Neiko Pane Nyengedzo Dzakawanda Zvikuru?
Kuguma kweNyika—Kwava Pedyo Zvakadini?
NHAU inozivisa nezvemukomana aitarisira makwai avagari vomumusha. Kuti akurudzire nyanduko, rimwe zuva akadanidzira kuti, “Bere! Bere!” nepo kwakanga kusina bere. Vagari vomumusha vakabuda nechimbichimbi vaine mhonda kuti vadzinge bere, kungondowana bedzi kuti kwakanga kusina nerimwe zvaro. Kwakanga kuri kunosetsa zvikuru zvokuti gare gare mukomana akadzokororazve kudanidzira kwake. Zvakare vagari vomumusha vakabuda nechimbichimbi vaine mhonda dzavo, kungondowana bedzi kuti yakanga iri imwe nyengedzo. Pashure paikoko bere rakauya, uye mukomana wacho akadanidzira nyevero, “Bere! Bere!” asi vagari vomumusha vakarerutsa kudanidzira kwake seimwe nyengedzo. Vakanga vanyengedzwa kakawanda zvikurusa.
Naizvozvo ndozvakwakaitawo kuna avo vanoparidzira mugumo wenyika. Kuburuka nomumazana amakore kubvira muzuva raJesu, kudeya kutaura kusina kuzadzika kwakawanda zvikuru kwakaitwa zvokuti vakawanda havasati vachakukoshesazve.
Gregory I, papa kubvira muna 590 kusvikira kuna 604 N.V., mutsamba yakatumirwa kuna mambo weEurope, akati: “Tinoshuvawo kuti Mambo Wangu muzive, sezvatakaziva kubva mumashoko aMwari Wamasimba ose ari muMagwaro Matsvene, kuti kuguma kwenyika ino kwatova pedyo uye kuti Umambo husingagumi hwaVasande huri kusvika.”
Muzana ramakore rechi 16, Martin Luther, muvambi weChechi yeLutheran, akadeya kutaura kuti mugumo wakanga waswedera pedyo. Mukuwirirana nechimwe chiremera, akati: “Kana ndirini, ndine chokwadi chokuti zuva rorutongeso rava pedyo zvikuru.”
Pamusoro perimwe ramapoka okutanga eBaptist, kunoshumwa, kuti: “VaAnabaptist voMuzana Regumi Namatanhatu Ramakore vapakuvamba vaidavira kuti Chiuru Chamakore chaizoitika muna 1533.”
“Edwin Sandys (1519-1588), Bhishopu Mukuru weYork noMukuru Mukuru weEngland . . . anoti, . . . ‘Ngativei nechokwadi chokuti uku kuuya kwaShe kwava pedyo.’”
William Miller, anowanzopiwa mbiri yokuvambwa kweChechi yeAdventist, anonokorwa mashoko saanoti: “Ndinopwiswa zvizere kuti pane imwe nguva pakati paMarch 21, 1843, naMarch 21, 1844, mukuwirirana nomutoo wechiJudha wokuverenga nguva, Kristu achauya.”
Kukundikana kwokudeya kutaura kwakadaro kuzadzika kunobvumikisa avo vanozviita savaporofita venhema here, mukuwirirana naDheuteronomio 18:20-22? Rugwaro irworwo runorava, kuti: “Muporofita unotaura shoko muzita rangu achizvikudza, riri shoko randisina kumuraira kuti aritaure, kana zvimwe unotaura muzita ravamwe vamwari, muporofita uyo unofanira kufa. Zvino kana iwe ukati mumwoyo mako: ‘Ko tichaziva seiko shoko risina kutaurwa naJehovha?’ Kana muporofita achinge ataura muzita raJehovha, chinhu icho chikasaitika, chikasavapo, ndicho chinhu chisina kutaurwa naJehovha.”
Kuna vamwe vanoita kudeya kutaura kwokufungidzira kwokuguma kwenyika kuti vabate ngwariro nokuteverwa, asi vamwe vanopwisa zvapachokwadi kuti kuzivisa kwavo ndokwechokwadi. Vari kutaura kariro dzakavakirwa padudziro yavo vamene yamanyoro orugwaro kana kuti chinoitika chinooneka. Havatauri kuti kudeya kutaura kwavo iwadzanyuro dzakananga dzinobva kuna Jehovha uye kuti mune iyi pfungwa vari kuporofita muzita raJehovha. Nokudaro, mune zvinoitika zvakadaro, apo mashoko avo asingaitiki, havafaniri kurangarirwa savaporofita venhema vakadai saavo vanonyeverwa pana Dheuteronomio 18:20-22. Mukukanganisa kwavo kwohunhu, vanodudzira zvisina kufanira zvinhu.a
Vasingapinganidzwi nekundikano dzekare, vamwe vanhu vanoratidzika kuve vakakuchidzirwa nokusvika kwegore ra 2000 uye vakaita kumwe kudeya kutaura kwokuguma kwenyika. The Wall Street Journal yaDecember 5, 1989, yakabudisa nyaya ine musoro unoti “Upengo Hwechiuru Chamakore: Vaporofita Vanowedzera, Mugumo Wava Pedyo.” Negore ra 2000 rosvika, vaevhangeri vakasiana-siana vari kudeya kutaura kuti Jesu ari kuuya uye kuti ma 1990 achava “nguva yenhamo dzisati dzamboonwa nakare kose.” Panguva yokunyora kuno, chinoitika chazvino uno chaiva muRepublic of Korea, uko Mission for the Coming Days akadeya kutaura kuti pana October 28, 1992, pakati pousiku, Kristu aizouya ndokutora vatendi ndokuendesa kudenga. Mamwe mapoka anoverengeka ezuva rorutongeso akaita fungidziro dzakafanana.
Dirano yenyengedzo haibudiriri. Dzakafanana nokudanidzira kwokuti “bere bere” kwomukomana ari mufudzi—vanhu vanokurumidza kudzirerutsa, uye apo nyevero yechokwadi inosvika, iyowo inofuratirwa.
Asika neiko kwave kune kombamiro yakadaro mumazana ose amakore uye kuburukira kuzuva redu kuti nyengedzo dziziviswe, sezvo Jesu akataura kuti dzaizoziviswa? (Mateo 24:23-36) Jesu, pashure pokuudza vateveri vake pamusoro pezvinoitika zvakasiana zvaizoratidzira kudzoka kwake, akati kwavari, sezvatinorava pana Mateo 24:36-42, (NW): “Hakuna munhu anoziva pamusoro pezuva irero nenguva, kana ngirozi dzamatenga kana kuti Mwanakomana, asi Baba bedzi. Nokuti kungofanana nezvakanga zvakaita mazuva aNoa, ndizvo zvichaitawo kuvapo kwoMwanakomana womunhu. . . . Naizvozvo, rambai muchirinda, nokuti hamuzivi zuva rinosvika iShe wenyu.”
Havana kungoudzwa bedzi kuva vanorinda uye kuva vanogadzirira asiwo kurinda nokudisa. VaRoma 8:19 inoti: “Nokuti zvisikwa zvinotarisisa zvikuru zvichimirira kuratidzwa kwavanakomana vaMwari.” Mugariro wohunhu ndowokuti apo tinokarira norushingairo nokupanga nokuda kwechimwe chinhu uye kumirira mukariro yokushuva nokuda kwacho, muedzo une simba unomuka matiri kufunga kuti kariro dzedu dzichazadzika munguva yemberi iri pedyo zvikuru kunyange apo ufakazi hunenge husina kukwana. Mukudisa kwedu nyengedzo dzingaziviswa.
Chii, ipapoka, chichatsauranisa nyevero dzechokwadi nedzenhema? Nokuda kwemhinduro, tapota ona nyaya inotevera.
[Mashoko Omuzasi]
a Zvapupu zvaJehovha, mukudisisa kwazvo kuuya kwechipiri kwaJesu, zvakakarakadza misi iyo yakazova isina kururama. Nemhaka yaikoku, vamwe vakazviidza kuti vaporofita venhema. Mune izvi zvinoitika, zvisinei, izvo hazvina kutongofungidzira kutanga kudeya kutaura ‘muzita raJehovha.’ Izvo hazvina kutongotaura, kuti, ‘Aya mashoko aJehovha.’ Nharireyomurindi, (yeschiNgezi) magazini huru yeZvapupu zvaJehovha, yakati: “Isu hatina chipo chokuporofita.” (January 1883, peji 425) “Uyewo hatingaiti kuti manyoro edu aremekedzwe kana kuti arangarirwe saasingakanganisi.” (December 15, 1896, peji 306) Nharireyomurindi (yechiNgezi) yakataurawo kuti idi rokuti vamwe vane mudzimu waJehovha “harisati richireva kuti avo zvino vanobatira sezvapupu zvaJehovha vanofuridzirwa. Harisati richireva kuti manyoro ari mumagazini ino yeNharireyomurindi (yechiNgezi) akafuridzirwa uye haana zvikanganiso.” (May 15, 1947, peji 157) “Nharireyomurindi (yechiNgezi) haitauri kuti yakafuridzirwa mumashoko ayo, kana kuti iyo ine chiremera.” (August 15, 1950, peji 263) “Hama dzinogadzirira izvi zvinyorwa hadzisi dzisingakanganisi. Manyoro adzo haana kufuridzirwa saayo aPauro navamwe vanyori veBhaibheri. (2 Tim. 3:16) Naizvozvo, padzimwe nguva, kwave kuri madikanwa, sezvo nzwisiso yakava yakajeka zvikuru, kururamisa mirangariro. (Zvir. 4:18)”—August 15, 1981, 13.