Kumutungamiriri; runofanira kuimbwa pamwe nezviridzwa zvine tambo zvichiridzwa nemutinhimira weSheminiti. Rwiyo rwaDhavhidhi.
6 Haiwa Jehovha, musanditsiura makatsamwa,
Musandiruramisa makashatirwa.+
2 Ndinzwireiwo nyasha Jehovha, nekuti ndiri kupera simba.
Ndiporeseiwo Jehovha,+ nekuti mapfupa angu ari kudedera.
3 Ndiri kunetseka chaizvo,+
Uye kusvikira riini, nhai Jehovha?+
4 Dzokai, Jehovha, ndinunureiwo;+
Ndiponeseiwo nekuti mune rudo rusingachinji.+
5 Nekuti hapana anokutaurai murufu;
Ndiani achakurumbidzai muGuva?+
6 Simba rangu rapera nekugomera kwangu;+
Ndinozadza mubhedha wangu nemisodzi usiku hwese;
Pandinorara panoti chakwata nekuchema+ kwangu.
7 Ziso rangu raneta nenhamo;+
Harichanyatsooni nemhaka yevaya vari kunditambudza.
8 Ndisiyei, imi mese munoita zvakaipa,
Nekuti Jehovha achanzwa kuchema kwangu.+
9 Jehovha achanzwa kukumbira kwangu kunzwirwa nyasha;+
Jehovha achagamuchira munyengetero wangu.
10 Vavengi vangu vese vachanyadziswa uye vachanetseka;
Vachangoerekana vadonha nekunyara.+