Zvirevo
30 Mashoko ane uremu akatorwa pane zvakataurwa naAguri mwanakomana waJake achitaura kuna Itieri, kuna Itieri naUkari.
2 Pavanhu vese ndini munhu asina zvaanoziva,+
Uye handinzwisisi zvinhu zvinofanira kunzwisiswa nemunhu.
3 Handina kudzidza uchenjeri,
Uye handina ruzivo runopiwa neMutsvenetsvene.
4 Ndiani akambokwira kudenga akaburuka?+
Ndiani akambounganidza mhepo mumaoko ake?
Ndiani akamboputira mvura muchipfeko chake?+
Ndiani akasimbisa* migumo yese yenyika?+
Anonzi ani uye mwanakomana wake anonzi ani, kana uchiziva?
5 Mashoko ese aMwari akachena.+
Iye inhoo kune vaya vanopotera kwaari.+
7 Pane zvinhu zviviri zvandiri kukukumbirai.
Musandinyima zvinhu izvozvo ndisati ndafa.
8 Bvisai kusataura chokwadi uye nhema pandiri.+
Musandipa urombo kana upfumi.
Ingoitai kuti ndidye zvekudya zvangu zvinondikwanira,+
9 Kuti ndirege kuguta ndikazokurambai ndichiti, “Jehovha ndianiko?”+
Uye kuti ndirege kuva murombo ndikaba ndikashoresa zita raMwari wangu.
14 Kune chizvarwa chine mazino akaita semapakatwa
Uye chine shaya dzakaita semapanga ekuurayisa;
Chinoparadza vakaderera vepanyika
Nevarombo pakati pevanhu.+
15 Zvikwevaropa zvine vanasikana vaviri vanoshevedzera vachiti, “Tipei! Tipei!”
Kune zvinhu zvitatu zvisingamboguti,
Zvina zvisingamboti, “Zvakwana!”
17 Ziso rinonyomba baba uye risina basa nekuteerera amai+
Richatodogorwa nemakunguo emubani,
Uye vana vemakondo vacharidya.+
18 Kune zvinhu zvitatu zvinondishamisa zvikuru,
Uye zvina zvandisinganzwisisi zvinoti:
19 Nzira yegondo mumatenga,
Nzira yenyoka padombo,
Nzira yengarava mugungwa,
Uye nzira yemurume ane musikana.
20 Aya ndiwo maitiro emukadzi anoita upombwe:
Anodya, opukuta muromo wake;
Anobva ati, “Hapana chakaipa chandaita.”+
21 Kune zvinhu zvitatu zvinodederesa nyika
Uye zvina zvaisingagoni kutsungirira zvinoti:
22 Kana muranda ava kutonga samambo,+
Kana benzi rava nezvekudya zvakawandisa,
23 Kana mukadzi anovengwa* akaroorwa,
Uye kana mushandikadzi akatora nzvimbo yatenzikadzi wake.+
29 Kune zvinhu zvitatu zvinonakidza kutarisa zvichifamba,
Zvinhu zvina zvinonakidza kutarisa zvichifamba zvinoti: