Mapisarema
Kumutungamiriri; ruchiridzwa nemutinhimira weSheminiti.*
Rwiyo rwaDhavhidhi.
12 Ndiponeseiwo Jehovha, nekuti hapasisina munhu akavimbika;
Vanhu vakatendeka vanyangarika pakati pevanhu.
3 Jehovha achacheka miromo yese inonyengera
Uye rurimi runozvikudza,+
4 Vaya vanoti: “Tichakunda nerurimi rwedu.
Tinoita zvatinoda nemiromo yedu;
Ndiani achava tenzi wedu?”+
5 “Nekuti vanotambudzika vakadzvinyirirwa,
Nekuti varombo vari kugomera,+
Ndichasimuka kuti ndiite chimwe chinhu,” anodaro Jehovha.
“Ndichavanunura pavanhu vanovashora.”*
6 Zvinotaurwa naJehovha zvakachena;+
Zvakaita sesirivha yakanatswa, yakacheneswa kanomwe muchoto chakaumbwa nevhu.*