Tsamba Yekutanga yaPetro
2 Saka regai zvakaipa+ zvese nemanomano ese neunyengeri neshanje nekunyeya kwese. 2 Sevacheche vachangobva kuberekwa,+ ivai nenzara yemukaka* usina kushatiswa* weshoko, kuti ukukudzei kusvika maponeswa,+ 3 chero bedzi maravira* kuti Ishe ane mutsa.
4 Pamuri kuuya kwaari, iye dombo benyu rakarambwa nevanhu,+ asi rakasarudzwa, uye rinokosha kuna Mwari,+ 5 imi vacho, sezvo muri matombo mapenyu, muri kuvakwa kuti muve imba yemweya,+ mova vapristi vatsvene, kuti mupe zvibayiro zvemweya+ zvinogamuchirwa naMwari, kuburikidza naJesu Kristu.+ 6 Nekuti Rugwaro runoti: “Onai! Ndiri kuisa muZiyoni dombo rakasarudzwa, dombo rinokosha repakona refaundesheni, uye hapana munhu anotenda mariri achaodzwa mwoyo.”*+
7 Saka kwamuri anokosha nekuti muri vatendi; asi kune vaya vasingatendi, “dombo rakarambwa nevavaki+ ndiro razova dombo guru repakona”*+ 8 uye “dombo rekugumbura nedombo remhosva.”+ Vari kugumburwa nekuti havateereri shoko. Izvi ndizvo zvavakatemerwa. 9 Asi imi muri “vanhu vakasarudzwa, vapristi uye madzimambo, rudzi rutsvene,+ vanhu vake vaanokoshesa,+ kuti muzivise kwese kwese kunaka kukuru”*+ kwaiye akakudanai kubva murima, akakupinzai muchiedza chake chinoshamisa.+ 10 Nekuti makanga musiri rudzi, asi iye zvino mava vanhu vaMwari;+ maimbova vanhu vasina kunzwirwa tsitsi, asi iye zvino makanzwirwa tsitsi.+
11 Vadiwa, ndinokukurudzirai kuti imi sevatorwa uye sevagari vari kupfuura+ murambe muchirega zvido zvenyama,+ izvo zviri kurwisana nemi.*+ 12 Rambai muchiita zvakanaka pakati pemarudzi,+ kuti pavanokupomerai kuti munoita zvakaipa, vaone mabasa enyu akanaka+ vokudza Mwari pazuva rake rekuongorora.
13 Zviisei pasi peutungamiriri hwese hunogadzwa nevanhu,+ muchiitira Ishe, angava mambo+ uyo ane simba pamuri 14 kana magavhuna aanotuma kuti arange vanoita zvakaipa uye kuti arumbidze vanoita zvakanaka.+ 15 Nekuti Mwari anoda kuti zvakanaka zvamunoita zvivhare miromo yevaya vasingafungi vanotaura zvisizvo.+ 16 Muri vanhu vakasununguka,+ asi shandisai rusununguko rwenyu sevaranda vaMwari,+ kwete sechinhu chekuhwanda nacho pakuita zvakaipa.+ 17 Kudzai vanhu vese,+ idai sangano rese rehama,+ ityai Mwari,+ kudzai mambo.+
18 Vashandi ngavazviise pasi pavanatenzi vavo vachiratidza kuti vanovatya sezvavanofanira kuita,+ vasingadaro kune vakanaka nevanonzwisisa chete, asiwo kune vaya vakaoma kufadza. 19 Nekuti kana munhu achitsungirira matambudziko* uye achirwadziswa pasina mhosva yaaita, achizviitira hana yake kuna Mwari, izvozvo zvinofadza.+ 20 Nekuti zvinobatsirei kana mukatsungirira kurohwa nekuti munenge matadza?+ Asi kana mukatsungirira matambudziko nekuti munenge maita zvakanaka, izvozvo zvinofadza Mwari.+
21 Makatodanirwa izvozvo, nekuti Kristu pachake akakutambudzikirai,+ achikusiyirai muenzaniso kuti mufambe muchitevera maakatsika namo.+ 22 Haana kuita chivi,+ uye haana kumbotaura mashoko eunyengeri.+ 23 Paaitukwa+ haana kutukawo.+ Paaitambura+ haana kutyisidzira, asi iye akazviisa mumaoko euya anotonga+ zvakarurama. 24 Iye akatakura zvivi zvedu+ mumuviri wake padanda,*+ kuti tisunungurwe pazvivi,* toraramira kururama. Uye “maronda ake akaita kuti muporeswe.”+ 25 Nekuti makanga makaita semakwai akarasika,+ asi iye zvino madzoka kumufudzi+ nemutariri wemweya yenyu.*