Mapisarema
א [Aleph]
Ndicharumbidza Jehovha nemwoyo wangu wese+
ב [Beth]
Ndiri muboka revakarurama uye ndiri muungano.
ג [Gimel]
ד [Daleth]
Anoongororwa nevanhu vese vanoafarira.+
ה [He]
3 Basa rake rinokudzwa uye rinobwinya,
ו [Waw]
Uye kururama kwake kunoramba kuripo nekusingaperi.+
ז [Zayin]
4 Anoita kuti mabasa ake anoshamisa ayeukwe.+
ח [Heth]
Jehovha anonzwira tsitsi* uye ane ngoni.+
ט [Teth]
5 Anopa vaya vanomutya zvekudya.+
י [Yod]
Anoyeuka sungano yake nekusingaperi.+
כ [Kaph]
6 Akaratidza vanhu vake mabasa ake esimba
ל [Lamed]
Nekuvapa nhaka yemamwe marudzi.+
מ [Mem]
7 Mabasa emaoko ake ndeechokwadi uye anotonga zvakarurama;+
נ [Nun]
Mirayiro yake yese yakavimbika.+
ס [Samekh]
8 Inogara ichivimbwa nayo, iye zvino uye nekusingaperi;
ע [Ayin]
Yakaitwa muchokwadi nekururama.+
פ [Pe]
9 Akapa vanhu vake rudzikinuro.+
צ [Tsade]
Akataura kuti sungano yake igare nekusingaperi.
ק [Qoph]
Zita rake idzvene uye rinoshamisa.+
ר [Resh]
10 Kutya Jehovha ndiko kutanga kweuchenjeri.+
ש [Sin]
Vese vanochengeta mirayiro yake vanoratidza kuti vanonzwisisa.+
ת [Taw]
Kurumbidzwa kwake kunogara nekusingaperi.