Mapisarema
Kumutungamiriri weNehiroti.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
2 Teereraiwo kuchemera kwangu kubatsirwa,
Imi Mambo wangu naMwari wangu, nekuti ndinonyengetera kwamuri.
3 Jehovha, muchanzwa inzwi rangu mangwanani;+
Mangwanani ndichataurawo zvinondinetsa,+ ndomirira nechivimbo.
5 Hapana munhu anozvikudza angamira pamberi penyu.
Jehovha anosema vanhu vanoita zvemhirizhonga nevanonyengera.*+
7 Asi ndichauya kuimba+ yenyu nekuti mune rudo rukuru rusingachinji;+
Ndichakotama ndakatarisa kutemberi*+ yenyu tsvene ndichikutyai nekukuremekedzai.
8 Jehovha, nditungamirireiwo mukururama kwenyu nekuti ndakakombwa nevavengi;
Itai kuti nzira yenyu ijeke pamberi pangu.+
9 Nekuti hapana chavanotaura chingavimbwa nacho;
Hapana chiri mukati mavo kunze kwekurongera vamwe zvakaipa;
Huro dzavo iguva rakavhurika;
Vanonyengera nerurimi rwavo.+
Ngavadzingirwe kure nekuda kwezvitadzo zvavo zvakawanda,
Nekuti vakakupandukirai.
Muchadzivisa vanoda kuvakuvadza,
Uye vaya vanoda zita renyu vachakufarirai.