Mapisarema
Munyengetero waDhavhidhi.
17 Inzwaiwo chikumbiro changu chekuti nditongwe zvakarurama Jehovha;
Teererai kuchemera kwangu kubatsirwa;
Teererai munyengetero wangu unotaurwa pasina kunyengera.+
3 Makaongorora mwoyo wangu, makandiongorora usiku;+
Makandinatsa;+
Muchaona kuti handina kuronga zvinhu zvakaipa,
Uye muromo wangu hauna kutadza.
6 Haiwa Mwari, ndinodana kwamuri, nekuti muchandipindura.+
Rerekerai nzeve yenyu kwandiri.* Inzwaiwo mashoko angu.+
7 Ndiratidzeiwo nenzira inoshamisa rudo rwenyu rusingachinji,+
Haiwa imi Muponesi wevaya vanotsvaga kwekupotera kuruoko rwenyu rwerudyi
Vachitiza vaya vanokupandukirai.
Vanotaura nemiromo yavo vachizvikudza;
Vanotsvaga mukana wekuti vaite kuti tiparare.*
12 Akafanana neshumba iri kuda kubvambura-bvambura mhuka yayabata,
Neshumba ine simba yakahwandira yakavhumbama.