Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika
1 Pauro, naSirivhano,*+ naTimoti,+ kuungano yevaTesaronika iri pamwe naMwari Baba naShe Jesu Kristu:
Nyasha dzaMwari nerugare ngazvive nemi.
2 Tinogara tichitenda Mwari patinotaura nezvenyu mese muminyengetero yedu,+ 3 nekuti tinogara tichiyeuka basa renyu ramunoita nekutenda, basa renyu rerudo, uye kutsungirira kwenyu kunobva patariro+ yamuinayo munaShe wedu Jesu Kristu pamberi paMwari wedu uye Baba vedu. 4 Nekuti tinoziva kukusarudzai kwaakaita, imi hama dzinodiwa naMwari, 5 nekuti mashoko akanaka atinoparidza haana kuuya kwamuri nekungotaurwa chete, asi akauyawo nesimba uye nemweya mutsvene tiine chokwadi chakasimba nezvataitaura, sezvo muchiziva kuti pataiva nemi takava vanhu vakaita sei kuti zvikubatsirei. 6 Uye imi makava vatevedzeri vedu+ nevaShe,+ sezvo makagamuchira shoko muri mumatambudziko+ muchifara nemweya mutsvene waiva mamuri, 7 zvekuti makava muenzaniso wakanaka kuvatendi vese vekuMakedhoniya nevekuAkaya.
8 Chokwadi ndechekuti, kugamuchira kwamakaita shoko raJehovha* hakuna kungonzwika kuMakedhoniya neAkaya chete, asi kutenda kwenyu muna Mwari kwapararira kwese kwese,+ zvekuti hatisisina chekutaura. 9 Nekuti ivo vanoramba vachitaura nezvekutanga kwatakaita kuonana nemi uye kutendeukira kuna Mwari kwamakaita muchibva kuzvidhori zvenyu+ kuti muve varanda vaMwari mupenyu uye wechokwadi, 10 uye kuti mumirire Mwanakomana wake achibva kudenga,+ waakamutsa kuvakafa, iye Jesu, anotinunura pahasha dziri kuuya.+