Zefaniya
1 Iri ndiro shoko raJehovha rakauya kuna Zefaniya* mwanakomana waKushi mwanakomana waGedhariya mwanakomana waAmariya mwanakomana waHezekiya mumazuva aJosiya+ mwanakomana waAmone+ mambo weJudha:
2 “Ndichaparadza zvinhu zvese panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.+
3 “Ndichaparadza vanhu nemhuka.
Ndichaparadza shiri dzedenga nehove dzegungwa;+
Ndichaparadza zvinhu zvinotsausa,*+ pamwe chete nevanhu vakaipa;
Uye ndichabvisa vanhu panyika,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
4 “Ndichatambanudza ruoko rwangu kuti ndirwise Judha
Nevagari vese vemuJerusarema,
Uye ndichabvisa munzvimbo ino kanhu kese kane chekuita naBhaari,+
Pamwe chete nevapristi, nezita revapristi vamwari wekune imwe nyika,+
5 Nevaya vanokotamira mauto ekudenga vari pamatenga edzimba,+
Nevaya vanopfugama vachipika kuti havasiyi Jehovha+
Ukuwo vachipika kuti havasiyi Marikamu;+
6 Nevaya vanorega kutevera Jehovha,+
Uye vasingatsvagi Jehovha kana kumubvunza.”+
7 Nyararai pamberi paChangamire Ishe Jehovha, nekuti zuva raJehovha rava pedyo.+
Jehovha agadzirira chibayiro; atsvenesa vaya vaakakoka.
8 “Pazuva rechibayiro chaJehovha ndichatonga machinda,
Nevanakomana vamambo,+ nevanhu vese vakapfeka nguo dzekune imwe nyika.
9 Zuva iroro ndichatonga vanhu vese vanokwira pachikuva,*
Vaya vanozadza imba yatenzi wavo nemhirizhonga nekunyengera.
10 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“KuGedhi reHove kuchanzwika inzwi richishevedzera,+
KuRutivi Rutsva rweguta kucharidzwa mhere,+
Uye kuzvikomo kuchava neruzha rukuru.
11 Chemai imi vagari vemuMakteshi,*
Nekuti vanhu vese vanotengesa zvinhu vaparadzwa;
Vese vaya vanoyera sirivha vaparadzwa.
12 Panguva iyoyo ndichanyatsotarisa muJerusarema ndiine marambi,
Uye ndichatonga vanhu vasingatirimuki,* vaya vanoti mumwoyo mavo,
‘Jehovha haazoiti zvakanaka, uye haazoiti zvakaipa.’+
13 Pfuma yavo ichapambwa uye dzimba dzavo dzichaparadzwa.+
Vachavaka dzimba, asi havazodzigari;
Uye vachadyara minda yemizambiringa, asi havazonwi waini yacho.+
14 Zuva guru raJehovha rava pedyo!+
Rava pedyo, uye riri kukurumidza kusvika!+
Ruzha rwezuva raJehovha runoshungurudza.+
Pazuva iroro murwi ane simba achachema.+