33 Pemberai nemufaro imi vakarurama, pamusana pezvakaitwa naJehovha.+
Zvakakodzera kuti vakarurama vamurumbidze.
2 Ongai Jehovha nerudimbwa;
Imbai muchimurumbidza nechiridzwa chine tambo gumi.
3 Muimbirei rwiyo rutsva;+
Ridzai tambo zvine unyanzvi, muchishevedzera nemufaro.
4 Nekuti shoko raJehovha rakarurama,+
Uye zvese zvaanoita zvakavimbika.
5 Iye anoda kururama uye kutonga zvakarurama.+
Nyika yakazara nerudo rwaJehovha rusingachinji.+
6 Denga rakaitwa neshoko raJehovha,+
Uye zvese zviri mariri zvakavapo nemweya wemuromo wake.
7 Anounganidza mvura yemugungwa sedziva;+
Anoisa mvura ine mafungu mumatura.
8 Nyika yese ngaitye Jehovha.+
Vagari vese vemunyika ngavamutye.
9 Nekuti akataura, uye zvakavapo;+
Akarayira, uye zvakamira zvakasimba.+
10 Jehovha akavhiringidza mazano emarudzi;+
Akaita kuti zvirongwa zvevanhu zvikundikane.+
11 Asi mitongo yaJehovha ichamira nekusingagumi;+
Pfungwa dzemwoyo wake dzicharamba dziripo kwezvizvarwa nezvizvarwa.
12 Runofara rudzi runonamata Jehovha saMwari warwo,+
Vanhu vaakasarudza kuti vave nhaka yake.+
13 Jehovha anotarisa ari kudenga;
Anoona vanakomana vese vevanhu.+
14 Anotarisa vagari vepanyika
Ari panzvimbo yake yaanogara.
15 Ndiye ari kuumba mwoyo yavo vese;
Anoongorora mabasa avo ese.+
16 Hapana mambo anoponeswa neuto rakakura;+
Murume akasimba haaponeswi nesimba rake rakawanda.+
17 Bhiza rinopa tariro yenhema yekupona;+
Kuva kwaro nesimba guru hakurevi kuti munhu achapukunyuka.
18 Onai! Ziso raJehovha riri pane vaya vanomutya,+
Vaya vanomirira rudo rwake rusingachinji,
19 Kuti avanunure parufu
Uye kuti avachengetedze vari vapenyu panzara.+
20 Tiri kutarisira kuna Jehovha.
Ndiye mubatsiri wedu nenhoo yedu.+
21 Mwoyo yedu inofadzwa naye,
Nekuti tinovimba nezita rake dzvene.+
22 Rudo rwenyu rusingachinji ngaruuye patiri, haiwa Jehovha,+
Patiri kuramba takakumirirai.+