Tsamba kuvaRoma
13 Munhu wese ngaazviise pasi pevanhu vane masimba,+ nekuti hapana munhu ane masimba asina kubvumirwa naMwari;+ vanhu vane masimba varipo vakaiswa munzvimbo dzavo dzakasiyana-siyana naMwari.+ 2 Saka wese anoshora munhu ane masimba, ari kurwisana neurongwa hwaMwari; vaya vanorwisana nahwo vachatongwa. 3 Nekuti vatongi havatyiwi nevaya vanoita mabasa akanaka, asi vaya vanoita akaipa.+ Unoda here kugara usingatyi vaya vane masimba? Ramba uchiita zvakanaka,+ uye vachakurumbidza; 4 nekuti ivo vanoshumira Mwari kuti zvikunakire. Asi kana uchiita zvakaipa, itya, nekuti havabati bakatwa pasina. Nekuti ivo vashumiri vaMwari, vanotsiva vachiratidza hasha pamunhu* anoita zvakaipa.
5 Saka pane chikonzero chakasimba chekuti muzviise pasi, musingangozviitiri hasha idzodzo chete asiwo nekuda kwehana yenyu.+ 6 Ndokusaka muchibhadharawo mitero; nekuti ivo vashandi vaMwari vanogara vachibatsira ruzhinji nechinangwa ichi. 7 Ipai vese zvakavakodzera: kune anoti anoda mutero, mutero;+ kune anoti anoda muripo, muripo; kune anoti anoda kutyiwa, kutyiwa kwacho;+ kune anoti anoda kukudzwa, kukudzwa kwacho.+
8 Musava nechikwereti nemunhu, kunze kwekudanana;+ nekuti wese anoda mumwe wake azadzisa mutemo.+ 9 Nekuti bumbiro remutemo rinoti, “Usaita upombwe,+ usauraya,+ usaba,+ usachiva,”+ uye mimwe mirayiro yese iripo, inobatanidzwa mumashoko aya ekuti: “Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.”+ 10 Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa;+ saka rudo kuzadziswa kwemutemo.+
11 Uye itai izvi nekuti munoziva mwaka, kuti yatova nguva yekuti mumuke kuhope,+ nekuti iye zvino ruponeso rwedu rwava pedyo kupfuura panguva yatakava vatendi. 12 Usiku hwafamba; kwava kuda kuedza. Saka ngatibvisei mabasa erima+ uye ngatipfekei zvombo zvechiedza.+ 13 Ngatifambei zvine unhu+ sezvinoita vanhu kana ari masikati, kwete kuita mitambo yekufara zvakapfurikidza uye udhakwa, upombwe uye tsika dzakafumuka,*+ uye kukakavadzana negodo.+ 14 Asi pfekai Ishe Jesu Kristu,+ uye musaita zvekuronga kugutsa kuchiva kwenyama.+