Jona
4 Asi izvi hazvina kana kumbofadza Jona; akatsamwa kwazvo. 2 Saka akanyengetera kuna Jehovha achiti: “Jehovha, izvi handizvo here zvaindinetsa pandakanga ndiri kunyika yangu? Ndokusaka ndakamboda hangu kutizira kuTashishi;+ nekuti ndaiziva kuti muri Mwari ane tsitsi* nengoni, anononoka kutsamwa, azere nerudo rusingachinji,+ uye anorwadziwa nekuunza dambudziko. 3 Zvino ndapota Jehovha, chindiurayai henyu, nekuti zviri nani kuti ndife zvangu pane kuti ndirarame.”+
4 Jehovha akamubvunza kuti: “Zvakanaka here kuti utsamwe zvakadaro?”
5 Jona akabva abuda muguta racho akanogara pasi kumabvazuva kwaro. Akagadzira dumba ikoko, akagara mumumvuri wacho achida kuona kuti chii chaizoitika kuguta racho.+ 6 Jehovha Mwari akabva aita kuti pakure mupudzi* kuitira kuti Jona awane mumvuri, uye kuti shungu dzake dzidzikire. Uye Jona akafarira mupudzi wacho chaizvo.
7 Asi mangwana acho, utonga hwava kutsvuka, Mwari wechokwadi akaita kuti gonye rirume mupudzi wacho, ukabva wasvava. 8 Zuva parakabuda, Mwari akaunza mhepo inopisa yaibva kumabvazuva, uye Jona akatsva nezuva zvekuti akanga ava kupera simba. Akaramba achikumbira kuti afe,* uye akaramba achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pane kuti ndirarame.”+
9 Mwari akati kuna Jona: “Zvakanaka here kuti utsamwire mupudzi zvakadaro?”+
Iye akati: “Handingambotadzi kutsamwa, ndakatotsamwa zvekuti ndiri kuda kufa.” 10 Asi Jehovha akati: “Wanzwira urombo mupudzi, wausina kushandira uye wausina kukudza. Wakura neusiku humwe chete ukaparara neusiku humwe chete. 11 Zvino ini handifaniriwo here kunzwira urombo Ninivhi guta guru,+ iro rine varume vanopfuura 120 000 vasingambozivi musiyano wezvakanaka nezvakaipa,* pamwe chete nezvipfuwo zvavo zvizhinji?”+