Mapisarema
Kumutungamiriri. Pisarema. Rwiyo.
66 Shevedzerai kuna Mwari muchifara, imi nyika yese.+
2 Imbai muchirumbidza zita rake rinokudzwa.
Murumbidzei uye mukudzei.+
3 Taurai kuna Mwari kuti: “Mabasa enyu anoshamisa zvikuru!+
Nekuda kwesimba renyu guru,
Vavengi venyu vachadedera pamberi penyu.+
4 Nyika yese ichakukotamirai;+
Vachaimba vachikurumbidzai;
Vachaimba vachirumbidza zita renyu.”+ (Sera)
5 Uyai muone mabasa aMwari.
Zvaanoitira vanakomana vevanhu zvinoshamisa.+
Takafara nezvaakatiitira ipapo.+
7 Anotonga nekusingaperi+ nesimba rake.
Maziso ake anogara akatarisa zviri kuitwa nemarudzi.+
Vaya vakaoma musoro havafaniri kuzvikwidziridza.+ (Sera)
11 Makatipinza mumambure ekuvhimisa;
Makaisa mutoro unorema patiri.
12 Makabvumira kuti vanhu vatasve mabhiza vachititsika-tsika;
Takapinda nemumoto uye nemumvura;
Mukazotiunza kunzvimbo yekuzororera.
13 Ndichapinda mumba menyu nezvibayiro zvinopiswa;+
Ndicharipa mhiko dzangu kwamuri+
14 Dzandakavimbisa nemiromo yangu+
Uye dzandakataura nemuromo wangu pandaitambudzika.
15 Ndichakupai zvibayiro zvinopiswa zvemhuka dzakakodzwa
Neutsi hwechibayiro chemakondohwe.
Ndichapa mikono yemombe pamwe chete nenhongo. (Sera)
17 Ndakashevedzera kwaari nemuromo wangu
Uye ndakamurumbidza nerurimi rwangu.
20 Mwari ngaarumbidzwe, asina kuramba munyengetero wangu
Kana kubvisa mutsa wake pandiri.