Tsamba kuvaRoma
5 Saka sezvo takanzi takarurama nekuda kwekutenda,+ ngativei nerugare* naMwari munaShe wedu Jesu Kristu,+ 2 akaita kuti kutenda kwedu kukwanise kutipinza munyasha idzi dzatakamira madziri;+ uye ngatifarei* patariro yekubwinya kwaMwari. 3 Kwete izvozvo chete, asi ngatifarei* patinenge tiri mumatambudziko,+ nekuti tinoziva kuti kutambudzika kunoita kuti titsungirire;+ 4 kutsungirira kuchiita kuti tifarirwe naMwari;+ kufarirwa ikoko kuchiita kuti tive netariro,+ 5 uye tariro haiiti kuti tiore mwoyo;+ nekuti rudo rwaMwari rwakadururirwa mumwoyo medu nemweya mutsvene watakapiwa.+
6 Nekuti patakanga tichiri vanhu vasina simba,+ Kristu akafira vanhu vakaipa nguva yacho payakanga yakwana. 7 Nekuti kashoma kuti munhu afire munhu akarurama; asi zvimwe angatoshinga kufira munhu akanaka. 8 Asi Mwari anoratidza rudo rwake kwatiri pakuti, patakanga tichiri vatadzi, Kristu akatifira.+ 9 Saka sezvo takanzi takarurama neropa rake,+ tinotova nechokwadi chekuti tichaponeswa nemaari pahasha dzaMwari.+ 10 Nekuti kana takayananiswa naMwari pataiva vavengi vake achishandisa rufu rweMwanakomana wake,+ tinotova nechokwadi chekuti tichaponeswa neupenyu hwake, zvatava vanhu vakayananiswa. 11 Kwete izvozvo chete, asi tiri kufarawo muna Mwari nekunaShe wedu Jesu Kristu, uyo akaita kuti tikwanise kuyanana naMwari.+
12 Saka chivi chakapinda munyika nemunhu mumwe chete uye rufu rwakapinda nechivi,+ rufu rukabva rwapararira kuvanhu vese nekuti vese vakanga vatadza+—. 13 Nekuti chivi chakanga chiri panyika Mutemo usati wavapo, asi munhu haanganzi ane chivi kana pasina mutemo.+ 14 Kunyange zvakadaro, rufu rwakatonga samambo kubvira kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, ruchitonga kunyange vaya vasina kutadza sekutadza kwakaita Adhamu, uyo akanga akafanana naiye aizouya.+
15 Asi chipo chacho hachina kufanana nechitadzo chacho. Nekuti kana vanhu vakawanda vakafa nemhaka yechitadzo chemunhu mumwe chete, nyasha dzaMwari nechipo chake chepachena icho chakavapo nenyasha dzemunhu mumwe chete,+ Jesu Kristu, zvingatadza here kubatsirawo* vanhu vakawanda?+ 16 Uyewo chipo chepachena hachina kufanana nemaitikiro azvakaita pakatadza munhu mumwe chete.+ Nekuti mutongo wakapiwa pashure pechitadzo chimwe chete waiva wekuti vanhu vese vane mhosva,+ asi chipo chakapiwa pashure pezvitadzo zvakawanda chaiva chekuti vanhu vanzi vakarurama.+ 17 Nekuti kana chitadzo chemunhu mumwe chete chakaita kuti rufu rutonge samambo zvichibva pamunhu iyeye,+ vaya vanogamuchira kuwanda kwenyasha dzaMwari nekwechipo chepachena chekururama+ vangatadza here kutonga semadzimambo+ muupenyu zvichibva pamunhu mumwe chete, iye Jesu Kristu?+
18 Saka sezvo chitadzo chemunhu mumwe chete chakaita kuti vanhu vese vanzi vane mhosva,+ chiito chimwe chete chekururamisa chakaitawo kuti vanhu vese+ vanzi vakarurama zvekukodzera kuwana upenyu.+ 19 Nekuti kusateerera kwemunhu mumwe chete kwakaita kuti vakawanda vanzi vatadzi,+ saka kuteerera kwemunhu mumwe chete kuchaitawo kuti vakawanda vanzi vakarurama.+ 20 Mutemo wakaiswa pachena kuti zvitadzo zviwedzere.+ Asi nekuwedzera kwakaita chivi, nyasha dzaMwari dzakatonyanya kuwedzerawo. 21 Zvichiitirwei? Zvichiitirwa kuti, sezvo chivi chakatonga samambo pamwe nerufu,+ nyasha dzaMwari dzitongewo samambo kuburikidza nekururama kunotungamirira kuupenyu husingaperi kuburikidza naJesu Kristu Ishe wedu.+