Isaya
2 Mumwe nemumwe achaita senzvimbo yekuhwanda mhepo,
Nzvimbo yekuhwanda mvura* ine dutu,
Sehova dzemvura munyika isina mvura,+
Semumvuri wedombo guru munyika yakaoma.
3 Ipapo maziso evaya vari kuona haazorambi akavharwa akanamana,
Uye nzeve dzevaya vari kunzwa dzichateerera.
4 Vaya vane mwoyo inomhanyirira zvinhu vachadzamisa pfungwa kuti vave neruzivo,
Uye rurimi runokakama ruchataura zvakajeka, ruchitsetsenura.+
5 Benzi harichazonzi rine rupo,
Uye munhu asina tsika haazoshevedzwi kuti mukuru mukuru;
6 Nekuti benzi richataura zveupenzi,
Uye mwoyo waro ucharonga zvinhu zvakaipa,+
Kuti ripandutse vanhu* uye kuti ritaure zvakatsauka pana Jehovha,
Kuti rishayise munhu* ane nzara zvekudya
Uye kuti rinyime munhu ane nyota chekunwa.
7 Mazano emunhu asina tsika akaipa;+
Anofurira vanhu kuita zvinhu zvinonyadzisa
Kuti aparadze munhu anotambudzika nenhema,+
Kunyange murombo paanotaura zvakarurama.
8 Asi munhu ane rupo anoda zvekupa,
Uye anoramba achiratidza rupo.
9 “Simukai, imi vakadzi vasingatirimuki, muteerere inzwi rangu!
Imi vanasikana vasingakendengi,+ inzwai zvandinotaura!
10 Imi vasingakendengi muchadedera pachapera nguva inongoti pfuurei gore,
Nekuti pachange pasina muchero unenge waunganidzwa kana kukohwa mazambiringa kwapera.+
11 Gwagwadzai, imi vakadzi vasingatirimuki!
Dederai, imi vasingakendengi!
Pfekenurai musare muri mushutu,
Uye sungirai masaga muhudyu dzenyu.+
12 Zvirovei zvipfuva
Muchichemera minda yakanaka nemuzambiringa unobereka.
13 Nekuti nyika yevanhu vangu ichazara neminzwa nemakwenzi ane minzwa;
Zvichazara mudzimba dzese dzemufaro mukuru,
Muguta rekupembera nemufaro.+
Oferi+ nenharire zvangova nyika isina chinhu inongogara yakadaro,
Nyika inofarirwa nemadhongi emusango,
Iwo mafuro ezvipfuwo,+
15 Kusvikira mweya wadururirwa patiri uchibva kumusoro,+
Uye renje rava munda wemichero,
Uye munda wemichero wava kuonekwa sesango.+
17 Kururama kwechokwadi kuchaita kuti pave nerugare,+
Uye kururama kwechokwadi kuchabereka runyararo nekuchengeteka zvinoramba zviripo.+
18 Vanhu vangu vachagara munzvimbo ine rugare,
Munzvimbo dzekugara dzakachengeteka nemunzvimbo dzekuzororera dzine runyararo.+
19 Asi chimvuramabwe chichaparadza sango,
Uye guta richasara rangoti sandara.