Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
109 Haiwa Mwari wandinorumbidza,+ musaramba makanyarara.
2 Nekuti vakaipa nevanyengeri vanoshama miromo yavo vachitaura zvakaipa nezvangu.
Vanotaura nezvangu nerurimi runoreva nhema;+
3 Vanondikomba nemashoko eruvengo,
Uye vanondirwisa pasina zvandaita.+
12 Ngaparege kuva nemunhu anomuratidza mutsa,*
Uye ngaparege kuva nemunhu anonzwira nyasha nherera dzake.
14 Kukanganisa kwemadzitateguru ake ngakuyeukwe naJehovha,+
Uye chivi chaamai vake ngachirege kudzimwa.
16 Nekuti haana kuyeuka kuratidza mutsa,*+
Asi akaramba achidzingirira munhu akadzvinyirirwa,+ murombo, uye akaora mwoyo
Kuti amuuraye.+
17 Aida kutuka, saka ndiye akazotukwa;
Akanga asingadi kukomborera, saka haana kukomborerwa.
18 Akapfekedzwa kutukwa senguo yake.
Uye kutukwa kwakadururirwa mumuviri make semvura,
Mumapfupa ake semafuta.
20 Uyu ndiwo mubayiro unobva kuna Jehovha wemunhu anondipikisa+
Uye wevaya vanotaura zvakaipa nezvangu.*
Ndinunurei, nekuti rudo rwenyu rusingachinji rwakanaka.+
23 Ndiri kupfuura semumvuri uri kupera;
Ndazunzirwa pasi semhashu.
Pavanondiona, vanodzungudza misoro yavo.+
26 Ndibatsireiwo Jehovha Mwari wangu;
Ndiponesei nerudo rwenyu rusingachinji.
27 Ngavazive kuti izvi zviri kuitwa neruoko rwenyu;
Kuti imi, haiwa Jehovha, makazviita.
28 Regai vatuke, asi imi komborerai.
Pavanosimuka kuti vandirwise, ngavanyadziswe,
Asi itai kuti mushumiri wenyu afare.
29 Vaya vanondipikisa ngavapfekedzwe nyadzi;