Mapisarema
Rumbidzai zita raJehovha;
Murumbidzei, imi vashumiri vaJehovha,+
2 Imi makamira muimba yaJehovha,
Muzvivanze zveimba yaMwari wedu.+
3 Rumbidzai Jah, nekuti Jehovha akanaka.+
Imbai muchirumbidza zita rake, nekuti rinofadza.
6 Jehovha anoita zvese zvaanenge achida kuita+
Kudenga nepanyika, mumakungwa nemumvura yese yakadzika.
7 Anoita kuti makore asimuke* kubva kumigumo yenyika;
Anoita kuti mvura yekunaya ive nemheni;*
Anobudisa mhepo mumatura ake.+
10 Akaparadza marudzi akawanda+
Uye akauraya madzimambo aiva nesimba,+
Ogi mambo weBhashani,+
Neumambo hwese hweKenani.
13 Haiwa Jehovha, zita renyu rinogara nekusingaperi.
Haiwa Jehovha, mukurumbira wenyu unogara* kwezvizvarwa zvese.+
Hazvina mweya wekufema mumuromo mazvo.+
19 Imi imba yaIsraeri, rumbidzai Jehovha.
Imi imba yaAroni, rumbidzai Jehovha.
20 Imi imba yaRevhi, rumbidzai Jehovha.+
Imi vanotya Jehovha, rumbidzai Jehovha.
Rumbidzai Jah!+