Rwiyo rwaSoromoni
1 Rwiyo rwaSoromoni, rwakanaka kukunda dzimwe dzese:+
3 Kunhuhwirira kwemafuta ako kwakanaka.+
Zita rako rakaita semafuta anonhuhwirira adururwa.+
Ndokusaka vasikana vachikuda.
4 Nditore* tiende tese; ngatimhanyei.
Mambo andipinza mudzimba dzake dzemukati!
Ngatifarei, tichinakidzwa tese.
Ngatirumbidzei* kuratidza kwaunoita rudo rwako kupfuura zvatinoita waini.
Ndokusaka vachikuda.*
5 Imi vanasikana veJerusarema, ndiri mutema zvangu, asi ndakanaka,
6 Musaramba makanditarisa nekuti ndakasviba,
Nekuti zuva rakandipisa.
Vanakomana vaamai vangu vakanditsamwira;
Vakandiita muchengeti weminda yemizambiringa,
Asi munda wangu wemizambiringa handina kuuchengeta.
Nei ndichifanira kuita semukadzi akazvifukidza nejira*
Pakati pemakwai evamwe vako?”
8 “Kana usingazivi, iwe mukadzi akanaka chaizvo kupfuura vamwe vese,
Enda uchitevera mafamba nezvipfuwo,
Ufudzire mbudzana dzako pedyo nematende evafudzi.”
9 “Iwe mudiwa wangu, ndinokufananidza nebhiza gadzi* riri pangoro dzaFarao.+
12 “Mambo paanenge akagara patafura yake yeraundi,
14 Kwandiri mudiwa wangu akaita sesumbu remaruva ehena+
Riri pakati peminda yemizambiringa yekuEni-gedhi.”+
15 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu!
Wakazonaka! Maziso ako akafanana neenjiva.”+
16 “Chokwadi wakanaka, mudiwa wangu, uye unofadza!+
Mubhedha wedu uri pakati pemashizha.