Jobho
19 Jobho akapindura achiti:
4 Uye kana paine chandakakanganisa zvechokwadi,
Chivi changu chichangoramba chiri changu.
5 Kana mukaramba muchizvikwidziridza pamusoro pangu,
Muchiona sekuti zvakakodzera kuti munditsoropodze,
6 Ibvai maziva kuti Mwari ndiye akanditsausa,
Uye akandibata mumambure ake ekuvhimisa.
7 Onai! Ndinoramba ndichishevedzera kuti, ‘Ndakuvadzwa!’ asi handipindurwi;+
Ndinoramba ndichichemera kubatsirwa, asi hapana anonditonga zvakarurama.+
8 Akavhara nzira yangu nerusvingo rwematombo, uye handikwanisi kupfuura;
Akaita kuti migwagwa yangu ive rima rega rega.+
9 Akabvisa kukudzwa kwangu
Uye akabvisa korona mumusoro mangu.
10 Anondipwanya kumativi ese kusvikira ndaparara;
Anodzura tariro yangu semuti.
12 Mauto ake anoungana ondikomba,
Uye anodzika musasa akakomberedza tende rangu.
15 Vaenzi vari mumba mangu+ nevarandasikana vangu vanondiona semumwe munhuwo zvake;
Vanondiona semubvakure.
16 Ndinoshevedza mushandi wangu, asi haadavire;
Ndinomukumbira nemuromo wangu kuti andinzwire tsitsi.
17 Mweya unobuda mukanwa mangu wava kusemesa mudzimai wangu,+
Uye ndava kunhuhwira vana vaamai vangu chaivo.
18 Kunyange vana vadiki vanondizvidza;
Pandinosimuka, vanotanga kudanidzira vachindinyomba.
23 Dai mashoko angu ainyorwa hawo pasi,
Dai ainyorwa mubhuku!
24 Dai aiita zvekutemerwa padombo
Nechinyoreso chesimbi nemutobvu!
26 Pashure pekunge ganda rangu raparadzwa saizvozvo,
Ndichiine nyama yangu, ndichaona Mwari,
27 Wandichazvionera ndega,
Wandichaona nemaziso angu, kwete emumwe munhu.+
Asi mukatikati mangu zviri kundikurira.*
28 Nekuti munoti, ‘Tiri kumutambudza pakudii?’+
Sezvo mudzi wedambudziko racho ndiri ini.