Mariro
5 Haiwa Jehovha, yeukai zvakatiwira.
Tarisai muone kuzvidzwa kwedu.+
2 Nhaka yedu yapiwa vanhu vatisingazivi, dzimba dzedu dzapiwa vekune dzimwe nyika.+
3 Tava nherera dzisina baba; vanaamai vedu vaita sechirikadzi.+
4 Tinotofanira kubhadhara kuti tinwe mvura yedu,+ uye huni dzedu pachedu tava kutoita zvekudzitenga.
6 Tinotambanudzira ruoko rwedu kuIjipiti+ neAsiriya,+ kuti tiwane zvekudya zvakakwana.
7 Madzitateguru edu ayo akatadza haasisipo, asi ndisu tava kutakura kukanganisa kwavo.
8 Tava kutongwa nevaranda; hapana anogona kutibvuta paruoko rwavo.
9 Tinoisa upenyu hwedu* pangozi kuti tiwane zvekudya,+ nemhaka yebakatwa riri murenje.
10 Ganda redu rava kupisa sechoto, nemhaka yekurumwa nenzara.+
11 Vakanyadzisa* madzimai ari muZiyoni, mhandara dziri mumaguta eJudha.+
12 Machinda akaturikwa, akarembedzwa akasungwa ruoko rumwe chete,+ uye vakuru havana kuremekedzwa.+
13 Majaya atakura guyo, uye vakomana vari kudzedzereka vakatakura masvinga ehuni.
14 Vakuru havasisipo pagedhi reguta;+ majaya haasi kuridza nziyo dzawo.+
15 Mwoyo yedu haisisina mufaro; kutamba kwedu kwachinja kukava kuchema.+
16 Korona yawa kubva mumusoro medu. Tine nhamo nekuti takatadza!
17 Izvi zviri kuita kuti mwoyo yedu irwadze,+
Uye nemhaka yezvinhu izvi maziso edu haachanyatsooni,+
18 Nemhaka yekuti Gomo reZiyoni rava dongo;+ makava ava kungofamba mariri.
19 Kana muri imi, haiwa Jehovha, munogara pachigaro chenyu cheumambo nekusingaperi.
Chigaro chenyu chinoramba chiripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.+
20 Nei muchitikanganwa nekusingaperi, muchitisiya kwenguva yakareba kudai?+
21 Haiwa Jehovha, tidzosei kwamuri uye tichabva tangodzoka kwamuri.+
Itai kuti mazuva edu ave matsva seaya ekare.+
22 Asi makatiramba zviri pachena.
Muri kuramba makatitsamwira chaizvo.+