NezvaSoromoni.
72 Haiwa Mwari, ipai mambo mitongo yenyu,
Uye ipai mwanakomana wamambo kururama kwenyu.+
2 Ngaamiririre nyaya dzevanhu venyu nekururama,
Uye dzevanhu venyu vakaderera achitonga zvakarurama.+
3 Makomo ngaaunzire vanhu rugare,
Uye zvikomo ngazviunzire vanhu kururama.
4 Iye ngaadzivirire vakaderera vari pakati pevanhu,
Ngaaponese vanakomana vemurombo,
Uye ngaapwanye anobiridzira.+
5 Vachakutyai chero bedzi kuine zuva
Uye chero bedzi kuine mwedzi,
Kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
6 Achaita semvura inonaya pauswa hwakachekererwa,
Semvura inopfunha inodiridza nyika.+
7 Mumazuva ake, vakarurama vachabudirira,+
Uye rugare ruchawanda+ kusvikira mwedzi usisipo.
8 Achatonga vanhu kubvira kugungwa kusvikira kugungwa
Uye kubvira kuRwizi kusvikira kumigumo yenyika.+
9 Vanogara mugwenga vachamukotamira,
Uye vavengi vake vachananzva guruva.+
10 Madzimambo eTashishi neezvitsuwa acharipa mutero.+
Madzimambo eShebha neeSebha achauya nezvipo.+
11 Madzimambo ese achamukotamira,
Uye marudzi ese achamushumira.
12 Nekuti iye achanunura murombo anochemera kubatsirwa,
Pamwe chete nemunhu akaderera uye munhu wese asina mubatsiri.
13 Achanzwira tsitsi munhu akaderera uye murombo,
Uye achaponesa varombo.
14 Achavanunura pakudzvinyirirwa nepakurwiswa,
Uye ropa ravo richange richikosha mumaziso ake.
15 Ngaararame uye ngaapiwe goridhe rekuShebha.+
Ngaarambe achinyengetererwa,
Uye ngaakomborerwe zuva rese.
16 Panyika pachava nezvirimwa zvakawanda chaizvo;+
Zvichafashukira pamusoro pemakomo.
Michero yake ichabereka seyemuRebhanoni,+
Uye mumaguta vanhu vachatumbuka sezvinomera zvepanyika.+
17 Zita rake ngarirambe riripo nekusingaperi,+
Uye ngaribudirire chero bedzi zuva riripo.
Vanhu ngavakomborerwe kuburikidza naye;+
Marudzi ese ngaamuti anofara.
18 Jehovha Mwari ngaarumbidzwe, Mwari waIsraeri;+
Iye ega anoita zvinhu zvinoshamisa.+
19 Zita rake rinokudzwa ngarirumbidzwe nekusingaperi,+
Uye kubwinya kwake ngakuzadze nyika yese.+
Ameni, Ameni.
20 Pano ndipo panoperera minyengetero yaDhavhidhi, mwanakomana waJese.+