Rwiyo rwaDhavhidhi.
24 Nyika nezvese zviri mairi ndezvaJehovha,+
Pasi pese nevanogarapo ndezvake.
2 Nekuti akaimisa zvakasimba pamusoro pemakungwa+
Uye akaisimbisa kwazvo pamusoro penzizi.
3 Ndiani angakwira kugomo raJehovha,+
Uye ndiani angamira munzvimbo yake tsvene?
4 Wese ane maoko asina mhosva nemwoyo wakachena,+
Asina kupika zvenhema neupenyu hwangu,
Kana kuti asina kuita mhiko achinyengera.+
5 Achagamuchira makomborero kubva kuna Jehovha+
Nekururama kubva kuna Mwari wake weruponeso.+
6 Ichi ndicho chizvarwa chevaya vanomutsvaga,
Chevaya vari kutsvaga chiso chenyu, haiwa Mwari waJakobho. (Sera)
7 Simudzai misoro yenyu imi magedhi;+
Zarukai imi masuo ekare kare,
Kuti Mambo anokudzwa apinde!+
8 Ndiani Mambo uyu anokudzwa?
NdiJehovha, akasimba uye ane simba guru,+
NdiJehovha, ane simba pakurwa.+
9 Simudzai misoro yenyu imi magedhi;+
Zarukai imi masuo ekare kare,
Kuti Mambo anokudzwa apinde!
10 Ndiani Mambo anokudzwa uyu?
Jehovha wemauto ndiye Mambo wacho anokudzwa.+ (Sera)