Tsamba Yekutanga kuvaTesaronika
5 Hama, kana iri nyaya yenguva nemwaka, hamufaniri kutombonyorerwa chinhu. 2 Nekuti imi munonyatsoziva kuti zuva raJehovha*+ riri kuuya sembavha inouya usiku.+ 3 Pavanongoti, “Kwava nerunyararo uye hapana chichatiwana!” vachabva vangoparadzwa pakarepo vasingatarisiri,+ semauyiro anoita marwadzo emukadzi ane pamuviri ava kusununguka, uye havasi kuzopukunyuka. 4 Asi imi hama, hamusi murima, zvekuti zuva iroro ringakusvikirai sezvaringaita kumbavha, 5 nekuti mese muri vanakomana vechiedza nevanakomana vemasikati.+ Isu hatisi veusiku kana verima.+
6 Saka ngatiregei kuramba takarara sevamwe vese,+ asi ngatirambei takamuka,+ pfungwa dzedu dzichinyatsoshanda.+ 7 Nekuti vaya vanorara, vanorara usiku, uye vaya vanodhakwa, vanodhakwa usiku.+ 8 Asi kana tiri isu vemasikati, pfungwa dzedu ngadzirambe dzichinyatsoshanda uye ngatipfekei kutenda nerudo sechinhu chinovharidzira chipfuva, uye tariro yeruponeso sengowani+ 9 nekuti Mwari haana kutisarudza kuti atiitire hasha, asi kuti tiwane ruponeso+ naShe wedu Jesu Kristu. 10 Iye akatifira+ kuti pasinei nekuti taramba takamuka kana kuti takarara,* tinofanira kurarama pamwe chete naye.+ 11 Saka rambai muchikurudzirana* uye muchivakana,+ sezvamuri kutoita iye zvino.
12 Saka hama tinokukumbirai kuti muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikudzidzisai; 13 uye kuti muvape rukudzo rukuru murudo nekuda kwebasa ravo.+ Garisanai nerugare.+ 14 Uyewo tinokukurudzirai hama, kuti muyambire vaya vanofamba zvisina kukodzera,+ munyaradze vaya vakaora mwoyo, mutsigire vasina simba, uye muitire mwoyo murefu vanhu vese.+ 15 Ivai nechokwadi chekuti hapana anotsiva chakaipa nechakaipa,+ asi garai muchiitirana zvakanaka uye muchizviitirawo vamwe vese.+
16 Garai muchifara.+ 17 Rambai muchinyengetera.+ 18 Tendai zvese zvamunoitirwa.+ Uku ndiko kuda kwaMwari kwamuri muna Kristu Jesu. 19 Musadzima moto wemweya.+ 20 Musashora uprofita.+ 21 Ivai nechokwadi nezvinhu zvese;+ batisisai zvinhu zvakanaka. 22 Musatomboita zvinhu zvese zvakaipa.+
23 Mwari werugare pachake ngaakutsvenesei zvakakwana. Uye mweya yenyu nemwoyo* yenyu nemiviri yenyu hama, ngazvirambe zvakakwana muzvese, zvisina pazvinoshoreka pakuvapo kwaShe wedu Jesu Kristu.+ 24 Iye ari kukudanai akatendeka, uye achatozviita.
25 Hama, rambai muchitinyengeterera.+
26 Kwazisai hama dzese nekutsvoda kutsvene.
27 Ndiri kukutetererai muzita raShe kuti muverengere tsamba ino hama dzese.+
28 Nyasha dzaShe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi.