RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • g93 4/8 pp. 20-23
  • Chiratidzo Chomubatanidzwa Chamativi Akawanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chiratidzo Chomubatanidzwa Chamativi Akawanda
  • Mukai!—1993
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chiratidzo Chomubatanidzwa Chokuvapo kwaKristu
  • Rwuri Pashure Kupfuura Zvaunofunga Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Unoziva Chiratidzo Chokuvapo kwaJesu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Mukai!—1993
g93 4/8 pp. 20-23

Chiratidzo Chomubatanidzwa Chamativi Akawanda

Kuguma kweNyika—Kwava Pedyo Zvakadini?

NGANO yokuIndia inotiudza nezvevarume vatanhatu vari mapofu vokuIndostan vakaenda kundoona nzou. Wokutanga akabata rutivi rwayo ndokuti: “Maiwe-e! asi nzou yakafanana nechidziro!” Wechipiri akabata nyanga yayo ndokuti: “Nzou yakafanana zvikuru nepfumo!” Wechitatu akabata musinga wayo ndokuti: “Nzou yakafanana zvikuru nenyoka!” Wechina akasvasvavirira ndokubata-bata ibvi rayo ndokuti: “Kuri pachena kuti nzou yakafanana zvikuru nomuti!” Wechishanu akabata nzeve yayo ndokuti: “Ichi chinoshamisa chenzou chakafanana zvikuru nechifefeto!” Wechitanhatu akabata muswe wayo ndokuti: “Ndinoona kuti nzou yakafanana zvikuru netambo!” Varume vatanhatu vari mapofu vakapokanidzana nomutoo wamasimba wamasimba pamusoro pokuti nzou yakadini, asi hapana mumwe akapa rondedzero yakarurama. Mashoko asina kukwana haana kupa mufananidzo wakakwana.

Chinetso chakafanana chinomuka pakureva nezvekuzivikanwa kwechiratidzo chokudzoka kwaKristu. Mukupindura mubvunzo wavadzidzi vake: “Chii chichava chiratidzo chokuvapo kwenyu nechemhedziso yetsika yezvinhu?” Jesu akapindura, kuti: “Rudzi ruchamukira rudzi, uye umambo huchamukira umambo; uye kuchava nokudengenyeka kukuru kwapasi, uye munzvimbo nenzvimbo dzimwe nhenda nokuperevedza kwezvokudya.” (Mateo 24:3; Ruka 21:10, 11, NW) Asi apo izvi zvinhu bedzi zvinodudzwa sechibvumikiso chokuti Kristu akadzoka muna 1914, vanhu vanoramba: “Haiwa, nguva dzose tave tine hondo, nzara, nhenda, uye kudengenyeka kwapasi!” Uye ivo vakarurama.

Izvi zvinhu zvishomanene—kunyange zvazvo zvichiparira nhamo isingaenzanisirwi kusvikira zvino—hazvina kuringanira vanhu vakawanda kuti zviratidze chiratidzo chokudzoka kwaKristu; zvakawanda zvinodikanwa kuita kuti chiratidzo chikwane, nomutoo usingakanganisi. Apo ziviso dzokuti kuguma kwenyika kwaswedera pedyo dzinoitwa paufakazi hushomanene, parimwe bedzi kana kuti mashomanene amativi echiratidzo anooneka, nyevero dzenhema dzinova muuyo. Chinodikanwa ndiwo mativi ose akapiwa naJesu ane chokuita nokudzoka kwake, kwete rimwe bedzi kana kuti mashomanene. Chaakapa kuratidzira kuvapo kwake chakanga chiri chiratidzo chomubatanidzwa, chimwe chinoitwa namativi akaringanira kuita kuti chiratidzo chive chechokwadi, mubatanidzwa wamativi akasiana anoverengeka ayo, aunganidzwa pamwe chete, anochiita chisingakanganisi.

Somuenzaniso wechiratidzo chomubatanidzwa, rangarira chimwe chinopiwa muBhaibheri kuzivisa Jesu saMesia panguva yokuuya kwake kwokutanga. Chakabatanidza zvinoitika zvakawanda zvine chokuita naMesia zvakapiwa muMagwaro echiHebheru. Jesu akanga audza vadzidzi vake pamusoro pamamwe aaya magwaro, asi vakanga vasina kunzwisisa revo yawo. Vadzidzi, kufanana navaJudha vose zvavo, vaida Mesia aizokurira Roma ndokubata ushe nyika pamwe navo savasonganiri. Naizvozvo apo akafa, vakakangaidzwa ndokuparadzwa. Pashure pokunge Jesu amutswa, akasangana navo ndokuti: “‘Aya ndiwo mashoko andakataura kwamuri apo ini ndakanga ndichinemi, kuti zvinhu zvose zvakanyorwa mumutemo waMosesi uye muVaporofita naMapisarema pamusoro pangu zvinofanira kuzadzika.’ Ipapo akazarura ndangariro dzavo zvizere kuti dzibate revo yaMagwaro.”—Ruka 24:44, 45, NW.

Mukuwirirana neshanduro yeKingdom Interlinear yendima 45, Jesu akaita ikoku kupfurikidza noku“isa pamwe chete Magwaro” anobva muchikamu chechiHebheru cheBhaibheri akadeya kutaura zvinoitika nemigariro zvoupenyu hwaMesia akapikirwa aizouya, uye akaaisa pamwe chete nezvinoitika zvoupenyu hwaJesu zvakanga zvaazadzikisa. Gare gare, muapostora Pauro akashandisa uyu mutoo mumwe chetewo pa“kutsanangura uye kubvumikisa kupfurikidza nenongedzero” kuti Jesu akanga ari Mesia. (Mabasa 17:3, NW) Zvakare, ndiyo Kingdom Interlinear inojekesa muitiro wacho kupfurikidza nokutaura kuti iye akaita kudaro kupfurikidza noku“zarura kwazvo uye kuisa pamwe chete” uporofita hwaMesia muMagwaro echiHebheru zvinoitika zvoupenyu hwaJesu zvakahuzadzika. Bhokisi riri pamwe chete neiyi nyaya rinopa ufakazi hwehwakawanda hwouhu uporofita hwechiHebheru hwakazadzika kupfurikidza nezvinoitika zvoupenyu hwaJesu uye izvo zvakabvumikisa kuti iye akanga ari Mesia akadeya kutaurwa. Rinoenzanisira icho chinoumba chiratidzo chomubatanidzwa.

Chiratidzo Chomubatanidzwa Chokuvapo kwaKristu

Chinongova bedzi chiratidzo chakadaro chomubatanidzwa chinoratidzira nguva yokuuya kwechipiri kwaJesu, kana kuti, nomutoo wakarurama zvikuru, kuvapo kwake. Shoko rechiGiriki rokuti pa·rou·siʹa iro shanduro dzakawanda dzinoshandura kuti “kuuya” pana Mateo 24:3 harisati richireva nguva apo iye aizouya kana kuti kusvika asi rinoreva kuti iye akatosvika uye avepo, aripo. Mune chinoitika chaJesu kunoreva kuti iye aripo mukusaoneka saMambo akagadzwa pachigaro choumambo chaJehovha uye ari kutonga ari kudenga. Ikoku kuri mukuwirirana nokutaura kwaJesu kuri pana Johane 14:19: “Kuchine nguva duku, nyika haichazondioni.” Sezvo asati aizooneka munyama, akapa chiratidzo chaizoratidzira kudzoka kwake uye kuvapo kusingaoneki saMambo anotonga waJehovha.

Chiratidzo chaakapa hachina kungova bedzi norutivi rumwe kana kuti mativi mashomanene. Chakanga chine akawanda aizounganidzwa pamwe chete sechiratidzo chomubatanidzwa, sezvakanga zvakaita chiratidzo chomubatanidzwa panguva yokuuya kwake kwokutanga saMesia. Nokudaro, namativi akawanda kana kuti zvinoitika, nomutoo usingakanganisi anozivisa kuvapo kwake kusingaoneki panguva ino saMambo anotonga waJehovha akagadzwa pachigaro choumambo mudenga asi anotambanudzira simba rake nepesvedzero kuzvinhu zvapasi. Nyengedzo dzingavapo somuuyo apo rimwe bedzi kana kuti maviri aaya mativi anosimbiswa, panzvimbo pamativi akawanda anoumba chiratidzo chomubatanidzwa. Kwakafanana navarume vatanhatu vari mapofu veIndostan, mumwe nomumwe akanyanyokurumidza kusvika mhedziso isina kururama nemhaka yokubata-bata bedzi rutivi rumwe rwomutumbi wenzou.

Kuzadzika kweichi chiratidzo chomubatanidzwa chakapiwa naJesu, uye mimwe migariro yokuwedzera yakapiwa navatatu vavaapostora, zvakavamba nenzira yakatanhamara kubvira muna 1914 zvichienda mberi. Kurangarirwa kwaaya mativi akasiana-siana pamwe chete nezadziko dzawo kunotevera.

“Rudzi ruchamukira rudzi uye umambo huchamukira umambo.” (Mateo 24:7, NW) Hondo yeNyika I yakavamba muna 1914 namarudzi 28 achibatanidzwa, vanhu vana mamirioni 14 vakaurawa. Hondo yeNyika II yakatevera namarudzi 59 achibatanidzwa, vanhu vana mamirioni 50 vakaurawa.

“Munzvimbo imwe neimwe dzimwe nhenda.” (Ruka 21:11, NW) Hondo yeNyika I zvayakaguma, vanhu vana mamirioni 21 vakaurawa nomurakatira weSpania. Chifocho, hosha yemwoyo, kenza, AIDS, uye dzimwe nhenda dzakauraya mazana amamirioni.

“Kuchava nokuperevedza kwezvokudya.” (Mateo 24:7, NW) Nzara hurusa munhau yose yakarovanya pashure peHondo yeNyika I. Imwe yakaipisisa yakatevera pashure peHondo yeNyika II, uye zvino zvokudya zvisingavaki muviri zvinotapura chikamu chimwe chamashanu chechiverengero chavagari vapasi chenyika. Gore negore, vana vane mamirioni 14 vanofa nemhaka yezvokudya zvisingavaki muviri.

“Kuchava nokudengenyeka kwapasi kukuru.” (Ruka 21:11, NW) Kudengenyeka kwapasi pashure pa 1914—rangarira kukura kushomanene. Muna 1915, muItaly, upenyu hune 32 610 hwakarasika; 1920, China, 200 000 vakaurawa; 1923, Japan, 143 000 vakaurawa; 1939, Turkey, 32 700 vakaurawa; 1970, Peru, 66 800 vakaurawa; 1976, China, 240 000 (vamwe vanoti 800 000) vakaurawa; 1988, Armenia, 25 000 vakaurawa.

“Kuwedzera kwokusateerera mutemo.” (Mateo 24:12, NW) Kusateerera mutemo kwave kuchipararira kubvira muna 1914; nhasi kuri kuwedzera nokukurumidza. Kuponda, kubata chibharo, kuba, hondo dzezvikwata—zvinodzora misoro yamapepanhau uye zvinozadza mishumo yenhau inotepfenyurwa. Vezvamatongerwe enyika vanobiridzira vanhu, vechiduku vanofamba nepfuti uye vanouraya, vana vechikoro vanodyeredzera vamwe. Munharaunda dzakawanda hakuna kukotsekana kufamba pamigwagwa kunyange munguva yezuva.

“Shungu yamarudzi, asati achiziva nzira yokubuda nayo . . . Vanhu vanova vanopera simba nokuda kworutyo nekariro yezvinhu zvinowira papasi rinogarwa.” (Ruka 21:25, 26, NW) Utsotsi, masimba masimba, kupindwa muropa nemirimo, kuputsika kwemhuri, kusagadzikana kwemari, kushaikwa kwamabasa—ndaza refu uye inowedzera. Imwe nyanzvi yesayenzi yakatanhamara yakanyora, kuti: “Tichadya tichitya, ticharara norutyo, tichararama murutyo uye tichafira murutyo.”

“Mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo.” (2 Timotio 3:1, NW) Muapostora Pauro akataura nezvavanhu “vakava vasitongorina pfungwa yose yetsika.” (VaEfeso 4:19) Zvisinei, akarondedzera pamusoro pokuputsika kwetsika kwaakadeya kutaura nokuda kwa“mazuva okupedzisira.” Kunonzwika semishumo yenhau nhasi: “Ziva izvi, kuti mumazuva okupedzisira nguva dzinotambudza dzakaoma kubata nadzo dzichavapo. Nokuti vanhu vachava vanozvida vamene, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vamhuri, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasingavimbiki, vasina rudo rwomuzvarirwo, vasingadziuriri bvumirano ipi neipi, vacheri, vasina kuzvidzora, vanotyisa, vasina rudo rworunako, vanyengeri, vasingadzoreki, vazere norudado, vadi vemifarwa kupfuura kuva vadi vaMwari, vane chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vachibvumikisa kuva venhema kusimba rako; uye tsauka ubve kuna ivava.”—2 Timotio 3:1-5, NW.

“Mumazuva okupedzisira kuchava navaseki.” (2 Petro 3:3, NW) Mapepanhau, mishumo yenhau, magazini, mabhuku, uye mabhaisikopo nomutoo wokunyomba zvinorerutsa Bhaibheri ndokuritsiva neparadziro yenhema yokuzvifungira norusununguko, vachitaura kuti, sokudeya kutaura kwakaita Petro: “Kuripiko uku kuvapo kwake kwakapikirwa? Chokwadika, kubvira muzuva rakavata madzibaba edu murufu, zvinhu zvose zvinopfuurira chaizvoizvo sapakubvira pakuvamba kwechisiko.”—2 Petro 3:4, NW.

“Vanhu vachakubatai ndokukutambudzai.” (Ruka 21:12, NW) Kutangira muna 1914 uye mumakore ose, Zvapupu zvaJehovha zvave zvichibatwa nomutoo woutsinye, zvichipomerwa mhaka zvenhema-nhema, zvichidenhwa mumapoka, uye zvichiiswa mumisasa yechibharo yaHitler muzviuru, umo zvaitambudzwa, zvizhinji zvakaurawa, zvimwe zvakagurwa misoro nomutoo woutsinye. Mune dzimwe nyika, mose muri muviri muhurumende dzoushushi nomuhurumende dzinosarudzwa navoruzhinji, basa rokupupurira Jehovha noUmambo hwake rakarambidzwa uye Zvapupu zvichiiswa mutorongo. Kose ikoku izadziko yamashoko aJesu nokuda kwamazuva okupedzisira.—Mateo 5:11, 12; 24:9; Ruka 21:12; 1 Petro 4:12, 13.

“Aya mashoko akanaka oumambo achaparidzirwa mupasi rose rinogarwa.” (Mateo 24:14, NW) Mashokoi akanaka? Mashoko akanaka okubata ushe kwoUmambo hwaKristu ari kudenga, nokuti ndiwo wakanga uri mubvunzo wakabvunzwa Jesu wakabudisa uporofita hwake hwechiratidzo chomubatanidzwa hwechinoitika ichecho. Ave achiparidzirwa neZvapupu zvaJehovha kubvira muna 1914. Zviuru zvina zvakanga zvichikuita muna 1919, vanopfuura mamirioni mana pakuzosvika muna 1990, uye muna 1992 mumwedzi mumwe vane 4 472 787. Mabhuku eBhaibheri akagoverwa mumitauro ine 200 munyika 229. Uru rutivi rwechiratidzo chomubatanidzwa haruna kutongozadzika nakare kose.

“Kuparadza avo vanoparadza pasi.” (Zvakazarurwa 11:18, NW) Vanhu vana makaro nguva dzose vave vachidisa kuparadza pasi nokuda kwemhindu youdyire, asi ichi chizvarwa hachina kutongova nesimba rokuita kudaro nakare kose. Zvino, kubvira muna 1914, ruzivo rwokugadzirwa kwezvinhu rwakavapa simba papasi, uye vari kurishandisa zvisina kufanira. Vari kuparadza pasi.

Hezvino zvishomanene zvezvinhu zvakaipa zvinovapo somuuyo: mvura inonaya iri muchimiro cheacid, kupisa kwapasi rose, mwena iri muozone layer, mishonga yokuuraya zvipembenene ine ngozi, marara anoraswa ane muchetura, zvitsama zvakawandisa zvamarara, matsvina enyukireya, kuteuka kwamafuta, matsvina anoraswa asina kugadzirwa, nyanza dzakafa, masango akaparadzwa, mvura yapasi yakashatswa, marudzi ezvinhu ari mungozi, utano hwavanhu hwakakuvadzwa.

Musayendisiti Barry Commoner anoti: “Ini ndinodavira kuti kushatswa kwapasi kunopfuuridzirwa, kana kusingadziviswi, pakupedzisira kuchaparadza kukodzera kwenyika ino senzvimbo nokuda kwoupenyu hwavanhu. . . . Chinetso hachisati chiri nokuda kwokusaziva kwesayenzi, asi kwamakaro oune.” State of the World 1987 inoti: “Chiyero chemibato yavanhu chakavamba kutyisidzira kugarika kwapasi rimene.” Nhevedzano yeterevhizheni yakakurukurwa muna 1990 nomutoo unokosha yaiva nomusoro unoti “Nhangemutange Yokuponesa Nyika.”

Izvi zvinoitika zvakawanda zvikaunganidzwa pamwe chete sechiratidzo chimwe mukati mechizvarwa chimwe hazvingagoni kurambwa sezvinoitikira pamawa. Ukuru hwazvo hunowedzerawo ukoshi. Uye kune zvimwe zveizvi zvinoitika, zvakadai sokuparidzirwa kwenyika yose kweiri shoko ramashoko akanaka uye kuparadzwa kwapasi, zvisina kutongoitika kubvira pakuvamba kwechisiko. Chiratidzo chomubatanidzwa chokuvapo kwaKristu Jesu chinokatyamadza.

“Upi kana upi ane nzeve dzokuteerera, ngaateerere.”—Marko 4:23, NW.

[Bhokisi riri papeji 22]

Chibvumikiso Chomubatanidzwa Chokuuya Kwokutanga kwaJesu saMesia

ANOBEREKERWA mundudzi yaJudha (Genesi 49:10); aizovengwa, akashambadzwa nomumwe wavaapostora vake; mijenya inokandwa nokuda kwenguvo yake; akapiwa vhinega nenduru; akatukwa padanda rokutambudzira; hapana mapfupa anovhunwa; haana kuona kuora; akamutswa (Pisarema 69:4; 41:9; 22:18; 69:21; 22:7, 8; 34:20; 16:10); akaberekwa nemhandara; mhuri yokwaDhavhidhi; ibwe rokugumbura; akarambwa; akanyarara pamberi pavapomeri; akatakura zvirwere; akaverengerwa pamwe chete navaiti vezvivi; rufu rwechibairo; akabaiwa parutivi; akavigwa pamwe chete nomupfumi (Isaya 7:14; 11:10; 8:14, 15; 53:3; 53:7; 53:4; 53:12; 53:5; 53:9); akadanwa kubva Egipita (Hosea 11:1); akaberekerwa muBhetrehema (Mika 5:2); akapiwa samambo; akakwira mbongoro; akashambadzwa nokuda kwezvimedu 30 zvesivheri; vateveri vanopararira.—Zekaria 9:9; 11:12; 13:7.

[Bhokisi riri papeji 23]

Chiratidzo Chomubatanidzwa Chokuvapo muUmambo kwaJesu Pakuuya Kechipiri

HONDO yenyika; kuperevedza kwezvokudya; nhenda; kudengenyeka kwapasi (Mateo 24:7; Ruka 21:10, 11; Zvakazarurwa 6:1-8, NW); kusateera mutemo kwakawedzera; kucherana nokuvengana; kusateerera vabereki; kusava nechidakadaka chomuzvarirwo; vasina kuzvidzora; vasingadziuriri bvumirano ipi neipi; vadi vemari; vanoda mufarwa kupfuura Mwari; chimiro chokuzvipira kwoumwari asi vari venhema kusimba rako; vamhuri; vanotyisa; vanotambudza vateveri vaKristu; vanounza vateveri pamberi pamatare, uye vanouraya vateveri vaKristu (Mateo 24:9, 10, 12; Ruka 21:12; 2 Timotio 3:1-5, NW); vaseki vokuvapo kwaKristu; vanotaura kuti zvinhu zvose zvinopfuurira sezvazvakanga zvakaita kubvira pakuvamba kwechisiko (2 Petro 3:3, 4, NW); vaparadzi vemhoteredzo yapasi.—Zvakazarurwa 11:18, NW.

    Mabhuku eChiShona (1973-2022)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2023 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe