Mika
Hamufaniri kunge muchiziva zvinhu zvakarurama here?
2 Asi munovenga zvakanaka+ muchida zvakaipa;+
Munobvisa vanhu vangu ganda ravo nenyama yavo pamapfupa avo.+
3 Munodyawo nyama yevanhu vangu+
Uye munobvisa ganda ravo,
Munotyora mapfupa avo muchiapwanya-pwanya+
Sezvinhu zviri kubikwa muhari uye senyama iri muhari yekubikira.
4 Panguva iyoyo vachashevedzera kuna Jehovha kuti avabatsire,
Asi haazovapinduri.
5 Zvanzi naJehovha pamusoro pevaprofita vari kutsausa vanhu vangu,+
Vaya vanoti, ‘Rugare!’+ pavanenge vachiruma* nemazino avo+
Asi vachiti munhu wese asingavapi zvekudya anofanira kurwiswa:
Zuva richavirira vaprofita,
Uye masikati achava rima kwavari.+
Vese vachabata miromo yavo,*
Nekuti Mwari haazovapinduri.’”
8 Asi kana ndiri ini, mweya waJehovha wandipa simba guru,
Nekururama neushingi,
Kuti ndiudze Jakobho nezvekupanduka kwake uye Israeri chivi chake.
9 Inzwai izvi, imi vakuru veimba yaJakobho
Nemi vatungamiriri veimba yaIsraeri+
Vanovenga kururama uye vanomonyanisa zvinhu zvese zvakarurama,+
10 Imi vanovaka Ziyoni vachideura ropa uye vanovaka Jerusarema vachiita zvisina kururama.+
11 Vatungamiriri varo vanotonga kuti vawane chiokomuhomwe,+
Vapristi varo vanodzidzisa kuti vawane mubhadharo,+
Asi vanoti vanovimba naJehovha, vachiti:
“Handiti Jehovha anesu here?+
Hapana dambudziko richatiwira.”+