raJudha,+ mudzi+ waDhavhidhi,+ yakakunda,+ saka yakakodzera kuvhura gwaro racho nekubvisa zvisimbiso zvaro zvinomwe.”
6 Ndakaona gwayana raiita kunge rakanga rambourayiwa,+ rimire pedyo nechigaro* cheumambo nepakati pezvisikwa zvina uye pakati pevakuru+ vacho; gwayana+ racho raiva nenyanga nomwe nemaziso manomwe uye maziso acho anomiririra mweya minomwe yaMwari+ yakatumwa munyika yese. 7 Rakabva raenda rikanotora gwaro racho muruoko rwerudyi rwaiye akanga agere pachigaro cheumambo.+ 8 Parakatora gwaro racho, zvisikwa zvipenyu zvina nevakuru 24+ vakawira pasi pamberi peGwayana, mumwe nemumwe aine rudimbwa nendiro dzegoridhe dzakanga dzizere nerusenzi. (Rusenzi yacho inomiririra minyengetero yevatsvene.)+ 9 Vanoimba rwiyo rutsva,+ vachiti: “Makakodzera kutora gwaro nekubvisa zvisimbiso zvaro, nekuti makaurayiwa uye neropa renyu makatengera Mwari vanhu+ vemadzinza ese nemitauro nemarudzi,+ 10 uye makaita kuti vave umambo+ nevapristi kuna Mwari wedu.+ Ivo vachatonga semadzimambo+ pamusoro penyika.”
11 Ndakabva ndaona ngirozi zhinji dzakanga dzakapoteredza chigaro cheumambo pamwe chete nezvisikwa zvipenyu nevakuru uye ndakanzwa manzwi adzo; ngirozi dzacho dzakanga dziri makumi ezviuru akapetwa kane makumi ezviuru nezviuru zvezviuru,+ 12 uye dzaishevedzera dzichiti: “Gwayana iro rakaurayiwa,+ rakakodzera kuva nemasimba nepfuma neuchenjeri nesimba nekukudzwa nekubwinya nekurumbidzwa.”+
13 Ndakanzwa zvisikwa zvese zviri kudenga nepanyika nepasi penyika+ nemugungwa, zvese zvazvo, zvichiti: “Kurumbidzwa nekukudzwa+ nekubwinya nesimba ngazvive kuna iye agere pachigaro cheumambo+ nekuGwayana+ nariini nariini.”+ 14 Zvisikwa zvipenyu zvina zvaiti: “Ameni!” uye vakuru vakawira pasi, vakanamata Mwari.