Hagai
2 Mumwedzi wechi7, pazuva rechi21 remwedzi wacho, shoko raJehovha rakauya kumuprofita Hagai,+ richiti, 2 “Bvunza Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri, gavhuna weJudha,+ nemupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki,+ nevamwe vanhu vese kuti: 3 ‘Pakati penyu ndivanaani vachiripo vakaona kunaka kwaiva kwakaita imba* iyi pakutanga?+ Mava kuiona sei iye zvino? Ichiri chinhu here kana ichienzaniswa nezvayakanga yakaita?’+
4 “‘Zvino simba iwe Zerubhabheri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye simba iwe mupristi mukuru Joshua mwanakomana waJehozadhaki.’
“‘Simbai imi vanhu vese vemunyika ino, muite basa,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
“‘Nekuti ndinemi,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto. 5 ‘Yeukai zvandakakuvimbisai pamakabuda muIjipiti,+ uye iye zvino mweya wangu uchiri nemi.*+ Musatya.’”+
6 “Nekuti zvanzi naJehovha wemauto, ‘Munguva pfupi iri kuuya ndichazunungusa zvakare denga nenyika negungwa nepasi.’+
7 “‘Ndichazunungusa marudzi ese, uye zvinhu zvinokosha zvinobva kumarudzi ese zvichauya;+ uye ndichazadza imba ino nekubwinya,’+ anodaro Jehovha wemauto.
8 “‘Sirivha ndeyangu, negoridhe nderangu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.
9 “‘Imba iyi ichange ichikudzwa kupfuura zvayaiva pakutanga,’+ anodaro Jehovha wemauto.
“‘Ndichaita kuti munzvimbo ino muve nerugare,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”
10 Pazuva rechi24 remwedzi wechi9, mugore rechipiri raDhariyasi, shoko raJehovha rakauya kumuprofita Hagai,+ richiti: 11 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Bvunza vapristi zvinotaurwa nemutemo, uchiti:+ 12 “Kana munhu akatakura nyama tsvene muhomwe yenguo yake, nguo yake yogunzva chingwa kana zvekudya zvakabikwa kana waini kana mafuta kana zvimwewo zvekudya, zvinobva zvavawo zvitsvene here?”’”
Vapristi vakabva vati: “Kwete!”
13 Hagai akabva ati: “Kana zvinhu izvi zvikabatwa nemunhu anenge asvibiswa nekubata chitunha,* zvinenge zvisisina kuchena here?”+
Vapristi vakapindura kuti: “Ehe, zvinenge zvisisina kuchena.”
14 Saka Hagai akati: “‘Ndizvo zvakaita vanhu ava, uye ndiwo maonero andiri kuita rudzi urwu,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndizvo zvakaitawo basa rese ravanoita nemaoko avo; zvinhu zvese zvavanopa ipapo hazvina kuchena.’
15 “‘Asi iye zvino, ndapota, nyatsofungai izvi kubvira nhasi zvichienda mberi: Temberi yaJehovha isati yatanga kuvakwa,+ 16 zvinhu zvainge zvakamira sei? Munhu aienda pamurwi wezviyo* achitarisira kuwana masaga 20, owana 10 chete; uye mumwe aienda kuchisviniro chewaini achifunga kuti achawana zvirongo 50 zvewaini, owana 20 chete;+ 17 ndakaparadza basa rese remaoko enyu ndichiita kuti zvirimwa zvenyu zvitsve nemhepo inopisa, zviore+ uye zvirohwe nechimvuramabwe, asi hapana kana mumwe chete wenyu akadzoka kwandiri,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha.
18 “‘Kubvira nhasi, zuva rechi24 remwedzi wechi9, zuva ravakwa faundesheni yetemberi yaJehovha,+ kubvira nhasi zvichienda mberi nyatsofungai izvi: 19 Mudura mati mava nembeu here?+ Muzambiringa nemuonde nemupomegraneti* nemuorivhi yati yabereka here? Kubvira nhasi ndichakukomborerai.’”+
20 Shoko raJehovha rakauya kuna Hagai kechipiri, pazuva rechi24 remwedzi wacho,+ richiti: 21 “Iti kuna Zerubhabheri gavhuna weJudha, ‘Ndichazunungusa denga nenyika.+ 22 Ndichaparadza zvigaro zveumambo, ndotsakatisa simba reumambo hwemarudzi;+ uye ndichaparadza ngoro nevanoitasva, uye mabhiza nevatasvi vawo vachafa, mumwe nemumwe achiurayiwa nebakatwa rehama yake.’”+
23 “‘Zuva iroro,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, ‘ndichakutora iwe mushumiri wangu Zerubhabheri+ mwanakomana waSheatiyeri,’+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha, ‘uye ndichaita kuti uite serin’i ine chidhindo,* nekuti ndiwe wandakasarudza,’ ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.”