Neiko Pane Kariro Yokudisisa Yakadaro yeNyika Itsva?
Kuguma kweNyika—Kwava Pedyo Zvakadini?
KUGUMA kunorevei kunyika ino? Kuparadzwa kwapasi nomwoto here, sokudzidzisa kunoita mamwe marudzidziso? Aiwa; ikoko kungagona kudaro sei, apo Pisarema 104:5 (NW), rinoti: “Harisati richizoitwa kuti rizununguke kusvikira kunguva isingazivikanwi, kana kuti nokusingaperi?”
Mhinduro inowadzanyurwa apo tinotarira shure mazana akawanda amakore kunyika yakatangira ino. Yakanga yashata uye yakanga yapandukira Mwari, naizvozvo “nyika, yaivapo nguva iyo, yakafukidzwa nemvura.” Asi apo nyika iyeyo, inoumbwa nezvose zviri zviviri matenga napasi, yakaparadzwa neMafashamo omuzuva raNoa, matenga chaiwoiwo napasi hazvina kupfuura. Kuguma kwenyika ino hakusati kuchizorevawo kuparadzwa kwamatenga azerwe nenyeredzi nenyika yaPasi.—2 Petro 3:5, 6; Genesi 6:1-8.
Padzimwe nguva Bhaibheri rinoshandisa shoko rokuti “matenga” uye “pasi” munzira dzokufananidzira. “Matenga” angashandiswa kureva Satani, mwari wenyika ino; vatongi venyika vari mukudzora kwake; uye masimba omudzimu akaipa ari munzvimbo dzokudenga—ayo ose anoshandisa pesvedzero youdhemoni parudzi rwomunhu. (2 VaKorinte 4:4; VaEfeso 6:12) “Pasi” kazhinji kazhinji rinoshandiswa kunongedzera kumarudzi ari pasi pano. (Genesi 11:1; 1 Madzimambo 2:1, 2; 1 Makoronike 16:31; Pisarema 96:1) Ndiwo aya matenga okufananidzira napasi zvenyika ino yakaipa izvo 2 Petro 3:7 inotaura kuti zvichaparadzwa no“mwoto.”—VaGaratia 1:4.
Petro ipapo anopa mashoko omufaro okuti nyika ino yekare ichatsiviwa neitsva: “Kuna matenga matsva nepasi idzva izvo tiri kumirira mukuwirirana nechipikirwa chake, uye muna izvozvi muchagara kururama.”—2 Petro 3:13, NW.
Nyika Itsva Isina Misodzi kana kuti Rufu
Kuzivisa kwaPetro kuti kururama kwaizogara munyika itsva iyeyo mashoko anofadza, asi icho Johane anowedzera pamusoro payo chinoita kuti munhu afare chose chose! Pana Zvakazarurwa 21:3, 4 (NW), iye anotaura nezvayo, kuti: “Pana ikoko ini ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarira! Tendi yaMwari ine rudzi rwavanhu, uye iye uchagara navo, uye ivo vachava marudzi ake. Uye Mwari amene uchava navo. Uye iye uchapukuta musodzi uri wose pameso avo, uye rufu haruchazovipozve, kuchema kana kuti kurira hazvichazovipozve. Zvinhu zvekare zvapfuura.’”
Panzvimbo pokuparadza pasi nomwoto, Jehovha anoita donzo rokuti rigarwe nokusingaperi: “Izvi ndizvo zvakataurwa naJehovha, Musiki wamatenga, Iye Mwari wechokwadi, Muumbi wapasi noMuiti waro, Iye Uyo akarisimbisa zvakatsiga, asina kurisikira bedzi pasina chinhu, uyo akariumba kunyange kuti rive rinogarwa.”—Isaya 45:18, NW.
Kururama kuchagaramo nokuti hakuna vanhu vasina kururama vachavamo: “Vakarurama ndivo vachagara mupasi, uye vasina chavangapomerwa ndivo vachasiiwa pariri. Kana vari vakaipa, ivo vachagurwa papasi rimene; uye kana vari vanonyengera, ivo vachadzurwa pariri.”—Zvirevo 2:21, 22, NW.
Mukufuridzirwa wezvamapisarema Dhavhidhi anopupurirawo izvi: “Muchinguvana bedzi, uye wakaipa haachazovipozve; uye iwe uchacherekedza zvamazvirokwazvo kunzvimbo yake, uye iye haazovipo. Asi vanyoro vamene vachava varidzi vapasi, uye ivo vachawana zvamazvirokwazvo mufaro wavo mukuru mukuwanda kworugare.”—Pisarema 37:10, 11, NW.
Jesu amene anosimbisa ikoku, achiti muMharidzo yake yapaGomo: “Vanofara ndivo vanyoro, nokuti vachagara nhaka pasi.” Sehurumende yavo, ava vanyoro vachakomborerwa namatenga matsva akarurama avanonyengeterera, kuti: “Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe, somudenga, napasi panowo.”—Mateo 5:5; 6:10, NW.
Rugare rwakawanda ruchafarikanywa navagari venyika itsva iyeyo runotambanukira kunyange kumhuka: “Bere richagara negwaiana, ingwe ichavata pasi nembudzana, nemhuru nomwana weshumba nechipfuwo chakakora pamwe chete; uye mwana muduku uchadzitungamirira. . . . Hazvingakuvadzi kana kuparadza pagomo rangu rose dzvene, nokuti nyika yose ichazara nokuziva Jehovha, sezvinofukidza mvura pasi pegungwa.”—Isaya 11:6-9.
Yava Pedyo Zvakadini?
Kana wakakombamira kukuramba kose ikoku setariro isingawaniki, yakanyanyonaka zvokusagona kuva inodavirika, tindikazve ndokurangarira. Mukuwedzera kumativi echiratidzo chomubatanidzwa chokuvapo kwaKristu Jesu, kune kuverengwa kwenguva kwakanongedzera kuna 1914 samavambo okuvapo kwake. Zvapupu zvaJehovha zvakaparidzira musi wa 1914 segore rinokosha mukutanga kwokutonga pasi kwoUmambo hwaJehovha, zvichiita kudaro mumagazini yeWatch Tower yaJuly 1879. Vezvenhau vakawanda navacherekedzi vezvinhu zvenyika vakacherekedza kuti gore ra 1914 rakapinza nhambo yakasiana chose chose neine revo munhau yomunhu, sokuratidzira kunoita bhokisi riri pamwe chete neiyi nyaya.
Chimwe chinoitika icho Jesu akapa chinowanwa pana Mateo 24:21, 22, (NW): “Ipapo kuchava nedambudziko guru rakadai serisati raitika chifo chamavambo enyika kusvikira zvino, aiwa, uyewo harisati richizoitika zvakare. Kutaura idi, kutoti mazuva iwayo akapfupikiswa, hakuna nyama ingaponeswa; asi nemhaka yavakasarudzwa mazuva iwayo achapfupikiswa.”
Jesu akaratidzirawo kuti ichi chiratidzo chomubatanidzwa chaizokwana muupenyu hwechizvarwa chakachiona chichivamba muna 1914. Pana Mateo 24:32-34, iye akati: “Dzidzai pamuonde mufananidzo wawo: Kana davi rawo rava nyoro, mashizha achitunga, munoziva kuti zhezha rava pedyo. Saizvozvo, nemiwo, kana moona izvozvo zvose, zivai kuti wava pedyo pamukova. Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Rudzi urwu harungatongopfuuri kusvikira izvozvi zvose zvaitika.”
Kuona nyika ino yekare—nehondo dzayo dzose, nzara, hosha, uye nzufu—zvagumiswa kuchava chisakiso chokufara. Kuiona ichitsiviwa nenyika itsva yaJehovha Mwari yokururama—kugumisa kuchema, misodzi, chirwere, uye rufu—kuchapa chisakiso chokuchengeta kusingagumi nomufaro uye rumbidzo dzisingaperi kuna Jehovha Mwari, Musiki Mukuru naChangamire weChisiko Chapose pose.
Vaine iyi kariro iri mberi, hakushamisi kuti vakawanda vane disiso yakadaro nokuda kwokuti nyika itsva yaJehovha yokururama ikurumidze kuuya ndokutsiva ino yekare izerwe norusuruvaro, utsotsi, chirwere, uye rufu! Hakushamisi kuti disiso yavo yakakura zvikuru zvokuti vakakombamira kukugadza misi yokukurumidza nokuda kwokusvika kwayo! Zvino, zvisinei, hakuna mativi akaparadzana echiratidzo chokuuya kwayo chokutiedza kupinda mukuzivisa nyengedzo. Zvino tinogona kuona chiratidzo chomubatanidzwa chakakwana chichiwadzanyurika kuti chipe nheyo yakasimba nokuda kwekariro yedu yokudisisa yokuguma kwenyika ino yakaipa uye nyika itsva yaJehovha ichiitsiva.
[Bhokisi riri papeji 26]
1914—Nhambo Yechinjo Munhau
KUNYANGE pashure pehondo yenyika yechipiri, vakawanda vanonongedzera kuna 1914 senhambo huru yechinjo munhau yazvino uno:
“Zvamazvirokwazvo ndiro gore ra 1914 panzvimbo peiro reHiroshima rinoratidzira nhambo yechinjo munguva yedu.”—René Albrecht-Carrié, The Scientific Monthly, July 1951.
“Chifo cha 1914, munhu ari wose anoziva nezvekombamiro munyika akatambudzika zvikurukuru neicho chakaratidzika kuva enderero mberi yejambwa nokudeya kutemerwa mugumo kunotova ngwavaira huru zvikuru. Vanhu vazhinji vanoitira hanya zvikuru vakarangarira kuti hapana chinhu chinogona kuva chinoitwa kudzivisa kupinda muruparadziko.”—Bertrand Russell, The New York Times Magazine, September 27, 1953.
“Nguva yazvino uno . . . yakavamba muna 1914, uye hakuna munhu anoziva kuti ichaguma rini kana kuti sei. . . . Ingagona kuguma mukuurayana kukurusa.”—The Seattle Times, January 1, 1959.
“Nyika yose zvamazvirokwazvo yakatsamwa pamusoro peHondo yeNyika I uye tichiri vasingazivi kuti chikonzero nei. . . . Chinhu chakaisvonaka chakanga chichifungidzirwa. Kwakanga kune rugare norubudiriro. Ipapo chinhu chiri chose chakaputika. Tave tiri mumugariro wokufunganya chifocho.”—Dr. Walker Percy, American Medical News, November 21, 1977.
“Muna 1914 nyika yakarasikirwa nebatano iyo yaisati yakwanisa kuwanazve chibvirocho. . . . Iyi yave iri nguva yenyongano yomuraudzo namasimba masimba, mose muri muviri mhiri kwemiganho yamarudzi uye pakati pawo.”—The Economist, London, August 4, 1979.
“Chinhu chiri chose chaizova chiri nani zvikuru. Iyi yakanga iri nyika yandakaberekerwa mairi. . . . Kamwe kamwe, nomutoo usingakarirwi, mamwe mangwanani muna 1914 chinhu chiri chose chakaguma.”—British statesman Harold Macmillan, The New York Times, November 23, 1980.
[Mufananidzo uri papeji 25]
Rugare rwakawanda nokuda kwavose munyika itsva yakapikirwa