Rwiyo rwaDhavhidhi.
103 Regai ndirumbidze Jehovha;
Zvese zviri mandiri ngazvirumbidze zita rake dzvene.
2 Regai ndirumbidze Jehovha;
Ngandirege kukanganwa zvese zvaakaita.+
3 Anoregerera zvitadzo zvako zvese+
Uye anoporesa zvirwere zvako zvese;+
4 Anobudisa upenyu hwako mugomba+
Uye anokupfekedza korona yerudo rwake rusingachinji netsitsi dzake.+
5 Anokugutsa nezvinhu zvakanaka+ kweupenyu hwako hwese,
Zvekuti udiki hwako hunomutsidzirwa sehwegondo.+
6 Jehovha anoita zvakarurama+
Uye anotonga zvakarurama vese vakadzvinyirirwa.+
7 Akazivisa Mozisi nzira dzake,+
Uye akazivisa vanakomana vaIsraeri mabasa ake.+
8 Jehovha ane ngoni netsitsi,+
Anononoka kutsamwa uye azere nerudo rusingachinji.+
9 Haazorambi achingotiwanira mhosva,+
Uyewo haazorambi akatsamwa nekusingaperi.+
10 Haana kutiitira zvinoenderana nezvivi zvedu,+
Uye haana kutitsiva zvinoenderana nezvitadzo zvedu.+
11 Nekuti kukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika,
Ndiko kukura kwakaita rudo rwake rusingachinji rwaanoratidza vaya vanomutya.+
12 Sekuva kure kwakaita kumabvazuva kubva kumavirira,
Saizvozvowo akaisa zvitadzo zvedu kure nesu.+
13 Sababa vanonzwira tsitsi vanakomana vavo,
Jehovha akanzwira tsitsi vaya vanomutya.+
14 Nekuti anonyatsoziva maumbirwo atakaitwa,+
Achiyeuka kuti tiri guruva.+
15 Kana ari munhu, mazuva ake akaita seeuswa;+
Anotumbuka seruva remusango.+
16 Asi kana mhepo ikangovhuvhuta, rinenge risisipo,
Sekunge risina kumbobvira ravapo.
17 Asi rudo rwaJehovha rusingachinji ruriko nariini nariini
Kune vaya vanomutya,+
Uye kururama kwake anokuratidza vana vevana vavo,+
18 Vaya vanochengeta sungano yake+
Uye vaya vanongwarira kuchengeta mirayiro yake.
19 Jehovha akanyatsosimbisa chigaro chake cheumambo kumatenga;+
Uye umambo hwake hunotonga zvinhu zvese.+
20 Rumbidzai Jehovha, imi ngirozi dzake dzese,+ dzine simba guru,
Munoita zvaanotaura,+ muchiteerera inzwi rake.
21 Rumbidzai Jehovha, imi mese mauto ake,+
Vashumiri vake vanoita kuda kwake.+
22 Rumbidzai Jehovha, imi mese mabasa ake,
Munzvimbo dzese dzaanotonga.
Regai ndirumbidze Jehovha.