Tsamba kuvaHebheru
1 Kare kare Mwari akataura kakawanda uye nenzira dzakawanda nemadzitateguru edu achishandisa vaprofita.+ 2 Iye zvino pakuguma kwemazuva ano akataura nesu achishandisa Mwanakomana,+ uyo waakagadza kuti ave mugari wenhaka yezvinhu zvese,+ uye waakashandisa kuita mamiriro ezvinhu epanguva dzakasiyana-siyana.*+ 3 Ndiye anoratidza kubwinya kwaMwari+ uye ndiye mufananidzo wake chaiwo,+ uye anotsigira zvinhu zvese neshoko rake rine simba. Uye pashure pekutichenesa pazvivi zvedu,+ akagara kuruoko rwerudyi rwaChangamire wekumusorosoro.+ 4 Saka ava kupfuura ngirozi+ zvekuti akagara nhaka zita rakanakisisa kupfuura mazita adzo.+
5 Semuenzaniso, ingirozi ipi yakambonzi naMwari: “Ndiwe mwanakomana wangu; nhasi ndava baba vako”?+ Uyezve: “Ndichava baba vake, uye iye achava mwanakomana wangu”?+ 6 Asi paanounzazve Dangwe rake+ panyika, anoti: “Ngirozi dzese dzaMwari ngadzimupfugamire.”
7 Anotiwo nezvengirozi: “Anoita kuti ngirozi dzake dzive nesimba,* uye vashumiri vake+ vave moto unoparadza.”+ 8 Asi achitaura nezveMwanakomana anoti: “Mwari ndiye chigaro chako cheumambo+ nariini nariini, uye tsvimbo yeUmambo hwako itsvimbo yekururama.* 9 Wakada kururama uye wakavenga kusateerera mutemo. Ndokusaka Mwari, iye Mwari wako, akakuzodza+ nemafuta ekupembera nemufaro kupfuura vamwe vako.”+ 10 Uye: “Pakutanga, imi Ishe, makavaka nheyo dzenyika, uye matenga ibasa remaoko enyu. 11 Zvichaparara, asi imi mucharamba muripo; uye zvichasakara senguo, 12 uye muchazvipeta sejira, sechipfeko, zvochinjwa. Asi imi munoramba makadaro, uye makore enyu haazomboperi.”+
13 Asi pangirozi dzese, ndeipi yaakamboti kwairi: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi, kusvikira ndaita kuti vavengi vako vave sechitsiko chetsoka dzako”?+ 14 Dzese hadzisi mweya inoita basa dzvene* here,+ yakatumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yeruponeso?