Zekariya
12 Shoko rinokosha:
“Iri ndiro shoko raJehovha pamusoro paIsraeri,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
Uyo akatambanudza denga,+
Uye akavaka nheyo dzenyika,+
Akasika upenyu huri mumunhu.*
2 “Ndiri kuita kuti Jerusarema rive kapu inoita kuti marudzi ese akaripoteredza adzedzereke; Judha ichakombwa uye Jerusarema richakombwawo.+ 3 Zuva iroro ndichaita kuti Jerusarema rive dombo rinoremera marudzi ese. Vese vanorisimudza vachakuvadzwa zvakaipisisa;+ uye marudzi ese epanyika achauya kuzorirwisa.+ 4 Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha, “ndichavhundutsa mabhiza ese uye ndichapengesa vatasvi vawo. Maziso angu acharamba ari paimba yaJudha, asi ndichapofumadza mabhiza ese emarudzi. 5 Madzishe eJudha achati mumwoyo mawo, ‘Vagari vemuJerusarema ndivo vanoita kuti ndive nesimba rinobva kuna Jehovha wemauto, Mwari wavo.’+ 6 Zuva iroro ndichaita kuti madzishe eJudha aite sehari ine moto iri pakati pehuni uye sezhenje remoto riri pazvirimwa zvachekwa zvakarongwa mumutsetse,+ uye vachaparadza marudzi ese ari kurudyi uye ari kuruboshwe;+ uye vagari vemuJerusarema vachagarazve munzvimbo yavo, imo muJerusarema.+
7 “Jehovha achatanga aponesa matende aJudha, kuti runako rweimba yaDhavhidhi nerunako rwevagari vemuJerusarema rusanyanya kupfuura runako rwaJudha. 8 Zuva iroro Jehovha achadzivirira vagari vemuJerusarema kumativi ese;+ zuva iroro, munhu asina simba kupfuura vese* pakati pavo achaita saDhavhidhi, uye imba yaDhavhidhi ichaita saMwari, ichaita sengirozi yaJehovha iri kuvatungamirira.+ 9 Uye zuva iroro handizoregi kuparadza marudzi ese anouya kuzorwisa Jerusarema.+
10 “Ndichadururira mweya wenyasha newekuteterera paimba yaDhavhidhi nepavagari vemuJerusarema, uye vachatarisa uya wavakabaya,+ vomuchema sevari kuchema mwanakomana wavo mumwe chete; uye vachamuchema zvinopisa tsitsi sevari kuchema mwanakomana wedangwe. 11 Zuva iroro muJerusarema muchava nemhere huru, semhere yepaHadhadhirimoni muBani reMegidho.+ 12 Nyika icharidza mhere, mhuri imwe neimwe iri yega; mhuri yekwaDhavhidhi iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yekwaNatani+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 13 mhuri yekwaRevhi+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; mhuri yevaShimei+ iri yega, uye vakadzi vemumhuri yacho vari vega; 14 nedzimwe mhuri dzese, mhuri imwe neimwe iri yega, uye vakadzi vemumhuri dzacho vari vega.