15 Mhinduro nyoro inodzora kutsamwa,+
Asi shoko rinorwadza rinomutsa hasha.+
2 Rurimi rweakachenjera runoshandisa ruzivo zvakanaka,+
Asi muromo webenzi unongorutsa upenzi.
3 Maziso aJehovha ari pese pese,
Achitarisa vakaipa nevakanaka.+
4 Rurimi rwakadzikama muti weupenyu,+
Asi kutaura kusina kururama kunoodza mwoyo.
5 Benzi hariremekedzi baba varo kana richirayirwa,+
Asi munhu ane njere anobvuma kururamiswa.+
6 Mumba memunhu akarurama makazara nepfuma,
Asi zvibereko zvemunhu akaipa zvinomuunzira dambudziko.+
7 Muromo wemunhu akachenjera unoparadzira ruzivo,+
Asi mwoyo webenzi haudaro.+
8 Chibayiro chevakaipa chinosemesa Jehovha,+
Asi munyengetero wemunhu akarurama unomufadza.+
9 Jehovha anosema nzira yemunhu akaipa,+
Asi anoda uya anotevera kururama.+
10 Munhu anosiya gwara anoona kurangwa sekwakaipa,+
Asi munhu wese anovenga kutsiurwa achafa.+
11 Kana Guva nenzvimbo yekuparadzwa zviri pachena kuna Jehovha,+
Ko kuzoti mwoyo yevanhu!+
12 Museki haadi munhu anomururamisa.+
Haatsvagi mazano kune vakachenjera.+
13 Mwoyo unofara unoita kuti chiso chisununguke,
Asi kurwadziwa kwemwoyo kunoputsa mweya.+
14 Mwoyo unonzwisisa unotsvaga ruzivo,+
Asi muromo wemapenzi unodya upenzi.+
15 Mazuva ese emunhu anotambudzika akaipa,+
Asi munhu ane mwoyo unofara anogara aine mabiko.+
16 Zviri nani kuva nezvishoma uchitya Jehovha+
Pane kuva nepfuma yakawanda asi uchizvidya mwoyo.+
17 Zviri nani kudya muriwo paine rudo+
Pane kudya nyama yemombe yakakora asi paine ruvengo.+
18 Munhu anokurumidza kushatirwa anomutsa gakava,+
Asi uya anononoka kutsamwa anonyaradza bopoto.+
19 Nzira yesimbe yakaita seruzhowa rweminzwa,+
Asi gwara revakarurama rakaita semugwagwa wakati chechetere.+
20 Mwanakomana akachenjera anofadza baba vake,+
Asi benzi rinozvidza amai varo.+
21 Munhu asina pfungwa anonakidzwa neupenzi,+
Asi munhu ane ungwaru anofamba akananga kwaari kuenda.+
22 Zvirongwa zvinokundikana kana pasina kubvunza vamwe,
Asi kana vanhu vanopa mazano vakawanda zvinhu zvinobudirira.+
23 Munhu anofara paanopa mhinduro yakarurama,+
Uye shoko rinotaurwa panguva yakakodzera rakazonaka!+
24 Kumunhu ane njere, nzira yeupenyu inotungamirira kumusoro,+
Kuti asaenda kuGuva riri pasi.+
25 Jehovha achaputsa imba yevanozvikudza,+
Asi achachengetedza muganhu wechirikadzi.+
26 Jehovha anosema mazano emunhu akaipa,+
Asi mashoko anofadza akachena kwaari.+
27 Munhu anobiridzira kuti azvipfumise anounzira imba yake dambudziko,+
Asi uya anovenga chiokomuhomwe acharamba achirarama.+
28 Munhu akarurama anofungisisa mumwoyo make asati apindura,+
Asi miromo yevakaipa inongorutsa zvakaipa.
29 Jehovha ari kure nevakaipa,
Asi anonzwa minyengetero yevakarurama.+
30 Maziso anopenya anoita kuti mwoyo ufare;
Mashoko akanaka anosimbisa mapfupa.+
31 Munhu anoteerera kutsiurwa kunopa upenyu
Anogara nevakachenjera.+
32 Munhu anoramba kurayirwa anozvidza upenyu hwake,+
Asi munhu wese anoteerera paanotsiurwa anowana mwoyo unonzwisisa.+
33 Kutya Jehovha kunodzidzisa munhu kuva akachenjera,+
Uye kuzvininipisa kunotanga, kukudzwa kwozotevera.+