MASHOKO AKANAKA AKANYORWA NAMAKO
1 Kutanga kwemashoko akanaka pamusoro paJesu Kristu, Mwanakomana waMwari: 2 Sekunyorwa kwazvakaitwa nemuprofita Isaya, kuti: “(Inzwa! Ndiri kutuma nhume yangu pamberi pako, ichafanogadzira nzira yako.)+ 3 Inzwi reari kushevedzera murenje riri kuti: ‘Gadzirai nzira yaJehovha!* Itai kuti migwagwa yake iti twasu.’”+ 4 Johani Mubhabhatidzi aiva murenje,* achiparidza rubhabhatidzo rwekuratidza kupfidza kuti zvivi zvikanganwirwe.+ 5 Uye vanhu vemunharaunda yese yeJudhiya nevagari vese vemuJerusarema vaienda kwaari, achivabhabhatidza* muRwizi rwaJodhani, vachireurura zvivi zvavo pamberi pevanhu vese.+ 6 Johani aipfeka chipfeko chemvere dzengamera uye aisunga bhandi reganda muchiuno,+ uye aidya mhashu neuchi hwemusango.+ 7 Uye aiparidza achiti: “Kune munhu akasimba kundipfuura achauya pashure pangu, ane shangu dzandisina kukodzera kukotama kuti ndisunungure.+ 8 Ndakakubhabhatidzai nemvura, asi iye achakubhabhatidzai nemweya mutsvene.”+
9 Mumazuva iwayo Jesu akabva kuNazareta yeGarireya, akabhabhatidzwa muJodhani naJohani.+ 10 Achangobva kubuda mumvura, akaona denga richivhurika uye mweya uchidzika paari wakaita senjiva.+ 11 Uye inzwi rakabva kudenga richiti: “Ndiwe Mwanakomana wangu, anodiwa; ndakufarira.”+
12 Uye mweya wakabva wamuendesa kurenje pakarepo. 13 Saka akagara murenje kwemazuva 40, achiedzwa naSatani.+ Aiva nezvikara zvemusango, asi ngirozi dzaimushumira.+
14 Kuzoti pakasungwa Johani, Jesu akapinda muGarireya,+ achiparidza mashoko akanaka aMwari+ 15 achiti: “Nguva yakwana, uye Umambo hwaMwari hwaswedera pedyo. Pfidzai zvivi zvenyu,+ mutende mashoko akanaka.”
16 Paakanga achifamba achitevedza Gungwa reGarireya, akaona Simoni nemunin’ina wake Andreya+ vachikanda mambure avo mugungwa,+ nekuti vaiva vabati vehove.+ 17 Saka Jesu akati kwavari: “Nditeverei, uye ndichakuitai vabati vevanhu.”+ 18 Vakabva vangosiya mambure avo, vakamutevera.+ 19 Ati fambei zvishoma, akaona Jakobho mwanakomana waZebhedhi nemunin’ina wake Johani, vari muchikepe chavo vachigadzira mambure avo,+ 20 akabva avashevedza pakarepo. Saka vakasiya baba vavo Zebhedhi vari muchikepe vaine vashandi vavo, vakamutevera. 21 Uye vakapinda muKapenaume.
Sabata parakangotanga, akapinda musinagogi, akatanga kudzidzisa.+ 22 Uye vakashamiswa nemadzidzisiro ake, nekuti aivadzidzisa semunhu ane chiremera, kwete sevanyori.+ 23 Panguva iyoyo chaiyo musinagogi ravo maiva nemumwe murume akanga akagarwa nemweya usina kuchena, uye akashevedzera kuti: 24 “Munei nesu, imi Jesu wekuNazareta?+ Mauya kuzotiparadza here? Ndinonyatsoziva kuti ndimi ani, Mutsvene waMwari!”+ 25 Asi Jesu akautuka, achiti: “Nyarara, ubude maari!” 26 Uye mweya usina kuchena wakaita kuti murume wacho agwinhe-gwinhe, uchishevedzera nenzwi riri pamusoro, ukabva wabuda maari. 27 Vanhu vese vakashamiswa nazvo zvekuti vakatanga kutaura vachiti: “Chii ichi? Dzidziso itsva! Anorayira nesimba kunyange mweya isina kuchena, ichimuteerera.” 28 Saka mashoko pamusoro pake akapararira nekukurumidza munharaunda yese yeGarireya.
29 Zvadaro, vakabva pasinagogi, vakaenda kumba kwaSimoni naAndreya vaina Jakobho naJohani.+ 30 Amai vemudzimai waSimoni+ vakanga vakarara vachirwara nefivha, uye akabva angoudzwa nezvavo. 31 Akaenda kwavari akavabata ruoko, ndokuvasimudza. Fivha yacho yakabva yapera, ivo vakatanga kuvagadzirira zvekudya.
32 Ava manheru, zuva parakanga ravira, vanhu vakatanga kuuya kwaari nevaya vakanga vachirwara uye vaiva nemadhimoni;+ 33 uye guta rese rakanga rakaungana pasuo chaipo. 34 Saka akarapa vazhinji vakanga vachirwara nezvirwere zvakasiyana-siyana,+ uye akadzinga madhimoni mazhinji, asi aisabvumira madhimoni acho kuti ataure, nekuti aimuziva kuti ndiKristu.*
35 Mangwanani-ngwanani, kunze kuchakasviba, akamuka, akabuda panze, akaenda kwake ega, akatanga kunyengetera.+ 36 Asi Simoni nevaya vaaiva navo vakatanga kumutsvaga 37 uye vakamuwana vakati kwaari: “Munhu wese ari kukutsvagai.” 38 Asi akati kwavari: “Ngatiendei kune dzimwe nzvimbo, mumaguta ari pedyo, kuti ndiparidzewo ikoko, nekuti izvi ndizvo zvandakauyira.”+ 39 Uye akaenda achiparidza mumasinagogi avo muGarireya yese achidzinga madhimoni.+
40 Mumwe murume aiva nemaperembudzi akauyawo kwaari, achimuteterera akapfugama, achiti kwaari: “Kana muchida henyu, munogona kundichenesa.”+ 41 Akasiririswa nazvo, akatambanudza ruoko rwake, akamubata, akati kwaari: “Ndinoda! Cheneswa.”+ 42 Maperembudzi acho akabva angonyangarika, uye murume wacho akabva ava akachena. 43 Akamuendesa pashure pekumuudza zvakasimba 44 kuti: “Usatomboudza mumwe munhu nezvazvo, asi enda unozviratidza kumupristi, upe zvinhu zvakarayirwa naMozisi kuti ucheneswe,+ kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 45 Asi aenda, murume wacho akatanga kuzivisa vanhu uye kuparadzira nyaya yacho kwese kwese, zvekuti Jesu akanga asingachakwanisi kupinda muguta asingaonekwi nevanhu, zvekuti akaramba ari kunze, kunzvimbo dzisina vanhu vakawanda. Asi vanhu vakaramba vachiuya kwaari vachibva kwese kwese.+
2 Asi pashure pemazuva, akapindazve muKapenaume, uye shoko rakafamba rekuti akanga adzoka kumba.+ 2 Uye vanhu vazhinji vakaungana zvekuti pakanga pasisina nzvimbo, kunyange nepasuo chaipo, uye akatanga kuvaparidzira shoko.+ 3 Vakamuunzira mumwe murume akaoma mutezo, akanga akatakurwa nevarume vana.+ 4 Asi vakanga vasingakwanisi kumuunza paiva naJesu chaipo nemhaka yekuwanda kwevanhu, saka vakavhura denga remba nechepakanangana nepaiva naJesu, uye vakadzikisa murume wacho naipapo akarara pakamubhedha. 5 Jesu paakaona kutenda kwavo,+ akati kumunhu wacho akaoma mutezo: “Mwanangu, zvivi zvako zvaregererwa.”+ 6 Paivawo nevamwe vanyori vaivapo, vainge vakagara vachifunga nechemumwoyo+ kuti: 7 “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angaregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”+ 8 Asi Jesu akabva angoziva mumwoyo make kuti vakanga vachifunga saizvozvo pakati pavo, saka akati kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu?+ 9 Ndezvipi zviri nyore, kuti kumunhu akaoma mutezo, ‘Zvivi zvako zvaregererwa,’ kana kuti, ‘Simuka, utore mubhedha wako, ufambe’? 10 Asi kuti muzive kuti Mwanakomana wemunhu+ ane simba rekuregerera zvivi panyika—”+ akati kumunhu wacho akaoma mutezo: 11 “Ndinoti kwauri, Simuka, tora mubhedha wako, uende kumba kwako.” 12 Akabva angosimuka pakarepo akatora kamubhedha kake, akabuda vese vachiona. Saka vese vakashamiswa, vakakudza Mwari, vachiti: “Hatisati tamboona zvakadai.”+
13 Akaendazve kumhenderekedzo yegungwa, uye vanhu vazhinji vakaramba vachiuya kwaari, akatanga kuvadzidzisa. 14 Uye paakanga achifamba, akaona Revhi mwanakomana waArifiyosi akagara pahofisi yemutero, akati kwaari: “Iva muteveri wangu.” Akabva angosimuka, akamutevera.+ 15 Pava paya, aidya mumba make, uye vateresi vazhinji nevatadzi vaidya naJesu nevadzidzi vake, nekuti paiva nevazhinji vavo vaimutevera.+ 16 Asi vanyori vevaFarisi pavakaona kuti akanga achidya nevatadzi nevateresi, vakatanga kuti kuvadzidzi vake: “Sei achidya nevateresi nevatadzi?” 17 Jesu paakazvinzwa, akati kwavari: “Vaya vakasimba havadi chiremba, asi vaya vanorwara vanomuda. Handina kuuya kuzoshevedza vanhu vakarurama, asi vatadzi.”+
18 Vadzidzi vaJohani nevaFarisi vaiwanzotsanya. Saka vakauya, vakati kwaari: “Nei vadzidzi vaJohani nevadzidzi vevaFarisi vachitsanya, asi vadzidzi venyu vasingatsanyi?”+ 19 Jesu akabva ati kwavari: “Shamwari dzemurume ari kuroora dzinotsanya here kana dzichiinaye? Kana murume wacho ari kuroora+ achiripo hadzitsanyi. 20 Asi mazuva achauya padzichatorerwa murume iyeye,+ uye dzichabva dzatsanya pazuva iroro. 21 Hapana munhu anosonera chigamba chejira idzva panguo yekunze tsaru. Kana akadaro, chigamba chitsva chinobva panguo tsaru, uye pakabvaruka pacho panobva patowedzera.+ 22 Uyewo, hapana munhu anoisa waini itsva muhomwe dzematehwe tsaru. Kana akadaro, waini yacho inobvarura homwe dzacho, yorasika, homwe dzacho dzoparara. Asi waini itsva inoiswa muhomwe dzematehwe itsva.”
23 Paakanga achipfuura nemuminda yezviyo* paSabata, vadzidzi vake vakatanga kutemha hura dzezviyo vachifamba.+ 24 Saka vaFarisi vakati kwaari: “Ona! Vari kuitirei zvisingabvumirwi nemutemo paSabata?” 25 Asi iye akati kwavari: “Hamuna kuverenga here zvakaitwa naDhavhidhi nevarume vaaiva navo pavakanga vasina zvekudya, vaine nzara?+ 26 Munhoroondo yaAbhiyatari,+ mutungamiriri wevapristi, Dhavhidhi akapinda muimba yaMwari akadya chingwa chekuratidza, icho chisingabvumirwi nemutemo kuti chidyiwe nemumwe munhu kunze kwevapristi,+ uye akapawo vamwe varume vaakanga ainavo?” 27 Akabva ati kwavari: “Sabata rakaitirwa munhu,+ kwete kuti munhu akaitirwa Sabata. 28 Saka Mwanakomana wemunhu ndiye Ishe kunyange weSabata racho.”+
3 Akapindazve musinagogi, uye maiva nemumwe murume aiva neruoko rwakakokonyara.+ 2 Saka vakanga vachinyatsomutarisa kuti vamuwanire mhosva, kana akarapa murume wacho paSabata. 3 Akati kumurume aiva neruoko rwakakokonyara: “Simuka uuye pakati apa.” 4 Akabva ati kwavari: “Zvinobvumirwa here neMutemo paSabata kuita chinhu chakanaka kana kuti chakaipa, kuponesa kana kuuraya?”+ Asi vakaramba vakanyarara. 5 Akavatarisa akashatirwa, achirwadziwa nekuoma kwemwoyo yavo,+ ndokuti kumurume wacho: “Tambanudza ruoko rwako.” Iye akarutambanudza, rukaporeswa. 6 Pavakaona izvi, vaFarisi vakabuda vakabva vatotanga kurangana nevateveri vebato raHerodhi+ pamusoro pake, kuti vamuuraye.
7 Asi Jesu akabvapo akaenda kugungwa nevadzidzi vake, uye vanhu vakawandisa vaibva kuGarireya nekuJudhiya vakamutevera.+ 8 Kunyange kubva kuJerusarema nekuIdhumeya nemhiri kwaJodhani nekunzvimbo dzakapoteredza Tire neSidhoni, vanhu vakawandisa vakauya kwaari pavakanzwa zvinhu zvizhinji zvaakanga achiita. 9 Uye akaudza vadzidzi vake kuti vamuisire kachikepe kekushandisa kuti vanhu varege kuzomumomotera. 10 Vese vaiva nezvirwere zvinotambudza vaisundana kuti vamubate nekuti akarapa vakawanda.+ 11 Kunyange mweya isina kuchena,+ pese payaimuona, yaigwadama pamberi pake yoshevedzera ichiti: “Ndimi Mwanakomana waMwari.”+ 12 Asi kazhinji aiiudza zvine simba kuti isaita kuti azivikanwe.+
13 Akakwira mugomo akashevedza vaaida,+ vakauya kwaari.+ 14 Uye akaumba* boka revarume 12, avo vaakatumidzawo kuti vaapostora, vaizofamba naye uye vaaizotuma kunoparidza 15 uye kuti vave nesimba rekudzinga madhimoni.+
16 Varume vacho 12+ vaakagadza vaiva, Simoni, waakatumidzawo kuti Petro,+ 17 Jakobho mwanakomana waZebhedhi, naJohani munin’ina waJakobho (akatumidzawo ava zita rekuti Bhoanajisi, rinoreva kuti “Vanakomana Vekutinhira”),+ 18 Andreya, Firipi, Bhatoromeyo, Mateu, Tomasi, Jakobho mwanakomana waArifiyosi, Tadhiyosi, Simoni muKenani,* 19 naJudhasi Iskariyoti, uya akazomutengesa.
Akabva apinda mune imwe imba, 20 uye vanhu vakawanda vakaunganazve, zvekuti vakatadza kana kudya. 21 Asi hama dzake padzakazvinzwa, dzakaenda kuti dzinomubata, nekuti dzakanga dzichiti: “Arasika pfungwa.”+ 22 Uyewo, vanyori vakanga vauya vachibva kuJerusarema vaiti: “Iye ana Bherizebhubhu,* saka anodzinga madhimoni achishandisa mutongi wemadhimoni.”+ 23 Saka akavashevedza akatanga kutaura navo achishandisa mifananidzo, achiti: “Satani angadzinga sei Satani? 24 Kana umambo hukapesana pachahwo, umambo ihwohwo hahungamiri;+ 25 uye kana imba ikapesana pachayo, imba iyoyo haingakwanisi kumira. 26 Uyewo, kana Satani azvipandukira, achizvirwisa, haangamiri, asi kuguma kwake kwasvika. 27 Zviripo ndezvekuti hapana munhu angapinda mumba memunhu akasimba okwanisa kuba zvinhu zvake kana asina kutanga asunga munhu wacho akasimba. Kana adaro, ndipo chete paanozokwanisa kupamba zvinhu zvake. 28 Chokwadi ndinoti kwamuri vanakomana vevanhu vachakanganwirwa zvese, pasinei nekuti vaita zvivi zvakadii uye kuti vamhura zvakadii. 29 Asi munhu wese anomhura mweya mutsvene haakanganwirwi kusvikira nariini,+ asi ane mhosva yechivi chisingaperi.”+ 30 Akataura izvi nekuti vaiti: “Ane mweya usina kuchena.”+
31 Amai vake nevanin’ina vake+ vakasvika, uye vakamira kunze vakatumira mumwe munhu kunomushevedza.+ 32 Sezvo vanhu vakanga vakagara vakamupoteredza, akaudzwa kuti: “Uri kudiwa naamai vako nevanin’ina vako panze.”+ 33 Asi akavapindura kuti: “Amai vangu ndiani uye vanin’ina vangu ndivanaani?” 34 Akabva atarisa vakanga vakagara vakamupoteredza akati: “Ava ndivo amai vangu nevanin’ina vangu!+ 35 Munhu wese anoita kuda kwaMwari, ndiye munin’ina wangu uye hanzvadzi uye amai.”+
4 Akatangazve kudzidzisa ari pedyo negungwa, uye vanhu vakawanda zvikuru vakamuunganira. Saka akakwira muchikepe, akagara imomo ari nechekure nepamhenderekedzo, asi vanhu vese vakanga vakamira vakatevedza mhenderekedzo yegungwa.+ 2 Uye akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvizhinji achishandisa mifananidzo,+ uye paaidzidzisa kudaro, akati kwavari:+ 3 “Teererai munzwe! Mudyari akaenda kunodyara.+ 4 Paaikusha mbeu, imwe yacho yakawira parutivi pemugwagwa, shiri dzikauya dzikaidya yese. 5 Imwe yakawira pane matombo, pakanga pasina ivhu rakawanda, uye yakabva yangomera nekuti ivhu racho rakanga risina kudzika.+ 6 Asi zuva parakabuda, yakatsva, ikaoma nekuti yakanga isina midzi. 7 Imwe mbeu yakawira muminzwa, minzwa ikakura ikaivhunga, uye haina zvayakabereka.+ 8 Asi imwe yakawira paivhu rakanaka, ikamera, ikakura, uye yakatanga kubereka zvibereko, ichibereka zvakapetwa ka30, ka60, uye ka100.”+ 9 Akabva atiwo: “Ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.”+
10 Paakanga ava ega, vamwe vadzidzi uye vane Gumi Nevaviri vakauya kwaari vakatanga kumubvunza pamusoro pemifananidzo yacho.+ 11 Akati kwavari: “Imi makapiwa chakavanzika chitsvene*+ cheUmambo hwaMwari, asi kuvanhu vari kunze zvese zvinongoramba zviri mumifananidzo,+ 12 kuti kunyange vachitarisa, vatarise asi vasingaoni, uye kuti kunyange vachinzwa, vasambobata zviri kutaurwa; uye havafi vakatendeuka kuti vakanganwirwe.”+ 13 Uyezve akati kwavari: “Zvino kana musinganzwisisi mufananidzo uyu, muchanzwisisa sei mimwe mifananidzo yese?
14 “Mudyari anodyara shoko.+ 15 Saka ava ndivo iya iri parutivi pemugwagwa panodyarwa shoko; asi pavanongorinzwa, Satani anouya+ otora shoko rakadyarwa mavari.+ 16 Ndizvo zvinoitikawo pane yakadyarwa pane matombo; pavanongonzwa shoko, vanorigamuchira nemufaro,+ 17 asi havana midzi. Vanotombobvuma shoko kwekanguva, asi panongomuka matambudziko kana kuti pavanotambudzwa nekuda kweshoko, vanogumburwa. 18 Kune imwezve inodyarwa muminzwa. Ava ndivo vaya vakanzwa shoko,+ 19 asi kuzvidya mwoyo+ nezvinhu zvemunyika ino* nesimba rinonyengera repfuma+ neruchiva+ rwezvimwe zvinhu zvese, zvinopinda zvovhunga shoko racho, rotadza kubereka. 20 Pakupedzisira, iya yakadyarwa paivhu rakanaka ndivo vaya vanoteerera shoko, vorigamuchira, vobereka zvibereko zvakapetwa ka30, ka60, uye ka100.”+
21 Akatiwo kwavari: “Rambi rinomboiswa pasi petswanda* kana kuti pasi pemubhedha here? Handiti rinoiswa pachigadziko cherambi?+ 22 Nekuti hapana chinhu chakavigwa chisingazobudiswi pachena; hapana chinhu chakavanzwa zvekuti hachizobudi pachena.+ 23 Munhu wese ane nzeve dzekunzwa, ngaanzwe.”+
24 Akatizve kwavari: “Nyatsoteererai zvamuri kunzwa.+ Chiyero chamuri kuyerera vamwe nacho, ndicho chamuchayererwawo nacho, kunyange kutowedzerwa zvimwe. 25 Nekuti munhu wese anazvo achawedzerwa zvimwe,+ asi munhu wese asina, achatorerwa kunyange zvaainazvo.”+
26 Saka akaenderera mberi achiti: “Umambo hwaMwari hwakangofanana nezvinoitika munhu paanodyara mbeu muvhu. 27 Anorara usiku, omuka kwaedza, mbeu inomera yoreba, asi kuti izvi zvinoitika sei, iye haazivi. 28 Ivhu racho rega rinobereka zvibereko zvishoma nezvishoma, kutanga dzinde, kwozotevera hura, pakupedzisira tsanga dzakasvika dziri pahura. 29 Asi kana zvirimwa zvangoibva, iye anopinza jeko, nekuti nguva yekukohwa yasvika.”
30 Uye akaenderera mberi achiti: “Tingaenzanisa Umambo hwaMwari nei, kana kuti tingahutsanangura tichishandisa mufananidzo wei? 31 Hwakafanana netsanga yemasitadhi, iyo panguva yayakadyarwa muvhu yakanga iri mbeu diki pane dzimwe dzese panyika.+ 32 Asi painenge yadyarwa, inokura kupfuura zvimwe zvirimwa zvese uye inoita mapazi akakura, zvekuti shiri dzekudenga dzinokwanisa kuwana pekugara mumumvuri wayo.”
33 Akataura navo achishandisa mifananidzo+ yakadaro yakawanda, kusvikira pavaikwanisa kunzwisisa. 34 Aisatombotaura navo asingashandisi mufananidzo, asi aizotsanangurira vadzidzi vake zvinhu zvese vava vega.+
35 Musi iwoyo ava manheru, akati kwavari: “Ngatiyambukei mhiri.”+ 36 Saka pavakanga vaita kuti vanhu vese vaende, vakabva vangoenda naye nechikepe, uye paivawo nezvimwe zvikepe zvaaiva nazvo.+ 37 Dutu guru raiva nesimba rakatanga, uye masaisai akaramba achirovera pachikepe, zvekuti chikepe chakanga chava kuda kuzara nemvura.+ 38 Asi iye akanga ari nechekumashure, akarara akatsamira pamutsago. Saka vakamumutsa, vakati kwaari: “Mudzidzisi, hamuna basa here nekuti tava kufa?” 39 Akabva amuka akatsiura mhepo yacho, akati kugungwa: “Shii! Nyarara!”+ Mhepo yacho yakabva yamira, kunze kukabva kwadzikama zvikuru. 40 Saka akati kwavari: “Muri kutyeiko? Nanhasi hamusati matombova nekutenda?” 41 Asi vakatya kwazvo, uye vakataurirana vachiti: “Munhu uyu anombova ani? Kunyange mhepo negungwa zvinomuteerera.”+
5 Vakabva vasvika mhiri kwegungwa munharaunda yevaGerasa.+ 2 Uye Jesu achingobuda muchikepe, mumwe munhu akanga akagarwa nemweya usina kuchena akabva kumakuva* akasangana naye. 3 Aigara kumakuva, uye pakanga pasati pambova nemunhu aikwanisa kumusunga zvakasimba kunyange necheni chaidzo. 4 Akanga asungwa kakawanda nezvisungo zvemumakumbo necheni, asi aidambura cheni dzacho uye aipwanya-pwanya zvisungo zvemumakumbo; hapana aiva nesimba rekumukurira. 5 Uye aigara achingozhamba siku nesikati ari kumakuva nemumakomo achizvicheka-cheka nematombo. 6 Asi paakaona Jesu achiri kure zvishoma, akamhanya, akamupfugamira.+ 7 Akabva ashevedzera nenzwi guru achiti: “Munei neni, Jesu, Mwanakomana waMwari Wekumusorosoro? Ndinoita kuti mupike naMwari kuti murege kundirwadzisa.”+ 8 Nekuti Jesu aiti kumweya wacho usina kuchena: “Buda mumunhu uyu, iwe mweya usina kuchena.”+ 9 Asi Jesu akamubvunza kuti: “Unonzi ani?” Iye akapindura kuti: “Ndinonzi Rigiyoni, nekuti tiri vazhinji.” 10 Uye akaramba achiteterera Jesu kuti arege kudzinga mweya yacho munyika iyoyo.+
11 Pakanga paine nguruve+ dzakawanda dzaifudzwa mugomo.+ 12 Saka mweya yacho yakamuteterera ichiti: “Titumirei munguruve, tipinde zvedu madziri.” 13 Iye akaibvumira. Saka mweya isina kuchena yakabuda, ikapinda munguruve, uye dzakamhanya nepamawere dzikapinda mugungwa, nguruve dzingasvika 2 000 dzikanyura mugungwa. 14 Asi vafudzi vadzo vakatiza, vakanozvitaura muguta nemumamisha, uye vanhu vakauya kuzoona zvakanga zvaitika.+ 15 Saka vakauya kuna Jesu, vakaona murume uya wemadhimoni, uya aimbova nemadhimoni akawanda,* akagara akapfeka, ava munhu kwaye, uye vakatya. 16 Uyewo, vaya vakanga vazviona vakavatsanangurira zvakanga zvaitika kumurume aiva nemadhimoni nekunguruve. 17 Saka vakatanga kuteterera Jesu kuti abve munharaunda yavo.+
18 Paakanga ava kukwira chikepe, murume uya aimbova nemadhimoni akamuteterera kuti aende naye.+ 19 Asi akaramba kuenda naye, akati kwaari: “Enda kumba kuhama dzako, unovaudza zvese zvawaitirwa naJehovha* netsitsi dzawanzwirwa.” 20 Murume uyu akaenda akatanga kuzivisa muDhekaporisi* zvese zvaakanga aitirwa naJesu, uye vanhu vese vakashamiswa nazvo.
21 Pashure pekunge Jesu ayambuka nechikepe ava kumhiri, vanhu vazhinji vakamuunganira, uye akanga ari pedyo negungwa.+ 22 Mumwe wevakuru vaitungamirira sinagogi, ainzi Jairosi, akasvika, uye paakamuona, akawira patsoka dzake.+ 23 Akamuteterera kakawanda achiti: “Mwanasikana wangu arwarisa.* Mungauyawo here mukaisa maoko enyu paari+ kuti apore, ararame.” 24 Jesu akabva aenda naye, uye vanhu vakawanda vakanga vachimutevera, vachisundidzirana paari.
25 Paiva nemukadzi akanga ava nemakore 12+ achibuda ropa.+ 26 Akanga arwadziswa zvikuru navanachiremba vakawanda uye akanga apedza pfuma yake yese, pasina zvazvakabatsira, zvichitowedzera. 27 Paakanzwa zvaitaurwa nezvaJesu, akauya nechekumashure kwevanhu, akabata nguo yake yekunze,+ 28 nekuti aingoti: “Kana ndikangobata nguo yake yekunze chete, ndichapora.”+ 29 Pakarepo ropa rake raibuda rakabva rangooma, akanzwa mumuviri make kuti akanga aporeswa chirwere chinotambudza.
30 Jesu akabva angoziva pakarepo kuti simba+ rakanga rabuda maari, ndokutendeuka ari pakati pevanhu, akabvunza kuti: “Ndiani abata nguo yangu yekunze?”+ 31 Asi vadzidzi vake vakati kwaari: “Seiko muri kuti, ‘Ndiani andibata?’ ivo vanhu vari kusundidzirana kudai pamuri?” 32 Asi iye akanga achitarisa-tarisa kuti aone kuti ndiani akanga azviita. 33 Mukadzi wacho, achitya uye achidedera, achiziva zvakanga zvaitika kwaari, akauya, akazviwisira pamberi pake, akamuudza zvese zvakanga zvaitika. 34 Akati kwaari: “Mwanasikana, kutenda kwako kwakuporesa. Enda zvako nerugare,+ upore pachirwere chako chinotambudza.”+
35 Achiri kutaura kudaro, vamwe varume vakasvika vachibva kumba kwemukuru aitungamirira sinagogi vachiti: “Mwanasikana wenyu afa! Muchiri kunetserei zvenyu Mudzidzisi?”+ 36 Asi Jesu akanzwa zvavaitaura uye akati kumukuru aitungamirira sinagogi: “Usatya, ingotenda chete.”+ 37 Hapana vamwe vanhu vaakabvumira kuti vaende naye kunze kwaPetro, Jakobho, naJohani munin’ina waJakobho.+
38 Saka vakasvika pamba pemukuru aitungamirira sinagogi, uye akaona riri zhowezhowe, vanhu vachichema uye vachiridza mhere.+ 39 Paakapinda, akati kwavari: “Muri kuchemeiko muchiita ruzha rwakadai? Mwana haana kufa uyu, asi akarara.”+ 40 Vakabva vatanga kumuseka zvekutsvinya. Asi akavabudisa vese, ndokutora baba naamai vemwana wacho nevaya vaaiva navo, akapinda makanga muine mwana wacho. 41 Akabva abata ruoko rwemwana wacho, akati kwaari: “Tarita kumi,” izvo zvinoreva kuti: “Kasikana, ndinoti kwauri, muka!”+ 42 Uye musikana wacho akabva angomuka pakarepo, akatanga kufamba. (Aiva nemakore 12.) Vachingozviona vakafara zvekuti vakanga vasingachabatiki. 43 Asi akavarayira zvakasimba kuti vasaudza mumwe munhu,+ uye akati vamupe chekudya.
6 Akabva ikoko, akasvika kumusha kwake,+ uye vadzidzi vake vakanga vainaye. 2 Sabata parakasvika, akatanga kudzidzisa musinagogi, uye vazhinji vakamunzwa vakashamiswa, vakati: “Munhu uyu akawana kupi zvinhu izvi?+ Nei akapiwa uchenjeri uhwu, uye achikwanisa kuita mabasa akadai esimba nemaoko ake?+ 3 Uyu haasi iye muvezi,+ mwanakomana waMariya+ uye mukoma waJakobho+ naJosefa naJudhasi naSimoni+ here? Uye hanzvadzi dzake hadzisi idzo dzatiinadzo pano here?” Saka havana kumutenda.* 4 Asi Jesu akati kwavari: “Muprofita anokudzwa kumwe kwese asi kwete kumusha kwake nepakati pehama dzake uye mumba make.”+ 5 Saka haana kukwanisa kuita mabasa esimba ikoko kunze kwekuisa maoko ake pavanhu vashomanana vairwara achivarapa. 6 Akashamiswa chaizvo nekusatenda kwavo. Uye akatenderera misha yese, achidzidzisa.+
7 Akabva ashevedza vane Gumi Nevaviri, akatanga kuvatuma vari vaviri vaviri,+ uye akavapa simba pamusoro pemweya isina kuchena.+ 8 Akavarayirawo kuti varege kutakura chinhu parwendo rwacho kunze kwemudonzvo chete, vasina chingwa, homwe yezvekudya, kana mari* mumabhandi avo,+ 9 asi kuti vapfeke shangu uye varege kupfeka nguo mbiri.* 10 Akatizve kwavari: “Kwese kwamunopinda mumba, garai imomo kusvikira mabva munzvimbo iyoyo.+ 11 Uye kwese kwamusingagamuchirwi kana kuteererwa, pamunobva munzvimbo iyoyo, zunzai guruva riri patsoka dzenyu kuti zvive uchapupu kwavari.”+ 12 Vakabva vaenda vakatanga kuparidza kuti vanhu vanofanira kupfidza zvivi zvavo,+ 13 uye vakadzinga madhimoni mazhinji,+ vakazora mafuta vanhu vakawanda vairwara vachivarapa.
14 Mambo Herodhi akabva anzwa izvi, nekuti zita raJesu rakanga rava kuzivikanwa kwese kwese, uye vanhu vaiti: “Johani Mubhabhatidzi amutswa kuvakafa, ndokusaka ari kuita mabasa esimba.”+ 15 Asi vamwe vaiti: “NdiEriya.” Vamwewo vaiti: “Muprofita akangofananawo nevamwe vaprofita vakamborarama.”+ 16 Asi Herodhi paakazvinzwa, akati: “Johani wandakadimbura musoro ndiye amutswa.” 17 Nekuti Herodhi akanga atuma vanhu kunosunga Johani, akamuisa mujeri nemhosva yaHerodhiyasi, mudzimai wemukoma wake Firipi, waakanga aroora.+ 18 Nekuti Johani aiudza Herodhi kuti: “Hazvibvumirwi nemutemo kuti mutore mudzimai wemukoma wenyu.”+ 19 Saka Herodhiyasi aiva nechigumbu naye uye aida kumuuraya, asi aitadza kuzviita. 20 Nekuti Herodhi aitya Johani, achiziva kuti aiva munhu akarurama uye mutsvene,+ uye aimuchengetedza. Pashure pekunzwa zvaaitaura, akashaya kuti oitei, asi akaramba achimuteerera achifara.
21 Asi mukana wakazomuka pakagadzirwa naHerodhi kudya kwemanheru pazuva rekuberekwa kwake,+ akakoka makurukota ake nevatungamiriri vemauto nevarume vakakurumbira vekuGarireya.+ 22 Uye mwanasikana waHerodhiyasi akauya, akatamba, akafadza Herodhi nevaya vaaidya navo. Mambo akati kumusikana wacho: “Ndikumbire chero chaunoda, ndikupe.” 23 Akatomupikira achiti: “Chese chauchakumbira ndichakupa, kusvikira pahafu yeumambo hwangu.” 24 Saka akaenda kuna amai vake akati: “Ndokumbirei?” Ivo vakati: “Musoro waJohani Mubhabhatidzi.” 25 Akabva angopinda muna mambo pakarepo, akataura chikumbiro chake achiti: “Ndinoda kuti mundipe iye zvino musoro waJohani Mubhabhatidzi uri mundiro.”+ 26 Kunyange zvazvo izvi zvakamushungurudza kwazvo, mambo akanga asingadi kumunyima zvaakakumbira, nekuti akanga aita zvekupika uye paiva nevaenzi. 27 Saka mambo akabva atotuma murindi, akamurayira kuti auye nemusoro waJohani. Saka akaenda, akamudimbura musoro ari mujeri, 28 akauya nemusoro wake uri mundiro. Akaupa musikana wacho, uye musikana wacho akaupa amai vake. 29 Vadzidzi vake pavakazvinzwa, vakauya vakatora chitunha chake, vakachiviga muguva.*
30 Vaapostora vakaungana paiva naJesu, vakamuudza zvinhu zvese zvavakanga vaita uye vadzidzisa.+ 31 Iye akati kwavari: “Imi uyai kwenyu mega kusina vanhu, mumboti zororei.”+ Nekuti kwaiuya vanhu vakawanda vamwe vachienda, uye vakanga vasina kana nguva yekuzorora kuti vadye. 32 Saka vakasimuka nechikepe kuti vaende kwavo vega kunzvimbo isina vanhu.+ 33 Asi vanhu vakavaona vachienda zvikazivikanwa nevakawanda, uye vakamhanya netsoka ikoko vachibva mumaguta ese vakavatangira kusvika. 34 Paakaburuka, akaona vanhu vakawanda, uye akasiririswa navo,+ nekuti vakanga vakaita semakwai asina mufudzi.+ Uye akatanga kuvadzidzisa zvinhu zvakawanda.+
35 Pari zvino nguva dzakanga dzafamba, uye vadzidzi vake vakauya kwaari, vakati: “Nzvimbo ino iri kure nekunogara vanhu uye nguva yapera.+ 36 Varegei vaende mumaruwa nemumisha yakapoteredza vanozvitengera zvekudya.”+ 37 Akavapindura achiti: “Vapei zvekudya imimi.” Ivo vakati kwaari: “Toenda kunotenga chingwa chemadhinari* 200 tochipa vanhu kuti vadye here?”+ 38 Akati kwavari: “Mune chingwa chakawanda sei? Endai munoona!” Pavakatarisa, vakati: “Zvingwa zvishanu nehove mbiri.”+ 39 Akabva arayira vanhu vese kuti vagare muzvikwata pauswa hwakasvibirira.+ 40 Saka vakagara muzvikwata zvevanhu 100 uye 50. 41 Akatora zvingwa zvacho zvishanu nehove dzacho mbiri, akatarisa kudenga, ndokukumbira chikomborero.+ Akabva adimbura-dimbura chingwa chacho, akatanga kuchipa vadzidzi kuti vachiise pamberi pevanhu, uye akadimbura-dimbura hove dzacho mbiri dzikapiwa vanhu vese. 42 Saka vese vakadya, vakaguta, 43 uye vakaunganidza zvakanga zvasara zvikaita tswanda 12, tisingaverengi hove.+ 44 Vaya vakadya chingwa vaiva varume 5 000.
45 Pakarepo, akabva aita kuti vadzidzi vake vakwire chikepe vafanotungamira mhiri pedyo neBhetisaidha, iye ndokusara achiita kuti vanhu vaende.+ 46 Asi pashure pekuonekana navo, akaenda mugomo kunonyengetera.+ 47 Paakanga ava manheru, chikepe chakanga chava pakati pegungwa, asi iye akanga asara ega panzvimbo iyoyo.+ 48 Saka paakavaona vachiomerwa nekufambisa chikepe nekuti mhepo yaibva nechekwavakanga vakananga, panenge panguva yekurinda kwechina kweusiku,* akauya kwavari achifamba pamusoro pegungwa; asi akanga achiita seari kuda* kuvapfuura. 49 Pavakamuona achifamba pamusoro pegungwa, vakati: “Haasi munhu chaiye uyu!” Uye vakaridza mhere. 50 Nekuti vese vakamuona uye vakanetseka. Asi akabva angotaura navo, achiti: “Musavhunduka henyu! Ndini; musatya.”+ 51 Akabva apinda muchikepe mavaiva, mhepo ikadzikama. Izvi zvakavashamisa kwazvo, 52 nekuti vakanga vasina kunzwisisa chishamiso chaakanga aita chechingwa, asi mwoyo yavo yakaramba yakagomara pakunzwisisa.
53 Pavakayambuka kumhiri, vakapinda muGenesareti, vakasungirira chikepe pedyo naipapo.+ 54 Asi pavakangoburuka muchikepe, vanhu vakamuziva. 55 Vakamhanya-mhanya munharaunda iyoyo yese, vakatanga kuunza vaya vairwara vari patumibhedha vachienda navo kwavakanga vanzwa kuti akanga ari. 56 Kwese kwaaipinda mumisha kana mumaguta kana mumaruwa, vaiisa varwere pamisika, uye vaimuteterera kuti vangobata masa* enguo yake yekunze chete.+ Uye vese vaiabata vakaporeswa.
7 VaFarisi nevamwe vanyori vakanga vabva kuJerusarema vakamuunganira.+ 2 Uye vakaona vamwe vadzidzi vake vachidya zvekudya zvavo nemaoko akasviba, kureva kuti, asina kugezwa. 3 (Nekuti vaFarisi nevamwe vaJudha vese havadyi vasina kugeza maoko kusvikira mumagokora, vachitevedzera tsika dzevanhu vekare, 4 uye pavanobva kumusika, havadyi vasina kugeza. Vane dzimwe tsika dzakawanda dzavakagamuchira uye dzavanotevedzera, dzakadai sekubhabhatidza makapu, majagi, nemidziyo yemhangura.)+ 5 Saka vaFarisi ava nevanyori vakamubvunza kuti: “Sei vadzidzi vako vasingatevedzeri tsika dzevanhu vekare, vachidya nemaoko akasviba?”+ 6 Iye akati kwavari: “Regai Isaya akazoprofita nezvenyu imi vanyengeri, sekunyorwa kwazvakaitwa kuti, ‘Vanhu ava vanondikudza nemiromo yavo, asi mwoyo yavo iri kure chaizvo neni.+ 7 Vanoramba vachindinamata pasina, nekuti vanodzidzisa mirayiro yevanhu sedzidziso.’+ 8 Munosiya murayiro waMwari muchibatisisa tsika dzevanhu.”+
9 Uyezve, akati kwavari: “Munoruka mazano ekuti musiye murayiro waMwari kuti muchengete tsika dzenyu.+ 10 Semuenzaniso, Mozisi akati, ‘Kudza baba vako naamai vako,’+ uye akati, ‘Munhu anotuka baba vake kana amai vake anofanira kuurayiwa.’+ 11 Asi imi munoti, ‘Kana munhu akati kuna baba vake kana amai vake: “Chese chandiinacho chandaigona kukubatsirai nacho ikobhani (kureva, chipo chakatsaurirwa kuna Mwari),”’ 12 hamuzomubvumiri kuitira baba vake kana amai vake kunyange chinhu chimwe chete.+ 13 Saka munoita kuti shoko raMwari rishaye simba netsika dzenyu dzamakapfuudza kune vamwe.+ Uye munoita zvinhu zvakawanda zvakadai.”+ 14 Saka akashevedza vanhu, akati kwavari: “Nditeererei mese, munzwisise zvandiri kureva.+ 15 Hapana chinhu chinobva kunze kwemunhu chinopinda maari chinogona kumusvibisa; asi zvinhu zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.”+ 16* ——
17 Paakanga abva pane vanhu vakawanda, apinda mumba, vadzidzi vake vakatanga kumubvunza nezvemufananidzo wacho.+ 18 Saka akati kwavari: “Ko nemiwo hamunzwisisi here? Hamuzivi here kuti hapana chinhu chinobva kunze chinopinda mumunhu chinogona kumusvibisa, 19 sezvo chichipinda mudumbu make, kwete mumwoyo make, chobuda chichipinda mugomba retsvina?” Saka akaratidza kuti zvekudya zvese zvakachena. 20 Uyezve akati: “Zvinobuda mumunhu ndizvo zvinomusvibisa.+ 21 Nekuti mukati memunhu, mumwoyo make,+ munobuda kufunga kwakaipa: unzenza,* umbavha, umhondi, 22 upombwe, makaro, mabasa akaipa, unyengeri, tsika dzakafumuka,* ziso rine shanje, kumhura, kuzvikudza, uye upenzi. 23 Zvinhu zvese izvi zvakaipa zvinobuda mukati memunhu uye zvinomusvibisa.”
24 Akabva ipapo, akaenda munharaunda yeTire neSidhoni.+ Ava ikoko akapinda mune imwe imba asingadi kuti zvizivikanwe, asi vanhu vakazviziva. 25 Mumwe mukadzi akanga aine mwanasikana mudiki akanga aine mweya usina kuchena, paakanzwa nezvake akabva angouya, akagwadama patsoka dzake.+ 26 Mukadzi wacho akanga ari muGiriki, ari chizvarwa chechiSirofenikiya; uye akaramba achimukumbira kuti adzinge dhimoni raiva pamwanasikana wake. 27 Asi akati kwaari: “Rega vana vatange vaguta, nekuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira mbwanana.”+ 28 Asi iye akapindura achiti: “Ndizvozvo ishe, asi mbwanana dziri pasi petafura dzinodyawo mafufu evana.” 29 Iye akabva ati kwaari: “Nekuti wataura izvi, chienda; dhimoni racho rabuda mumwanasikana wako.”+ 30 Saka akaenda kumba, akawana mwana wacho akarara pamubhedha, uye dhimoni racho rabuda.+
31 Jesu paakadzoka achibva kunharaunda yeTire, akapfuura nemuSidhoni achienda kuGungwa reGarireya, achipfuura nemunharaunda yeDhekaporisi.*+ 32 Vakabva vauya kwaari nemurume akanga ari matsi,+ asingagoni kunyatsotaura, vakamuteterera kuti aise ruoko rwake paari. 33 Uye akaenda naye kwake ega, kusina vanhu. Akabva aisa zvigunwe zvake munzeve dzemurume wacho, uye akasvipa mate, akabata rurimi rwake.+ 34 Uye akatarisa kudenga, ndokutura befu, akati kwaari: “Efufata,” zvinoreva kuti, “Vhurika.” 35 Saka nzeve dzake dzakavhurika,+ uye dambudziko rake rekutaura rakabviswa, akatanga kutaura zvakanaka. 36 Akabva avaudza kuti vasaudza vanhu,+ asi paairamba achivaudza, ivo vaitowedzera kutaura nezvazvo.+ 37 Chokwadi vakashamiswa chaizvo,+ uye vakati: “Aita zvinhu zvese nemazvo. Anoita kuti kunyange matsi dzinzwe uye vasingatauri vataure.”+
8 Rimwe zuva mumazuva iwayo, pakaungana vanhu vakawanda zvikuru, uye vakanga vasina zvekudya. Saka akashevedza vadzidzi akati kwavari: 2 “Ndiri kusiririswa nevanhu ava,+ nekuti vava nemazuva matatu vaineni asi havana zvekudya.+ 3 Kana ndikavaendesa kumisha yavo vasina kudya, vachaziya munzira; vamwe vavo vanobva kure.” 4 Asi vadzidzi vake vakamupindura kuti: “Munhu angawana kupi chingwa chinokwana vanhu ava vachiguta munzvimbo ino iri kwayo yega?” 5 Akabva avabvunza kuti: “Mune chingwa chakawanda sei?” Ivo vakati: “Zvingwa zvinomwe.”+ 6 Uye akaudza vanhu kuti vagare pasi. Akabva atora zvingwa zvacho zvinomwe, akaonga, akazvimedura, akatanga kuzvipa vadzidzi vake kuti vape vanhu, uye vakavapa.+ 7 Vaivawo nehove diki shomanana, uye akadzikomborera, akavaudza kuti vadzipewo vanhu. 8 Saka vakadya, vakaguta, uye vakaunganidza zvakasara, zvikazadza matengu manomwe.+ 9 Pakanga paine varume vangasvika 4 000. Akabva avati vachienda zvavo.
10 Akabva angokwira muchikepe nevadzidzi vake, vakasvika munharaunda yeDharimanuta.+ 11 VaFarisi vakauya, vakatanga kuita nharo naye, vachiti avaratidze chiratidzo chinobva kudenga, vachida kumuedza.+ 12 Saka akatura mafemo achirwadziwa mumwoyo make uye akati: “Chizvarwa ichi chinotsvagirei chiratidzo?+ Zvechokwadi ndinoti, hapana chiratidzo chichapiwa chizvarwa ichi.”+ 13 Akabva avasiya, akakwirazve muchikepe, akayambuka mhiri.
14 Asi vakakanganwa kutakura chingwa uye vakanga vasina chavaiva nacho muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete.+ 15 Uye akavayambira zviri pachena achiti: “Rambai makangwarira; chenjererai mbiriso yevaFarisi neyaHerodhi.”+ 16 Saka vakatanga kuitisana nharo pamusoro pekuti vakanga vasina chingwa. 17 Paakavanzwa akati kwavari: “Nei muri kuitisana nharo nezvekuti hamuna chingwa? Hamusati mava kubata zvazvinoreva uye kunzwisisa here? Mwoyo yenyu ichakagomara pakunzwisisa here? 18 ‘Kunyange muine maziso, hamuoni here; uye kunyange muine nzeve, hamunzwi here?’ Hamuyeuki here 19 kuti pandakamedurira varume 5 000 zvingwa zvishanu,+ makaunganidza zvakasara mukazadza tswanda ngani?” Ivo vakati kwaari: “Takazadza 12.”+ 20 “Pandakamedurira varume 4 000 zvingwa zvinomwe, matengu mangani amakazadza nezvakasara?” Ivo vakati kwaari: “Manomwe.”+ 21 Akabva ati kwavari: “Hamusati mava kunzwisisa here?”
22 Vakazosvika kuBhetisaidha. Uye vanhu vakauya kwaari nemurume aiva bofu, vakamuteterera kuti amubate.+ 23 Uye akabata murume wacho ruoko, akabuda naye kunze kwemusha. Pashure pekusvipira mate pamaziso ake,+ akaisa maoko ake paari, ndokumubvunza kuti: “Pane chauri kuona here?” 24 Murume wacho akasimudza musoro akati: “Ndiri kuona vanhu, asi vari kuita kunge miti iri kufamba-famba.” 25 Akaisazve maoko ake pamaziso emurume wacho, murume wacho akatanga kunyatsoona. Maziso ake akaporeswa, uye akanga ava kunyatsoona zvinhu zvese. 26 Saka akamuti aende kumba, asi akati: “Usapinda mumusha uyu.”
27 Jesu nevadzidzi vake vakasimuka vakananga kumisha yeKesariya Firipi, uye vari munzira akatanga kubvunza vadzidzi vake kuti: “Vanhu vari kuti ndini ani?”+ 28 Vakati kwaari: “Johani Mubhabhatidzi,+ asi vamwe vanoti Eriya,+ vamwewo vachiti, mumwe wevaprofita.” 29 Uye akabvunza ivo vacho kuti: “Ko imi, munoti ndini ani?” Petro akamupindura kuti: “Ndimi Kristu.”+ 30 Akabva avaudza kuti vasatomboudza chero munhu nezvake.+ 31 Uyewo, akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kusangana nematambudziko akawanda, orambwa nevakuru nevatungamiriri vevapristi nevanyori, ourayiwa,+ ozomuka pashure pemazuva matatu.+ 32 Aivaudza mashoko aya pachena. Asi Petro akaenda naye parutivi, akatanga kumutsiura.+ 33 Akabva atendeuka, akatarisa vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: “Siyana neni* Satani! nekuti haufungi zvinofungwa naMwari, asi zvinofungwa nevanhu.”+
34 Akabva ashevedza vanhu pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: “Kana munhu achida kunditevera, ngaazvirambe, atore danda rake rekutambudzirwa,* arambe achinditevera.+ 35 Nekuti munhu wese anoda kuponesa upenyu hwake* acharasikirwa nahwo, asi munhu wese anorasikirwa neupenyu hwake* nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka achahuchengetedza.+ 36 Ko zvinobatsirei kuti munhu awane nyika yese orasikirwa neupenyu hwake?*+ 37 Munhu angapa chii chaizvo, kuti arege kurasikirwa neupenyu hwake?*+ 38 Nekuti munhu wese anonyara neni nemashoko angu muchizvarwa chino cheupombwe* uye chinotadza, Mwanakomana wemunhu paanouya ari mukubwinya kwaBaba vake aine ngirozi tsvene,+ achanyarawo naye.”+
9 Uyezve, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, pane vamwe vamire pano vasingazomboraviri rufu vasati vaona Umambo hwaMwari hwatouya nesimba.”+ 2 Pashure pemazuva 6, Jesu akaenda naPetro naJakobho naJohani, ndokukwira navo mugomo refu refu vari vega. Uye akashanduka pamberi pavo;+ 3 nguo dzake dzekunze dzakatanga kupenya, dzikachena chaizvo zvekuti hapana mugezi wenguo panyika aigona kudzichenesa zvakadaro. 4 Vakaonawo Eriya naMozisi, vachikurukura naJesu. 5 Petro akabva ati kuna Jesu: “Rabhi, zvakanaka kuti tiri pano. Saka regai tidzike matende matatu, rimwe renyu, rimwe raMozisi, uye rimwe raEriya.” 6 Chokwadi ndechekuti akanga asinganyatsozivi kuti oita sei, nekuti vaitya kwazvo. 7 Gore rakavapo, rikavafukidza, uye inzwi+ rakabva mugore racho richiti: “Uyu ndiye Mwanakomana wangu, anodiwa.+ Muteererei.”+ 8 Vakabva vatarisa-tarisa, vakaona vangosara vega naJesu chete.
9 Pavaiburuka mugomo, akavaudza kuti vasatomboudza chero munhu zvavakanga vaona+ kusvikira Mwanakomana wemunhu amuka kuvakafa.+ 10 Vakateerera zvaakanga ataura,* asi vakataurirana pachavo kuti kumuka uku kuvakafa kwairevei. 11 Uye vakatanga kumubvunza kuti: “Nei vanyori vachiti Eriya+ ndiye anofanira kutanga kuuya?”+ 12 Akati kwavari: “Eriya anotanga kuuya odzorera zvinhu zvese;+ asi sei zvakanyorwa nezveMwanakomana wemunhu kuti anofanira kusangana nematambudziko akawanda+ obatwa zvakaipa?+ 13 Asi ndinoti kwamuri, Eriya+ akatouya, uye vakaita zvavaida naye, sekunyorwa kwazvakaitwa nezvake.”+
14 Pavakasvika kwaiva nevamwe vadzidzi, vakaona vakaunganirwa nevanhu vakawanda, uye paiva nevanyori vaiitisana nharo navo.+ 15 Asi vanhu pavakangomuona, vakashamiswa, vakamhanyira kunomukwazisa. 16 Saka akavabvunza kuti: “Muri kuitisana nharo dzei navo?” 17 Mumwe munhu aiva pakati pavo akamupindura kuti: “Mudzidzisi, ndauya nemwanakomana wangu kwamuri nekuti ane mweya unoita kuti atadze kutaura.+ 18 Pese paunomubata unomukandira pasi, anopupa furo, orumanisa mazino, opera simba. Ndakumbira vadzidzi venyu kuti vaudzinge, asi vatadza.” 19 Akavapindura achiti: “Imi chizvarwa chisina kutenda,+ ndinofanira kuramba ndiinemi kusvikira riini? Ndokuitirai mwoyo murefu kusvikira riini? Uyai naye pano.”+ 20 Saka vakaunza mukomana wacho paari, asi mweya wacho pawakamuona, wakabva waita kuti mwana wacho agwinhe-gwinhe. Akadonha pasi, akaramba achiumburuka, achipupa furo. 21 Jesu akabva abvunza baba vake kuti: “Zvava nenguva yakareba sei zvichiitika kwaari?” Vakati: “Kubvira achiri mudiki, 22 uye waiwanzomukanda mumoto kana mumvura uchida kumuparadza. Asi kana paine zvamunogona kuita, tinzwireiwo tsitsi, mutibatsire.” 23 Jesu akati kwaari: “Mashoko iwayo ekuti, ‘Kana paine zvamunogona’! Zvinhu zvese zvinoita kana munhu aine kutenda.”+ 24 Pakarepo, baba vemwana wacho vakabva vashevedzera vachiti: “Ndine kutenda! Ndibatsirei pandinoda kutenda!”+
25 Jesu paakaona kuti vanhu vakawanda vakanga vava kumhanyira kwavari, akatuka mweya wacho usina kuchena, achiti kwauri: “Iwe mweya unotadzisa munhu kutaura nekunzwa, ndinokurayira, buda maari uye usapindazve maari!”+ 26 Pashure pekunge washevedzera uye waita kuti agwinhe-gwinhe kazhinji, wakabuda, uye mwana wacho akaita seafa, zvekuti vanhu vakanga vava kuti: “Afa!” 27 Asi Jesu akamubata ruoko, akamusimudza, akasimuka. 28 Saka paakanga apinda mumba, vadzidzi vake vakamubvunza vari vega kuti: “Nei tatadza kuudzinga?”+ 29 Akati kwavari: “Rudzi urwu runobuda nemunyengetero chete.”
30 Vakabva ipapo, vakaenda nemuGarireya, asi akanga asingadi kuti zvizivikanwe. 31 Nekuti akanga achidzidzisa vadzidzi vake, achivaudza kuti: “Mwanakomana wemunhu achatengeswa mumaoko evanhu, uye vachamuuraya,+ asi pasinei nekuti achaurayiwa, achamuka kwapera mazuva matatu.”+ 32 Asi havana kunzwisisa zvaaitaura, uye vaitya kumubvunza.
33 Vakasvika muKapenaume. Paakanga ava mumba, akavabvunza kuti: “Manga muchiitisana nharo dzei mumugwagwa?”+ 34 Vakaramba vakanyarara, nekuti mumugwagwa vakanga vaitisana nharo dzekuti ndiani aiva mukuru pakati pavo. 35 Saka akagara pasi, akashevedza vane Gumi Nevaviri, akati kwavari: “Kana munhu achida kuva wekutanga, anofanira kuva wekupedzisira pane vamwe vese nemushumiri wevamwe vese.”+ 36 Akabva atora mwana mudiki, akamumisa pakati pavo; akamumbundira, akati kwavari: 37 “Munhu wese anogamuchira mumwe wevana vadiki vakadai+ nekuda kwezita rangu anondigamuchirawo; uye munhu wese anondigamuchira haagamuchiri ini chete, asi anogamuchirawo iye akandituma.”+
38 Johani akati kwaari: “Mudzidzisi, taona mumwe munhu achidzinga madhimoni achishandisa zita renyu, uye taedza kumurambidza, nekuti anga asiri kutitevera.”+ 39 Asi Jesu akati: “Musaedza kumurambidza, nekuti hapana munhu angaita mabasa esimba nezita rangu obva atotanga kutaura zvakaipa nezvangu. 40 Nekuti wese asingapesani nesu ari kurutivi rwedu.+ 41 Uye munhu wese anokupai kapu yemvura yekunwa nekuti muri vanhu vaKristu,+ chokwadi ndinokuudzai kuti, haangamborasikirwi nemubayiro wake.+ 42 Asi munhu wese anokanganisa kutenda kwemumwe* wevadiki ava vane kutenda, zviri nani kuti zidombo guru rinotenderedzwa nedhongi pakukuya risungirirwe mumutsipa make, okandwa mugungwa.+
43 “Kana ruoko rwako ruchiita kuti ugumburwe,* rudimbure. Zviri nani kuti upinde muupenyu wakaremara pane kuti uende uine maoko maviri muGehena,* mumoto usingakwanisi kudzimwa.+ 44* —— 45 Uye kana tsoka yako ichiita kuti ugumburwe,* idimbure. Zviri nani kuti upinde muupenyu uchikamhina pane kuti ukandwe muGehena* uine tsoka mbiri.+ 46* —— 47 Uye kana ziso rako richiita kuti ugumburwe,* rirase.+ Zviri nani kuti upinde muUmambo hwaMwari uine ziso rimwe chete pane kuti ukandwe uine maziso maviri muGehena,*+ 48 mune honye dzisingafi uye moto usingadzimwi.+
49 “Nekuti munhu wese anofanira kurungwa nemoto.+ 50 Munyu wakanaka, asi kana munyu usisavaviri, muchaurunga nei?+ Ivai nemunyu mamuri,+ muchengete rugare pakati penyu.”+
10 Achibva ipapo, akasimuka akaenda kumuganhu weJudhiya mhiri kwaJodhani, uye vanhu vakamuunganira zvakare. Akatangazve kuvadzidzisa sezvaaigara achiita.+ 2 Uye vaFarisi vakasvika vachida kumuedza, uye vakamubvunza kana zvaibvumirwa nemutemo kuti murume arambe mudzimai.+ 3 Akavapindura kuti: “Mozisi akakurayirai kuti chii?” 4 Ivo vakati: “Mozisi akabvumira kuti murume anyore gwaro rekudzinga nekuramba mudzimai.”+ 5 Asi Jesu akati kwavari: “Iye akakunyorerai murayiro uyu+ nekuda kwekuoma kwemwoyo yenyu.+ 6 Asi kubvira pakatanga kusikwa zvinhu, ‘Akavaita munhurume nemunhukadzi.+ 7 Ndokusaka murume achasiya baba vake naamai vake,+ 8 uye vaviri vacho vachava nyama imwe,’+ zvekuti havasisirizve vaviri, asi nyama imwe. 9 Saka ngaparege kuva nemunhu anoparadzanisa zvasungwa pamwe chete pajoko naMwari.”+ 10 Pavakanga vavazve mumba vadzidzi vakatanga kumubvunza nezvazvo. 11 Akati kwavari: “Munhu wese anoramba mudzimai wake oroora mumwe, anenge achitoita upombwe,+ achitadzira mudzimai wake, 12 uye kana mukadzi akangoramba murume wake, oroorwa nemumwe murume, mukadzi iyeye anenge achiita upombwe.”+
13 Vanhu vakatanga kuuya nevana vadiki kwaari kuti avabate, asi vadzidzi vakavatsiura.+ 14 Jesu paakaona izvi akatsamwa, akati kwavari: “Regai vana vadiki vauye kwandiri; musaedza kuvarambidza, nekuti Umambo hwaMwari ndehwevanhu vakadai.+ 15 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese asingagamuchiri Umambo hwaMwari semwana mudiki haazombopindi mahuri.”+ 16 Akabva ambundira vana vacho, akatanga kuvakomborera, achiisa maoko ake pavari.+
17 Paakanga ava kuenda, mumwe murume akamumhanyira, akapfugama pamberi pake, ndokumubvunza kuti: “Mudzidzisi Akanaka, chii chandinofanira kuita kuti ndigare nhaka yeupenyu husingaperi?”+ 18 Jesu akati kwaari: “Nei uchinditi akanaka? Hapana munhu akanaka, kunze kwaMwari chete.+ 19 Mirayiro unoiziva: ‘Usauraya,+ usaita upombwe,+ usaba,+ usapa uchapupu hwenhema,+ usabiridzira,+ kudza baba vako naamai vako.’”+ 20 Murume wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, ndakachengeta zvinhu zvese izvi kubvira ndichiri mudiki.” 21 Jesu akamutarisa, akaratidza kuti aimuda, akati, “Wasarirwa nechinhu chimwe chete: Enda unotengesa zvinhu zvauinazvo upe varombo, uye uchava nepfuma kudenga; uye uya uve muteveri wangu.”+ 22 Asi akasuwa paakanzwa mhinduro iyoyo, akaenda achirwadziwa, nekuti aiva nezvinhu zvakawanda.+
23 Jesu akatarisa vanhu vese, akati kuvadzidzi vake: “Zvichange zvakaoma chaizvo kuti vaya vane mari vapinde muUmambo hwaMwari.”+ 24 Asi vadzidzi vakashamiswa nezvaakataura. Jesu akabva ati: “Vanangu, zvakaoma chaizvo kupinda muUmambo hwaMwari. 25 Zviri nyore kuti ngamera ipinde nepaburi retsono pane kuti mupfumi apinde muUmambo hwaMwari.”+ 26 Vakatonyanya kushamisika, vakati kwaari:* “Chokwadi ndiani angaponeswa?”+ 27 Jesu akanyatsovatarisa, akati: “Izvi hazvibviri kuvanhu, asi hazvina kudaro kuna Mwari, nekuti zvinhu zvese zvinobvira kuna Mwari.”+ 28 Petro akatanga kuti kwaari: “Onai! Isu takasiya zvinhu zvese tikakuteverai.”+ 29 Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, hapana munhu akasiya imba kana vanin’ina kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana kana minda nekuda kwangu uye nekuda kwemashoko akanaka+ 30 asingazowani zvapetwa kazana munguva ino, dzimba nevanin’ina nehanzvadzi navanaamai nevana neminda, uku achitambudzwa,+ uye upenyu husingaperi mune ramangwana.* 31 Asi vazhinji vekutanga ndivo vachava vekupedzisira, uye vekupedzisira vachava vekutanga.”+
32 Pavakanga vachikwidza nemugwagwa unoenda kuJerusarema, Jesu aifamba ari mberi kwavo uye izvi zvakavashamisa, asi vaya vaivatevera vakatanga kutya. Akatorazve vane Gumi Nevaviri, akaenda navo parutivi, akatanga kuvaudza zvinhu izvi zvakanga zvava kuda kuitika kwaari, achiti:+ 33 “Iye zvino tiri kukwidza kuJerusarema, uye Mwanakomana wemunhu achaiswa kuvatungamiriri vevapristi nevanyori. Vachamutongera rufu vomuisa kuvanhu vemamwe marudzi, 34 avo vachamuseka, vomusvipira mate nekumurova zvakasimba vomuuraya, asi achamuka pashure pemazuva matatu.”+
35 Jakobho naJohani, vanakomana vaZebhedhi,+ vakaenda paari vakati: “Mudzidzisi, tinoda kuti mutiitirewo chero chatichakukumbirai.”+ 36 Akati kwavari: “Munoda kuti ndikuitirei chii?” 37 Vakamupindura kuti: “Tibvumirei kuti tigare, mumwe kuruoko rwenyu rwerudyi, mumwe kuruboshwe, mukubwinya kwenyu.”+ 38 Asi Jesu akati kwavari: “Hamuzivi zvamuri kukumbira. Munokwanisa here kunwira mukapu yandiri kunwira kana kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo?”+ 39 Ivo vakati kwaari: “Tinokwanisa.” Jesu akabva ati kwavari: “Muchanwira henyu mukapu yandiri kunwira, uye muchabhabhatidzwa henyu nerubhabhatidzo rwandiri kubhabhatidzwa narwo.+ 40 Asi zvekugara kuruoko rwangu rwerudyi kana kuruboshwe rwangu handisi ini ndinopa izvozvo, asi ndezvevaya vakazvigadzirirwa.”
41 Vamwe gumi pavakazvinzwa, vakatsamwira Jakobho naJohani.+ 42 Asi Jesu akavashevedza, akati kwavari: “Imi munoziva kuti vaya vanonzi ndivo vanotonga marudzi vanozviita madzishe paari uye vanhu vane zvinzvimbo vanoshandisa simba paari.+ 43 Izvi hazvifaniri kudaro pakati penyu; asi munhu wese anoda kuva mukuru pakati penyu anofanira kuva mushumiri wenyu,+ 44 uye wese anoda kuva wekutanga pakati penyu anofanira kuva muranda wenyu mese. 45 Nekuti kunyange Mwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshumirwa, asi kuzoshumira+ nekupa upenyu hwake* kuti adzikinure vanhu vazhinji.”+
46 Vakasvika muJeriko. Asi paakanga ava kubuda muJeriko nevadzidzi vake nevanhu vakawanda, Bhatimeyo (mwanakomana waTimeyo), bofu raipemha, akanga agere parutivi pemugwagwa.+ 47 Paakanzwa kuti akanga ari Jesu wekuNazareta, akatanga kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi,+ Jesu, ndinzwireiwo ngoni!”+ 48 Vanhu vakawanda vakabva vatanga kumutsiura vachiti anyarare, asi iye akabva atowedzera kushevedzera achiti: “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!” 49 Saka Jesu akamira akati: “Mushevedzei auye.” Saka vakati kumurume wacho: “Usatya! Simuka; ari kukushevedza.” 50 Akakanda nguo yake yekunze kwakadaro uko, ndiye kwanyanu, akabva aenda kuna Jesu. 51 Jesu akabva ati kwaari: “Unoda kuti ndikuitirei?” Murume wacho akati kwaari: “Rabhoni,* itai kuti ndione.” 52 Uye Jesu akati kwaari: “Enda zvako. Kutenda kwako kwakuporesa.”+ Uye akabva atotanga kuonazve,+ akatanga kumutevera mumugwagwa.
11 Pavakanga vava kuda kusvika kuJerusarema, vava kuBhetifage neBhetani+ paGomo reMiorivhi, akatuma vadzidzi vake vaviri,+ 2 akavaudza kuti: “Pindai mumusha wamuri kuona uyu, uye kana mangopinda imomo muchawana mwana wedhongi asati ambotasvwa akasungirirwa. Musunungurei muuye naye kuno. 3 Kana munhu akati kwamuri, ‘Muri kuitirei izvi?’ muti, ‘Riri kudiwa naIshe, uye vacharidzosa kuno kana vangopedza naro.’” 4 Saka vakaenda, vakawana mwana wedhongi akasungirirwa pasuo nechekunze mumugwagwa, vakamusunungura.+ 5 Asi vamwe vakanga vakamira ipapo vakati kwavari: “Muri kusunungurireiko dhongi iro?” 6 Vakavaudza zvavakanga vaudzwa naJesu, uye vakavasiya vachienda.
7 Vakabva vauya nedhongi racho+ kuna Jesu, vakaisa nguo dzavo dzekunze pariri, iye akaritasva.+ 8 Uyewo, vazhinji vakawaridza nguo dzavo dzekunze mumugwagwa, asi vamwe vakatema tumapazi musango.+ 9 Vaya vakanga vachifamba vari mberi nevakanga vachitevera mushure vaishevedzera vachiti: “Tinokumbira kuti mumuponese!*+ Akakomborerwa munhu anouya muzita raJehovha!*+ 10 Hwakakomborerwa Umambo hwababa vedu Dhavhidhi huri kuuya!+ Tinokumbira kuti mumuponese muri kumusorosoro!” 11 Uye akapinda muJerusarema ndokuenda kutemberi, akaongorora zvinhu zvese, asi sezvo kwakanga kwatosviba, akabuda akaenda kuBhetani nevane Gumi Nevaviri.+
12 Mangwana acho, pavakanga vava kubuda muBhetani, akatanga kunzwa nzara.+ 13 Achiri nechekure zvishoma akaona muonde wakanga wakasvibirira, akaenda kunotsvaga maonde pauri. Asi paakasvika pauri, hapana chaakawana kunze kwemashizha, nekuti wakanga usiri mwaka wemaonde. 14 Saka akati kwauri: “Ngaparege kuva nemunhu anofa akadya michero inobva pauri.”+ Vadzidzi vake vakanga vakateerera.
15 Vakazosvika kuJerusarema. Ari ikoko akapinda mutemberi, akatanga kudzingira kunze vaya vaitenga nekutengesa mutemberi, akapidigura tafura dzevaichinja mari, nemabhenji evaitengesa njiva,+ 16 uye hapana munhu waaibvumira kupfuura nemutemberi akatakura chinhu. 17 Aidzidzisa uye aiti kwavari: “Hazvina kunyorwa here kuti, ‘Imba yangu ichanzi imba yekunyengeterera yemarudzi ese’?+ Asi imi maiita bako remakororo.”+ 18 Uye vatungamiriri vevapristi nevanyori vakazvinzwa, vakatanga kutsvaga nzira yekumuuraya;+ nekuti vaimutya, sezvo vanhu vese vaishamiswa nekudzidzisa kwake.+
19 Zuva parakanga ravira, vakabuda muguta. 20 Asi pavakanga vachipfuura mangwanani-ngwanani, vakaona muonde uya watooma kubvira kumidzi.+ 21 Petro akazviyeuka, ndokuti kwaari: “Rabhi, onai! muonde uya wamakatuka waoma.”+ 22 Jesu akapindura achiti kwavari: “Ivai nekutenda muna Mwari. 23 Chokwadi ndinoti kwamuri, munhu wese anoudza gomo iri kuti, ‘Simuka uwire mugungwa,’ aine chokwadi nazvo mumwoyo make uye achitenda kuti zvaanotaura zvichaitika, zvichaitika.+ 24 Ndokusaka ndichikuudzai kuti, zvinhu zvese zvamunonyengeterera muchikumbira, ivai nekutenda kwekuti matozvigamuchira, uye muchava nazvo.+ 25 Uye pamunomira muchinyengetera, regererai zvinhu zvese zvamakatadzirwa nemunhu, kuti Baba venyu vari kudenga vakuregerereiwo kudarika kwenyu.”+ 26* ——
27 Vakasvikazve kuJerusarema. Uye paaifamba mutemberi, vatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru vakauya 28 vakati kwaari: “Une mvumo here yekuita zvinhu izvi? Kana kuti ndiani akakupa mvumo yekuita zvinhu izvi?”+ 29 Jesu akati kwavari: “Ndichakubvunzai mubvunzo mumwe chete. Kana mukandipindura, ndichakuudzaiwo kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi. 30 Rubhabhatidzo rwaiitwa naJohani+ rwakabva kudenga here kana kuti kuvanhu? Ndipindurei.”+ 31 Saka vakatanga kutaurirana vachiti: “Kana tikati, ‘Rwakabva kudenga,’ achati, ‘Saka nei musina kumutenda?’ 32 Asi tingashinga here kuti, ‘Rwakabva kuvanhu’?” Vaitya vanhu, nekuti vese vaiti Johani aiva muprofita zvechokwadi.+ 33 Saka vakapindura Jesu vachiti: “Hatizivi.” Jesu akati kwavari: “Neniwo handikuudzii kuti ndiani akandipa mvumo yekuita zvinhu izvi.”
12 Akabva atanga kutaura navo achishandisa mifananidzo achiti: “Mumwe murume akadyara munda wemizambiringa,+ akaupoteredza neruzhowa,*+ akachera chisviniro chewaini, akavaka shongwe; akabva ausiya mumaoko mevarimi, akaenda kunze kwenyika.+ 2 Mwaka wekukohwa pawakasvika, akatuma muranda kuvarimi vacho, kuti anotora michero yemunda wacho wemizambiringa kwavari. 3 Asi vakamubata, vakamurova, vakamuendesa asina chinhu. 4 Akatumazve mumwe muranda kwavari, uye iyeye vakamurova musoro, vakamuzvidza.+ 5 Akatuma mumwe, vakamuuraya, nevamwezve vakawanda, vakarova vamwe vacho uye vakauraya vamwe vacho. 6 Pakanga pasara mumwe chete, mwanakomana wake anodiwa.+ Akatuma iyeye pekupedzisira, achiti, ‘Vacharemekedza mwanakomana wangu.’ 7 Asi varimi ivavo vakarangana vachiti, ‘Uyu ndiye mugari wenhaka.+ Uyai timuuraye, nhaka yova yedu.’ 8 Saka vakamubata, vakamuuraya, vakamukanda kunze kwemunda wemizambiringa.+ 9 Muridzi wemunda wemizambiringa achaita sei? Achauya ouraya varimi vacho, opa vamwe munda wacho wemizambiringa.+ 10 Hamuna kumboverenga here rugwaro urwu: ‘Dombo rakarambwa nevavaki, ndiro razova dombo guru repakona.*+ 11 Iri rakabva kuna Jehovha,* uye rinoshamisa mumaziso edu’?”+
12 Paakataura izvi, vaida kumubata,* asi vakatya vanhu, nekuti vaiziva kuti akataura mufananidzo wacho achifunga nezvavo. Saka vakamusiya, vakaenda.+
13 Vakazomutumira vamwe vaFarisi nevateveri vebato raHerodhi, kuti vamuwanire mhosva pamashoko ake.+ 14 Pavakasvika vakati kwaari: “Mudzidzisi, tinoziva kuti munotaura chokwadi uye hamutsvagi kufadza munhu, nekuti hamutarisi zvakaita munhu nechekunze, asi munodzidzisa nzira yaMwari maererano nechokwadi. Zvinobvumirwa nemutemo* here kubhadhara mutero* kuna Kesari kana kuti kwete? 15 Tinofanira kutera here, kana kuti hatifaniri?” Achiona unyengeri hwavo, akati kwavari: “Munondiedzerei? Ndiunzirei dhinari* ndione.” 16 Vakauya naro, uye akati kwavari: “Mufananidzo uyu nemashoko aya akanyorwa ndezvaani?” Ivo vakati kwaari: “NdezvaKesari.” 17 Jesu akabva ati: “Dzorerai zvinhu zvaKesari+ kuna Kesari, asi zvinhu zvaMwari kuna Mwari.”+ Vakashamiswa nazvo.
18 VaSadhusi, avo vanoti hakuna rumuko,+ vakauya, vakamubvunza kuti:+ 19 “Mudzidzisi, Mozisi akatinyorera kuti kana murume akafa achisiya mudzimai wake asina mwana, munin’ina wake anofanira kutora mudzimai wacho oberekera mukoma wake vana naye.+ 20 Kwaiva nevatevedzani vanomwe. Wekutanga akaroora mudzimai, asi akafa asina mwana. 21 Wechipiri akatora mudzimai wacho, asi akafa asina mwana, uye izvozvo ndizvo zvakaitikawo kune wechitatu. 22 Vese vari vanomwe vakafa vasina mwana. Uye mukadzi wacho akazofawo. 23 Parumuko achange ari mudzimai weupi wavo sezvo vese vari vanomwe vakambomuroora?” 24 Jesu akati kwavari: “Apa handipo pamakarasika here, pamusana pekusaziva kwenyu Magwaro kana simba raMwari?+ 25 Nekuti pavanomuka kuvakafa, varume havaroori uye vakadzi havaroorwi, asi vanenge vakaita sengirozi dziri kudenga.+ 26 Asi nezvekuti vakafa vachamutswa, hamuna kuverenga here mubhuku raMozisi, munyaya yegwenzi reminzwa, kuti Mwari akati kwaari: ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ 27 Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu. Makarasika chaizvo.”+
28 Mumwe munyori uyo akanga asvika ndokuvanzwa vachiita nharo, akaona kuti akanga avapindura zvakanaka, akamubvunza kuti: “Ndeupi murayiro wekutanga* pane yese?”+ 29 Jesu akapindura kuti: “Wekutanga ndeuyu, ‘Inzwa, haiwa iwe Israeri, Jehovha* Mwari wedu ndiJehovha* mumwe chete, 30 uye ida Jehovha* Mwari wako nemwoyo wako wese nemweya* wako wese nepfungwa dzako dzese uye nesimba rako rese.’+ 31 Wechipiri ndeuyu, ‘Ida muvakidzani wako sezvaunozviita.’+ Hapana mumwe murayiro mukuru kupfuura iyi.” 32 Munyori wacho akati kwaari: “Mudzidzisi, mataura zvakanaka uye mataura zvinoenderana nechokwadi chekuti, ‘Iye ndiye mumwe chete, uye hakuna mumwe kunze kwake’;+ 33 uye kumuda nemwoyo wako wese, nekunzwisisa kwako kwese, nesimba rako rese uye kuda muvakidzani wako sezvaunozviita kunokosha kupfuura mipiro yese nezvibayiro zvese zvinopiswa.”+ 34 Jesu paakaona kuti apindura neungwaru, akati kwaari: “Hausi kure neUmambo hwaMwari.” Asi hapana munhu akanga achiine ushingi hwekumubvunzazve.+
35 Asi Jesu paaidzidzisa mutemberi akati: “Sei vanyori vachitaura kuti Kristu mwanakomana waDhavhidhi?+ 36 Achitungamirirwa nemweya mutsvene+ Dhavhidhi akati, ‘Jehovha* akati kunaShe wangu: “Gara kuruoko rwangu rwerudyi kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako.”’+ 37 Kana Dhavhidhi pachake achimuti Ishe, anozova mwanakomana wake pakudii?”+
Vanhu vakawanda vakanga vachimuteerera vachifara. 38 Uye akaenderera mberi achidzidzisa achiti: “Chenjererai vanyori vanoda kufamba-famba vakapfeka nguo refu vachida kukwaziswa mumisika+ 39 uye vanoda zvigaro zvepamberi* mumasinagogi uye kugara panzvimbo dzevanoremekedzwa pakudya kwemanheru.+ 40 Vanoparadza dzimba dzechirikadzi uye vanoita minyengetero mirefu yekuda kuonekwa nevanhu. Ava vachawana mutongo wakaomarara kupfuura vamwe vese.”
41 Akagara pasi paaikwanisa kuona midziyo yekuisira mari,+ akatanga kucherechedza vanhu vachikanda mari mumidziyo yekuisira mari, uye vanhu vazhinji vakapfuma vaikanda mari yakawanda.+ 42 Imwe chirikadzi yaiva murombo yakasvika, ikakanda tumari tuviri tusinganyanyi kukosha.*+ 43 Saka akashevedza vadzidzi vake, akati kwavari: “Chokwadi ndinoti kwamuri, chirikadzi iyi murombo yabvisa zvakawanda kupfuura vamwe vese vaisa mari mumidziyo yekuisira mari.+ 44 Nekuti vese vakanda vachibvisa pamari yavo yakawandisa, asi iye, neurombo hwake, akanda yese yaanga ainayo, yese yaizomuraramisa.”+
13 Paaibuda mutemberi mumwe mudzidzi wake akati kwaari: “Mudzidzisi, onai! kunaka kwakaita matombo aya nezvivakwa zvacho!”+ 2 Asi Jesu akati kwaari: “Handiti uri kuona zvivakwa zvikuru izvi? Matombo ese ari pano achakoromorwa zvekuti hapana richasara riri pamusoro perimwe.”+
3 Paakanga akagara muGomo reMiorivhi akatarisa kutemberi, Petro, naJakobho, naJohani, naAndreya vakamubvunza vari vega kuti: 4 “Tiudzei kuti zvinhu izvi zvichaitika riini, uye kuti chii chichava chiratidzo chekuti zvinhu zvese izvi zvava kusvika kumagumo?”+ 5 Saka Jesu akatanga kuvaudza kuti: “Chenjerai kuti parege kuva nemunhu anokutsausai.+ 6 Vazhinji vachauya muzita rangu, vachiti, ‘Ndini iye,’ uye vachatsausa vazhinji. 7 Uyewo, pamunonzwa nezvehondo nemashoko ezvehondo, musavhunduka; zvinhu izvi zvinofanira kuitika, asi mugumo unenge usati wasvika.+
8 “Nekuti rudzi ruchamukira rudzi neumambo huchamukira umambo;+ kuchava nekudengenyeka kwenyika munzvimbo dzakawanda; kuchavawo nenzara.+ Izvi zvichava kutanga kwemarwadzo anotambudza.+
9 “Asi imi, zvichenjererei. Vanhu vachakuendesai kumatare ekwamunogara,+ uye mucharohwa mumasinagogi+ momiswa pamberi pemagavhuna nemadzimambo nekuda kwangu, kuti zvive uchapupu kwavari.+ 10 Uyewo, mashoko akanaka anofanira kutanga aparidzwa kumarudzi ese.+ 11 Uye pavanenge vachikuendesai kumatare, musazvidya mwoyo pamusoro pekuti muchataurei; asi taurai zvamunenge mapiwa panguva iyoyo, nekuti hamusi imi munenge muchitaura, asi mweya mutsvene ndiwo unenge uchitaura.+ 12 Uyezve, mukoma achaurayisa munin’ina, uye baba vachaurayisa mwana, uye vana vachapandukira vabereki vachivaurayisa.+ 13 Uye muchavengwa nevanhu vese nekuda kwezita rangu.+ Asi anenge atsungirira kusvikira kumugumo+ achaponeswa.+
14 “Asi, pamunoona chinhu chinonyangadza chinoparadza zvinhu zvese,+ chimire pachisingafaniri kuva (anoverenga ngaanzwisise), vaya vanenge vari muJudhiya ngavatange kutizira kumakomo.+ 15 Munhu ari pamusoro pemba ngaarege kuburuka kana kupinda mukati kuti atore chimwe chinhu mumba make; 16 uye munhu ari kumunda ngaarege kudzokera kuzvinhu zvaasiya kuti anotora nguo yake yekunze. 17 Vane nhamo vakadzi vanenge vaine pamuviri nevaya vanenge vachiyamwisa mumazuva iwayo!+ 18 Rambai muchinyengetera kuti zvirege kuitika munguva yechando; 19 nekuti mazuva iwayo achava mazuva ekutambudzika+ kusina kumboitika kubvira pakutanga kwezvisikwa zvakasikwa naMwari kusvikira panguva iyoyo, uye hakuzoitikizve.+ 20 Ndingatoti kudai Jehovha* akanga asina kutapudza mazuva acho, hapana munhu aiponeswa. Asi nekuda kwevakasarudzwa vaakasarudza, akatapudza mazuva iwayo.+
21 “Panguva iyoyo, kana munhu akati kwamuri, ‘Uyai muone! Kristu ari kuno,’ kana kuti, ‘Onai! Uyo ari uko,’ musazvibvuma.+ 22 Nekuti vanaKristu venhema nevaprofita venhema vachamuka+ uye vachaita zviratidzo nezvishamiso kuti kana zvichibvira, vatsause vakasarudzwa. 23 Saka imi chenjererai.+ Ndagara ndakuudzai zvinhu zvese.
24 “Asi mumazuva iwayo, pashure pekutambudzika ikoko, zuva richasviba, uye mwedzi hauzovheneki,+ 25 uye nyeredzi dzichange dzichiwa kudenga, uye masimba ekudenga achazununguswa. 26 Uye vachabva vaona Mwanakomana wemunhu+ achiuya ari mumakore nesimba guru nekubwinya.+ 27 Uye achabva atuma ngirozi, dzounganidza vanhu vake vaakasarudza vachibva kumativi mana, kubvira kumugumo wenyika kusvikira kumugumo wedenga.+
28 “Dzidzai mufananidzo uyu pamuonde: Mapazi awo paanotanga kutungira obudisa tumashizha, munobva maziva kuti zhizha rava pedyo.+ 29 Nemiwo pamunoona zvinhu izvi zvava kuitika, zivai kuti iye ava pedyo, pamasuo.+ 30 Chokwadi ndinoti kwamuri chizvarwa chino hachizombopfuuri zvinhu zvese izvi zvisati zvaitika.+ 31 Denga nenyika zvichapfuura,+ asi mashoko angu haazombopfuuri.+
32 “Hapana munhu anoziva zuva racho kana nguva yacho, kunyange ngirozi dziri kudenga kana Mwanakomana, asi Baba.+ 33 Rambai makatarisa, rambai makamuka,+ nekuti hamuzivi kuti nguva yacho ichasvika riini.+ 34 Zvakafanana nemumwe murume akaenda kunze kwenyika, ndokusiya imba yake iri mumaoko evaranda vake,+ achipa mumwe nemumwe basa rake, akarayira muchengeti wesuo kuti arambe akarinda.+ 35 Saka rambai makarinda, nekuti hamuzivi pachauya tenzi wemba,+ kungava kumanheru kana kuti pakati peusiku kana kuti panorira jongwe kana kuti mambakwedza,+ 36 kuti paanosvika musingafungiri, haakuwanii makarara.+ 37 Asi zvandiri kutaura kwamuri, ndiri kuzvitaurira vese: Rambai makarinda.”+
14 Kwakanga kwasara mazuva maviri+ kuti Paseka+ neMutambo Wechingwa Chisina Mbiriso+ zvisvike. Uye vatungamiriri vevapristi nevanyori vakanga vachitsvaga nzira yekumubata* nayo vachishandisa manomano* kuti vamuuraye;+ 2 nekuti vaiti: “Hatidi kuzviita pamutambo; pamwe vanhu vangazoita zhowezhowe.”
3 Paaiva kuBhetani achidya mumba maSimoni wemaperembudzi, mumwe mukadzi akauya nechinu chearabhasta* chaiva nemafuta enadhi chaiyo, anonhuhwirira, anodhura zvikuru. Akavhura chinu chacho akatanga kuadira mumusoro maJesu.+ 4 Vamwe vavo vakatsamwa nazvo vakatanga kutaurirana vachiti: “Ko mafuta aya anonhuhwirira ari kutambisirweiko? 5 Nekuti mafuta aya anonhuhwirira angadai atengeswa nemari inopfuura madhinari* 300 yopiwa varombo!” Vakamugumbukira chaizvo.* 6 Asi Jesu akati: “Siyanai naye. Muri kuda kumunetserei? Andiitira zvakanaka.+ 7 Nekuti varombo munogara muinavo,+ uye munogona kuvaitira zvakanaka chero pamunoda, asi hamusi kuzogara muineni.+ 8 Aita zvaagona; adira muviri wangu mafuta anonhuhwirira achigadzirira kuvigwa kwangu.+ 9 Chokwadi ndinoti kwamuri, kwese kuchaparidzwa mashoko akanaka munyika yese,+ zvaitwa nemukadzi uyu zvichataurwawo achiyeukwa.”+
10 Judhasi Iskariyoti, mumwe wevane Gumi Nevaviri, akabva aenda kuvatungamiriri vevapristi kunomutengesa kwavari.+ 11 Pavakazvinzwa, vakafara, vakavimbisa kumupa mari yesirivha.+ Saka akatanga kutsvaga mukana wekumutengesa.
12 Pazuva rekutanga reChingwa Chisina Mbiriso,+ pavaiwanzobayira chibayiro chePaseka,+ vadzidzi vake vakati kwaari: “Munoda kuti tinokugadzirirai kupi pekudyira Paseka?”+ 13 Akabva atuma vadzidzi vake vaviri akati kwavari: “Pindai muguta, uye muchasangana nemurume akatakura chirongo chemvura. Muteverei,+ 14 uye chero maanenge apinda, muti kumuridzi wemba, ‘Zvanzi neMudzidzisi: “Imba yevaenzi yandingadyira Paseka nevadzidzi vangu ndeipi?”’ 15 Achabva akuratidzai imba huru yepamusoro, inotova nezvese zvekushandisa. Motigadzirira imomo.” 16 Saka vadzidzi vakabuda, vakapinda muguta, vakawana zvakangoita sezvaakanga avataurira, vakagadzirira Paseka.
17 Ava manheru, akauya aine vane Gumi Nevaviri.+ 18 Pavakanga vakagara patafura vachidya, Jesu akati: “Chokwadi ndinoti kwamuri, mumwe wenyu ari kudya neni achanditengesa.”+ 19 Vakatanga kurwadziwa nazvo uye mumwe nemumwe akati kwaari: “Ndini here?” 20 Iye akati kwavari: “Ndemumwe wevane Gumi Nevaviri, ari kuseva neni mundiro.+ 21 Nekuti Mwanakomana wemunhu ari kuenda, sekunyorwa kwazvakaitwa nezvake, asi ane nhamo munhu iyeye ari kutengesa Mwanakomana wemunhu!+ Zvaiva nani kudai munhu iyeye asina kutombozvarwa.”+
22 Pavakanga vachidya kudaro, Jesu akatora chingwa, akakumbira chikomborero, ndokuchimedura, uye akavapa, achiti: “Tambirai; chinomirira muviri wangu.”+ 23 Uye akatora kapu, akaonga ndokuvapa, vakanwa vese.+ 24 Akati kwavari: “Iyi inomirira ‘ropa+ rangu resungano,’+ richadururirwa vazhinji.+ 25 Chokwadi ndinokuudzai kuti handichazombonwizve zvibereko zvemuzambiringa kusvikira zuva randichazvinwa zvava zvitsva muUmambo hwaMwari.” 26 Pavakazopedza, vakaimba nziyo dzekurumbidza,* ndokubuda vachienda kuGomo reMiorivhi.+
27 Uye Jesu akati kwavari: “Mese muchandisiya,* nekuti zvakanyorwa kuti: ‘Ndicharova mufudzi,+ uye makwai achapararira.’+ 28 Asi kana ndamutswa, ndichafanotungamira kuGarireya.”+ 29 Asi Petro akati kwaari: “Kunyange vamwe vese vakakusiyai,* ini handisi kuzodaro.”+ 30 Jesu akabva ati kwaari: “Chokwadi ndinoti kwauri, nhasi, usiku huno chaihwo, jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”+ 31 Asi akaramba achingoti: “Kunyange kana ndichifanira kufa nemi, handizombokurambii.” Vamwe vese vakatangawo kutaura saizvozvo.+
32 Saka vakasvika panzvimbo inonzi Getsemane, akati kuvadzidzi vake: “Garai pano ini ndimbononyengetera.”+ 33 Uye akaenda naPetro naJakobho naJohani,+ uye akatanga kushungurudzika zvikuru uye kunetseka zvikuru. 34 Akati kwavari: “Mwoyo* wangu uri kurwadziwa kwazvo,+ zvekufa. Sarai pano murambe makarinda.”+ 35 Uye akaenda mberi zvishoma, akapfugama, ndokutanga kunyengetera kuti kana zvichibvira, nguva yacho imupfuure zvayo. 36 Uye akati: “Abha,* Baba,+ zvinhu zvese zvinobvira kwamuri; bvisai kapu iyi kwandiri. Asi ngakurege kuva kuda kwangu, asi kuda kwenyu.”+ 37 Akadzoka, akavawana vachirara, akati kuna Petro: “Simoni, uri kurara? Washaya simba rekuramba wakarinda kweawa imwe chete here?+ 38 Rambai makarinda uye rambai muchinyengetera, kuti murege kupinda mumuedzo.+ Mweya* unoda zvawo, asi nyama haina simba.”+ 39 Akaendazve akanyengetera, achitaura zvaakanga ambotaura.+ 40 Akadzokazve akavawana vachirara, nekuti maziso avo akanga achirema, saka vakashaya kuti vomupindura vachitii. 41 Uye akadzoka kechitatu akati kwavari: “Nguva yakaita seino ndiyo yamuri kurara muchizorora henyu! Zvakwana! Nguva yacho yasvika!+ Onai! Mwanakomana wemunhu ava kutengeswa mumaoko evatadzi. 42 Simukai tiende. Onai! Mutengesi wangu ava kusvika.”+
43 Achiri kutaura, Judhasi, mumwe wevane Gumi Nevaviri akabva asvika aine vanhu vakawanda vaiva nemapakatwa netsvimbo, vatumwa nevatungamiriri vevapristi nevanyori nevakuru.+ 44 Mutengesi wake akanga avapa chiratidzo, achiti: “Mukaona wandinenge ndatsvoda, ndiye wacho; ibvai mamusunga, muende naye makanyatsomuchengetedza.” 45 Akabva ananga kwaari, akasvika achiti, “Rabhi!” ndokubva amutsvoda zvinyoronyoro. 46 Saka vakamubata, vakamusunga. 47 Asi mumwe wevaya vakanga vakamira ipapo akavhomora bakatwa rake, akacheka muranda wemupristi mukuru, nzeve ikabva.+ 48 Asi Jesu akati kwavari: “Ko ndava gororo here zvamauya kuzondisunga muine mapakatwa netsvimbo?+ 49 Ndaiva nemi mutemberi mazuva ese,+ asi hamuna kundisunga. Zvisinei, izvi zviri kuitika kuti Magwaro azadziswe.”+
50 Uye vese vakamusiya, vakatiza.+ 51 Asi rimwe jaya rakanga rakafuga jira rakanaka risina charakapfeka, rakatanga kumutevera riri pedyo, uye vakaedza kuribata, 52 rikasiya jira racho, ndokutiza risina kupfeka.*
53 Vakazoenda naJesu kumupristi mukuru,+ uye vatungamiriri vevapristi vese nevakuru nevanyori vakaungana.+ 54 Asi Petro akamutevera ari nechekure, kusvikira muchivanze chemupristi mukuru; uye akagara pamwe chete nevashandi vepamba pacho achidziya moto waibvira chaizvo.+ 55 Vatungamiriri vevapristi neSanihedrini yese vakanga vachitsvaga uchapupu hwekuti vawanire Jesu mhosva kuti vamuuraye, asi vaihushaya.+ 56 Vakawanda vaimupomera zvenhema,+ asi uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani. 57 Vamwewo vaisimuka, vachimupupurira zvenhema, vachiti: 58 “Takamunzwa achiti, ‘Ndichapaza temberi iyi yakavakwa nemaoko, uye ndichavaka imwe mumazuva matatu isingavakwi nemaoko.’”+ 59 Asi kunyange panyaya iyoyi, uchapupu hwavo hwakanga husingabvumirani.
60 Mupristi mukuru akabva asimuka pakati pavo, akabvunza Jesu kuti: “Haupinduri here? Unoti chii nezvauri kupomerwa nevarume ava?”+ 61 Asi akaramba akanyarara uye haana kumbopindura.+ Mupristi mukuru akatangazve kumubvunza, akati kwaari: “Ndiwe Kristu Mwanakomana weAnokudzwa here?” 62 Jesu akabva ati: “Ndini; uye muchaona Mwanakomana wemunhu+ agere kuruoko rwerudyi+ rwesimba achiuya nemakore ekudenga.”+ 63 Mupristi mukuru akabva abvarura nguo dzake, akati: “Tichadirei zvimwe zvapupu?+ 64 Manzwa kumhura kwacho. Munoti kudii?” Vese vakati aifanira kufa.+ 65 Vamwe vakatanga kumusvipira mate+ uye kumufukidza kumeso vomurova nezvibhakera vachiti kwaari: “Profita!” Uye vashandi vepadare vakamurova kumeso nembama ndokuenda naye.+
66 Petro paakanga ari pasi muchivanze, mumwe musikana aishandira mupristi mukuru akauya.+ 67 Paakaona Petro achidziya moto, akanyatsomutarisa, akati: “Iwe waivawo naJesu uyu wekuNazareta.” 68 Asi iye akaramba, achiti: “Handimuzivi uye handisi kunzwisisa zvauri kutaura,” akabva abuda panze akaenda kuchivanze panopindwa napo. 69 Ava ikoko mushandi wacho wechisikana akamuona, akatangazve kuti kune vaya vakanga vakamira pedyo: “Uyu mumwe wavo.” 70 Iye akarambazve. Uye pashure pekanguva, vamwe vakanga vakamira pedyo vakatangawo kuti kuna Petro: “Chokwadi uri mumwe wavo iwe, nekuti uri muGarireya iwewe.” 71 Asi akatanga kutuka achipika, achiti: “Handimuzivi ini murume wamuri kutaura nezvake uyu!” 72 Jongwe rakabva rarira kechipiri pakarepo,+ uye Petro akayeuka zvaakanga audzwa naJesu kuti: “Jongwe risati rarira kaviri, uchandiramba katatu.”+ Uye akakurirwa neshungu, akatanga kuchema.
15 Utonga huchingotsvuka, vatungamiriri vevapristi nevakuru nevanyori, Sanihedrini yacho yese, vakabva varangana, ndokusunga Jesu, vakaenda naye, vakamuisa mumaoko aPirato.+ 2 Saka Pirato akamubvunza kuti: “Ndiwe Mambo wevaJudha here?”+ Akapindura achiti: “Iwe ndiwe uri kuzvitaura.”+ 3 Asi vatungamiriri vevapristi vaimupomera nyaya dzakawanda. 4 Pirato akabva atanga kumubvunzazve kuti: “Hauna chekutaura here?+ Inzwa kuwanda kwenyaya dzavari kukupomera.”+ 5 Asi Jesu haana kupindurazve, zvekuti Pirato akashamiswa.+
6 Pamutambo mumwe nemumwe, aigara achisunungurira vanhu musungwa mumwe chete, wavanenge vakumbira.+ 7 Panguva iyoyo, mumwe murume ainzi Bharabhasi akanga akasungwa pamwe chete nevanhu vakanga vapandukira hurumende ndokuuraya vanhu. 8 Saka vanhu vakauya, vakatanga kukumbira Pirato kuti aite zvaaigara achivaitira. 9 Akavapindura kuti: “Munoda kuti ndikusunungurirei Mambo wevaJudha here?”+ 10 Nekuti Pirato aiziva kuti godo ndiro rakanga raita kuti vatungamiriri vevapristi vauye naye kwaari.+ 11 Asi vatungamiriri vevapristi vakakusvudzira vanhu kuti vaite kuti avasunungurire Bharabhasi.+ 12 Pirato akavapindurazve achiti: “Ko uyu wamunoti Mambo wevaJudha ndoita sei naye?”+ 13 Vakashevedzerazve vachiti: “Ngaarovererwe!”+ 14 Asi Pirato akati kwavari: “Nemhosva yei? Akatadzei?” Vakabva vatonyanya kushevedzera vachiti: “Ngaarovererwe!”+ 15 Pirato akabva avasunungurira Bharabhasi achida kuvafadza; uye akaita kuti Jesu arohwe netyava,+ akamuendesa kuti anorovererwa padanda.+
16 Varwi vakabva vaenda naye muchivanze, mumuzinda wagavhuna, uye vakaunganidza uto rese.+ 17 Vakamupfekedza nguo yepepuru, vakaruka korona yeminzwa vakamupfekedza; 18 uye vakatanga kumukwazisa vachiti: “Kwaziwai, imi Mambo wevaJudha!”+ 19 Vaimurovawo mumusoro netsanga nekumusvipira mate, uye vaimukotamira vachimupfugamira. 20 Pavakanga vamuseka, vakazomubvisa nguo yepepuru, vakamupfekedza nguo dzake dzekunze. Uye vakaenda naye kuti vanomuroverera.+ 21 Vakamanikidzawo mumwe munhu aipfuurawo zvake, ainzi Simoni wekuKurini, aibva kumaruwa, baba vaArekizanda naRufusi, kuti atakure danda rake rekutambudzirwa.*+
22 Saka vakasvika naye panzvimbo inonzi Gorogota, zvinoreva kuti, “Nzvimbo Yedehenya.”+ 23 Vakaedza kumupa waini yakasanganiswa nemura,*+ asi akaramba kuinwa. 24 Uye vakamuroverera, vakagovana nguo dzake dzekunze vachiita zvekukanda mijenya kuti vaone kuti mumwe angatora chipi.+ 25 Yakanga yava awa yechitatu,* uye vakamuroverera. 26 Uye mashoko emhosva yaaipomerwa akanga akanyorwa aiti: “Mambo wevaJudha.”+ 27 Vakarovererawo makororo maviri pamatanda pamwe chete naye, rimwe kurudyi rwake uye rimwe kuruboshwe rwake.+ 28* —— 29 Uye vanhu vaipfuura nepo vaimutsvinyira, vachidzungudza misoro,+ vachiti: “Ya-a! Ndiweka wekuda kupaza temberi woivaka mumazuva matatu.+ 30 Chizviponesaka nekuburuka padanda rekutambudzirwa.”* 31 Vatungamiriri vevapristi nevanyori vaimusekawo vachiti: “Akaponesa vamwe; iye haagoni kuzviponesa!+ 32 Kristu Mambo waIsraeri ngaachiburuka padanda rekutambudzirwa,* tione, titende.”+ Kunyange vaya vakanga vakarovererwa pamwe chete naye vakamuzvidza.+
33 Payakanga yava awa yechi6,* nyika yese yakava nerima kusvikira paawa yechi9.*+ 34 Uye paawa yechi9, Jesu akashevedzera nenzwi guru achiti: “Eri, Eri, rama sabhakitani?” zvinoreva kuti, “Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiyirei?”+ 35 Uye vamwe vakanga vakamira pedyo, pavakanzwa izvi, vakatanga kuti: “Inzwai! Ari kushevedza Eriya.” 36 Mumwe munhu akabva amhanya, akanyika siponji muvhiniga, akaibayirira patsanga, akamupa kuti anwe,+ achiti: “Regai akadaro! Tiri kuda kuona kana Eriya akauya kuzomuburutsa.” 37 Asi Jesu akashevedzera kwazvo, akabva afa.*+ 38 Uye keteni renzvimbo tsvene+ rakabvaruka nepakati kubva kumusoro kusvikira pasi.+ 39 Mukuru weuto akanga akamira pedyo paakaona zvese zvaiitika paakafa, akati: “Chokwadi murume uyu anga ari Mwanakomana waMwari.”+
40 Paivawo nevakadzi vakanga vachiona vari kure zvishoma, uye pakati pavo paiva naMariya Magadharini, Mariya amai vaJakobho Mudiki naJosesi, uye Sarome,+ 41 vaiwanzofamba naye vachimushumira+ paaiva muGarireya, nevamwe vakadzi vakawanda vakanga vauya naye kuJerusarema.
42 Sezvo zuva rakanga rava kunovira, uye raiva zuva reKugadzirira, kureva zuva raizoteverwa neSabata, 43 Josefa wekuArimatiya, nhengo yeDare yairemekedzwa, uyo akanga akamirirawo Umambo hwaMwari, akazvishingisa akauya ndokuenda pamberi paPirato, akakumbira chitunha chaJesu.+ 44 Asi Pirato akanga asina chokwadi kana akanga atofa, saka akashevedza mukuru weuto, akamubvunza kana Jesu akanga atofa. 45 Saka paakanzwa kumukuru weuto kuti akanga afa, akabvumira Josefa kutora chitunha chacho. 46 Akatenga jira rakanaka akamudzikisa padanda, akamuputira nejira racho, akamuradzika muguva* rakanga rakacherwa padombo;+ akabva akungurutsira dombo pasuo reguva racho.+ 47 Asi Mariya Magadharini naMariya amai vaJosesi vakaramba vakatarisa paakanga aradzikwa.+
16 Saka Sabata+ parakanga rapfuura, Mariya Magadharini, naMariya+ amai vaJakobho, naSarome vakatenga zvinonhuhwirira kuti vaende vanozora chitunha chake.+ 2 Vakasvika paguva* mangwanani-ngwanani, zuva richangobuda, pazuva rekutanga revhiki.+ 3 Vaitaurirana vachiti: “Ndiani achatikungurutsira dombo riri pasuo reguva?” 4 Asi pavakatarisa, vakaona kuti dombo racho rakanga ratokungurutswa, kunyange zvazvo rakanga rakakura chaizvo.+ 5 Pavakapinda muguva, vakaona rimwe jaya rakagara nechekurudyi rakapfeka nguo refu chena, uye vakavhunduka. 6 Iro rakati kwavari: “Musavhunduka.+ Ndiri kuziva kuti muri kutsvaga Jesu wekuNazareta akarovererwa. Akamutswa. Haapo pano.+ Tarisai muone, apa ndipo paanga akaradzikwa.+ 7 Asi endai munoudza vadzidzi vake naPetro kuti, ‘Ari kufanotungamira kuGarireya.+ Muchamuona ikoko, sezvaakakuudzai.’”+ 8 Saka pavakabuda, vakatiza paguva racho, vachidedera uye vachishamiswa zvikuru. Uye hapana munhu wavakataura naye nekuti vaitya.*+
Pano shoko iri riri kureva nzvimbo isingagari vanhu vakawanda.
Dzimwe shanduro dzinoti, “aiziva kuti iye ndiani.”
Shoko rakashandurwa kuti zviyo rinoreva zvirimwa zvakasiyana-siyana zvine tsanga zvakadai segorosi nebhari.
Kana kuti “akagadza.”
Kana kuti “anoshingaira.”
Iri izita rinopiwa Satani.
Kana kuti “zvemumamiriro ezvinhu epanguva ino.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “petswanda yekuyeresa.”
Kana kuti “kumakuva evanoyeukwa.”
Kana kuti “nerigiyoni.”
Kana kuti “muNharaunda Yemaguta Gumi.”
Kana kuti “ava kuda kufa.”
Kana kuti “vakagumburwa pamusana pake.”
ChiGir., “mhangura.”
Kana kuti “varege kuva neimwe nguo yekuchinja.”
Kana kuti “muguva revanoyeukwa.”
Kureva, kubva kuma3:00 dzeusiku kusvika kuma6:00 dzemangwanani.
Kana kuti “akanga ava kuda.”
Masa itambo kana kuti shinda dzinosiyiwa dzakarembera kumucheto wemachira kana kuti zvipfeko.
Kana kuti “upombwe.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti por·nei′a. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kushaya nyadzi.” Shoko racho rechiGiriki nderekuti a·sel′gei·a. Ona Tsanangudzo Yemashoko pana “Tsika dzakafumuka.”
Kana kuti “Nharaunda Yemaguta Gumi.”
ChiGir., “Enda shure kwangu.”
Kana kuti “mweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “nemweya wake.”
Kana kuti “chisina kutendeka.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “Hapana wavakaudza nyaya yacho.”
Kana kuti “anogumbura mumwe.”
Kana kuti “utadze.”
Kana kuti “utadze.”
Kana kuti “utadze.”
Dzimwe shanduro dzinoti, “vakataurirana vachiti:”
Kana kuti “mumamiriro ezvinhu epanguva inouya.” Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “mweya wake.”
Kureva kuti “Mudzidzisi.”
ChiGir., “Hosana.”
Ruzhowa rwaigona kuva matombo aivakirirwa kana kuti heji, zvaishandiswa kupoteredza zvinhu zvakadai seminda.
ChiGir., “musoro wekona.”
Kana kuti “kumusunga.”
Kana kuti “Zvakarurama.”
Uyu unofanira kunge waiva mutero waibvisiswa munhu mumwe nemumwe.
Kana kuti “unokosha.”
Kana kuti “zvakanakisisa.”
ChiGir., “mareputoni maviri, ayo akaenzana nekwadrani.” Ona Mashoko Ekuwedzera B14.
Kana kuti “yekumusunga.”
Kureva kuti vaida kumusunga nenzira inoita kuti vanhu vaone seane mhosva.
Kana kuti “Vakamupopotera; Vakamutuka.”
Kana kuti “mapisarema.”
ChiGir., “muchagumburwa.”
ChiGir., “vakagumburwa.”
Kana kuti “Mweya.”
Iri ishoko rechiHebheru kana kuti rechiAramaiki rinoreva kuti “Baba!” Rinoshandiswa nevana vadiki vachidana vanababa vavo.
Shoko racho rechiGiriki nderekuti pneuʹma. Ona Tsanangudzo Yemashoko.
Kana kuti “kunyatsopfeka; richingova nenguo yemukati chete.”
Izvi zvaiitirwa kuti waini yacho idhake zvakanyanya uye inyaradze marwadzo, nekukotsirisa.
Kureva, kuma9:00 dzemangwanani.
Kureva, kuma12:00 dzemasikati.
Kureva, kuma3:00 dzemasikati.
Kana kuti “akafema kekupedzisira.”
Kana kuti “muguva rekuyeukwa.”
Kana kuti “paguva rekuyeukwa.”
Maererano nezvinyorwa zvinovimbwa nazvo zvepakutangatanga, Evhangeri yaMako inopera nemashoko ari muvhesi 8. Ona Mashoko Ekuwedzera A3.