Tsamba Yekutanga yaPetro
4 Sezvo Kristu akatambura panyama,+ imiwo zvishongedzei nemafungiro akaita saiwayo; nekuti munhu anenge atambura panyama arega zvivi,+ 2 kuti nguva yake yasara yekurarama panyama, arege kuiraramira kuchiva,+ asi kuita kuda kwaMwari.+ 3 Nekuti nguva yamakapedza muchiita zvaidiwa nevanhu vemamwe marudzi+ yakakwana, yamaigara muchiita mabasa akafumuka,* muine ruchiva rwakanyanya, muchinwa zvakapfurikidza, muchiita mitambo yekufara zvakapfurikidza, nemitambo yekunwa zvakanyanyisa, muchiita zvinorambidzwa nemutemo zvekunamata zvidhori.+ 4 Vanhu ivavo vanoshaya kuti sei musingarambi muchiita navo zvinhu izvozvo zvakaipa, saka vanotaura zvakaipa nezvenyu.+ 5 Asi vanhu ava vachazvidavirira kune uya akagadzirira kutonga vapenyu nevakafa.+ 6 Izvi ndizvo zvakatoita kuti mashoko akanaka aziviswewo kune vakafa,+ kuti kunyange zvazvo vachitongwa sezvavari panyama maererano nezvinoonekwa nevanhu, vararame vachitungamirirwa nemweya mukuona kwaMwari.
7 Asi kuguma kwezvinhu zvese kwava pedyo. Saka ivai nepfungwa dzakanaka,+ uye garai makagadzirira kunyengetera.+ 8 Kupfuura zvese, dananai kwazvo,+ nekuti rudo runovhara zvivi zvizhinji.+ 9 Gamuchiranai zvakanaka musinganyunyuti.+ 10 Zvichienderana nekuti mumwe nemumwe wenyu akagamuchira chipo chakaita sei, ngaachishandise pakushumira vamwe semutariri akanaka kwazvo wenyasha dzaMwari dzinoratidzwa nenzira dzakasiyana-siyana.+ 11 Kana munhu achitaura, ngaaite izvozvo seari kutaura mashoko anobva kuna Mwari; kana munhu achishumira, ngaaite izvozvo seari kuvimba nesimba rinopiwa naMwari,+ kuti Mwari akudzwe+ muzvinhu zvese kuburikidza naJesu Kristu. Kukudzwa nesimba ndezvake nariini nariini. Ameni.
12 Vadiwa, musashamiswa nemiedzo yakaita semoto yamuinayo,+ sekunge kuti zviri kuitika kwamuri zvitsva. 13 Asi rambai muchifara+ nepamasvika pakutamburawo sezvakaita Kristu,+ kuti mufarewo uye mupembere nemufaro pakuratidzwa kwekubwinya kwake.+ 14 Kana muchishorwa* nekuda kwezita raKristu, munofara,+ nekuti mweya wekubwinya, iwo mweya waMwari, uri pamuri.
15 Zvisinei, ngaparege kuva nemumwe wenyu anotambura nekuti muurayi kana kuti imbavha kana kuti anoita zvakaipa kana kuti anopindira munyaya dzisinei naye.+ 16 Asi kana munhu akatambura nekuti muKristu, ngaarege kunyara,+ asi ngaarambe achikudza Mwari achidanwa nezita iri. 17 Nekuti yava nguva yakasarudzwa yekuti kutonga kutange neimba yaMwari.+ Zvino kana kukatanga nesu,+ zvichamira sei kune vaya vasingateereri mashoko akanaka aMwari?+ 18 “Uye kana zvakaoma kuti munhu akarurama apone, chii chichaitika kumunhu asingadi Mwari uye kumutadzi?”+ 19 Saka vaya vari kutambura nemhaka yekuti vari kuita kuda kwaMwari ngavarambe vachizviisa* mumaoko eMusiki akatendeka vachiita zvakanaka.+