Mapisarema
Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo. Maskiri.* Rwiyo rwaDhavhidhi.
55 Teereraiwo munyengetero wangu Mwari,+
Uye musarega kunzwa chikumbiro changu chekunzwirwa tsitsi.*+
Kunetseka kwangu kuri kundishayisa zororo,+
Uye ndiri kushungurudzika
3 Nemhaka yezviri kutaurwa nemuvengi
Uye kundiomesera kuri kuita vakaipa.
Nekuti vanoramba vachitutira matambudziko pandiri,
Uye vanoramba vachindivenga vakatsamwa.+
5 Kutya nekudedera zviri pandiri,
Uye kubvunda kwakandibata.
6 Ndinongoti: “Dai ndaiva nemapapiro senjiva!
Ndaibhururuka ndonogara kwakachengeteka.
7 Onai! Ndaitizira kure kure.+
Ndainogara murenje.+ (Sera)
8 Ndaimhanyira kunzvimbo yekuhwanda,
Iri kure nemhepo inovhuvhuta, kure nedutu.”
9 Vavhiringidzei, haiwa Jehovha, uye vhiringidzai zvirongwa zvavo,*+
Nekuti ndakaona mhirizhonga uye kupesana muguta.
Haisi mhandu yakandipandukira;
Zvimwe ndingadai ndakamuhwanda.
14 Taiva shamwari dzepedyo;
Taiwanzofamba tichipinda mumba maMwari tiri pamwe chete neruzhinji.
Ngavadzike muGuva* vari vapenyu;
Nekuti uipi hunogara pakati pavo uye mukati mavo.
Vaya vasina kutya Mwari
Vacharamba kuchinja.+
Mashoko ake manyoro kupfuura mafuta,
Asi iwo mapakatwa akavhomorwa.+
Haazombobvumiri munhu akarurama kuti adonhe.*+
23 Asi imi, haiwa Mwari, muchavaisa mugomba rakadzikadzika.+
Vaya vane mhosva yekudeura ropa nevanonyengera havazorarami hafu yemazuva avo.+
Asi kana ndiri ini ndichavimba nemi.