Mapisarema
BHUKU RECHITATU
(Mapisarema 73-89)
Rwiyo rwaAsafi.+
73 Zvechokwadi Mwari akanaka kuvaIsraeri, vaya vane mwoyo yakachena.+
7 Maziso avo akazvimba nekukora;
Vakapfuura zvingafungidzirwa nemwoyo.
8 Vanotsvinya uye vanotaura zvakaipa.+
Vanotaura nezvekudzvinyirira kwavo vachizvikudza.+
9 Vanoita sevari kutaura vari kudenga,
Uye vanofamba panyika rurimi rwavo ruchitaura chero zvavada.
10 Saka vanhu vake vanotsaukira kwavari,
Uye vanonwa mvura yavo yakawanda.
11 Vanoti: “Mwari angazviziva sei?+
Wekumusorosoro ane zvaanoziva here?”
12 Ava ndivo vakaipa, vasina kana zvinombovanetsa.+
Vanoramba vachiwedzera pfuma yavo.+
13 Chokwadi hapana zvazvinobatsira kuchengeta kwandakaita mwoyo wangu wakachena
Uye kugeza kwandakaita maoko angu kuti ndisava nemhosva.+
16 Pandakaedza kuzvinzwisisa,
Zvainditambudza
17 Kusvikira ndapinda munzvimbo tsvene yaMwari,
Uye ndanzwisisa ramangwana ravo.
18 Chokwadi munovaisa panotsvedza.+
Munoita kuti vadonhe voparara.+
19 Vanoparadzwa vasingafungiri!+
Mugumo wavo wakaipa unosvika vasingafungiri!
20 Sezvinoitika panopepuka munhu anga achirota, haiwa Jehovha,
Pamunomuka, muchadzinga mufananidzo wavo pamberi penyu.
22 Ndakanga ndisingafungi uye ndisinganzwisisi;
Ndaiita semhuka isina pfungwa pamberi penyu.
25 Ndiani wandiinaye kumatenga?
Uye kunze kwenyu hapana chimwe chandinofarira panyika.+
26 Muviri wangu nemwoyo wangu zvingaparara,
Asi Mwari idombo remwoyo wangu uye mugove wangu nekusingaperi.+
27 Chokwadi vese vanoramba vari kure nemi vachaparara.
Muchagumisa* munhu wese anoita unzenza hwekukusiyai.*+
28 Asi kana ndiri ini, kuswedera pedyo naMwari kwakandinakira.+
Ndakaita kuti Changamire Ishe Jehovha ave nzvimbo yangu yekupotera,
Kuti ndizivise mabasa enyu ese.+