Jobho
26 Jobho akapindura achiti:
2 “Inga unogona kubatsira munhu asina simba!
Inga unogona kuponesa ruoko rusina simba!+
3 Inga wapa zano rinobatsira chaizvo munhu asina uchenjeri!+
Inga wanyatsoratidza kuti une mazano euchenjeri!
4 Ndiani wauri kuedza kutaura naye,
Uye ndiani akakufemera kuti utaure zvakadaro?
5 Vaya vasina simba murufu vanodedera;
Vari pakadzika kupfuura kunyange mvura nezvinhu zvinogara mairi.
7 Anotatamura denga rekuchamhembe* panzvimbo isina chinhu,+
Achirembedza nyika pasina chinhu;
8 Anoputira mvura mumakore ake,+
Zvekuti makore haaputiki nekuremerwa nayo;
9 Anovharidzira chigaro chake cheumambo,
Achitambanudza gore rake pamusoro pacho.+
11 Mbiru dzedenga chaidzo dzinozununguka;
Dzinovhunduka nekutuka kwake.
Saka ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”+