Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Chii Chandinogona Kuita Nebasa Rakawanda Zvikuru Rinoitirwa Kumba?
“Basa rechikoro rakanyanyowanda” rakadudzwa sechimwe chezvisakiso zvinozivikanwa zvikurusa zvokufunganya pakati pavanhu vaduku
“Kana usina kusanorongeka, unorasikirwa nenguva yakawanda uchisarudza chauchatevera kuita”
‘HATINA nguva yakakwana!’ Rimwe boka ravadzidzi vechikoro chapamusoro rakanyunyuta richidaro. Chii chiri chisakiso cheichi chinetso? Kuraira kwechikoro nebasa rinoitirwa kumba. “Ndinotanga chikoro na 8:00 a.m. ndokupedza na 5:30,” anodaro Véronique muduku. “Panguva yandinosvika kumba, inenge yava 6:30. Kwakaoma. Vabereki vanofunga kuti kuva muchikoro upenyu hunoshamisa. Havanzwisisi kuti chikoro chinonetesa nokurukutisa, uye apo tinosvika kumba, pane basa rinoitirwa kumba.” Sandrine wamakore gumi namanomwe okukura anowedzera, kuti: “Ndinopedzera maawa maviri kusvikira kumatatu usiku pabasa rangu rinoitirwa kumba, uye kupera kwamavhiki.”
Véronique naSandrine vanogara muFrance, uko vadzidzi vane mamwe amazuva akareba zvikurusa muEurope. Vadzidzi munyika zhinji nenzira yakafanana vanonzwa varukutika, vakangaidzika, uye vadzvinyirirwa nokuraira kwose kwenguva yavo. “Basa rechikoro rakanyanyowanda” rakadudzwa sechimwe chezvisakiso zvinozivikanwa zvikurusa zvokufunganya pakati pavanhu vaduku.
Sezvo kwakaoma kupfuura nakare kose kuwana basa mumativi mazhinjisa enyika, vanhu vaduku vazhinji vanoona kuwana dzidzo yakanaka senhungamiro kunguva yavo yemberi munyika yebasa. Sokukutaura kunoita Violaine, mudzidzi wechikoro chapamusoro, kuti: “Mabanza okuwana basa rakanaka ava akaoma zvikuru zvokuti vaduku nhasi vanowana kuti kunongova nechinhu chimwe bedzi chokuita—KUFUNDA!”
Nguva Haina Kukwana Here?
Kunyanguvezvo, avo vanoita zvakanaka muchikoro vanoziva kuti kunoda nguva yakawanda nesimba. Uye kana uri pwere yechiKristu, une zvimwe zvinodikanwa zvokuwedzera panguva yako: kupinda misangano yechiKristu, kufunda Bhaibheri, uye kugoverana kutenda kwako navamwe. (Johane 17:3; VaRoma 10:10; VaHebheru 10:24, 25) Bhaibheri rinopfuurira kutaurazve kuti pane “nguva yokuseka” nokufara. (Muparidzi 3:1, 4; 11:9) Kufanana nepwere zhinjisa, zvimwe unoda kuva neinenge nguva yenhandaro nokuzorora. Asi basa rechikoro ringaratidzika kuva rinokusiira nguva shomanene yokuita zvinhu zvaunoda kupedza—shoma zvikuru zvokusagona kuita zvinhu zvaunoda kuita.
Kazhinji kazhinji, kunyange zvakadaro, chinetso hachisati chichingova bedzi kushaikwa kwenguva. Nzvero yemisi ichangobva kupfuura yakawadzanyura kuti zviviri zvezvikonzero zvikuru nei vadzidzi vechikoro chapamusoro vane chinetso chokufunda zvaiva “kushandisa [kwavo] nguva kusina kunaka” uye “kushaikwa kwokurongeka.” Sokucherekedza kwakaita pwere inonzi Olivier, kurongeka kwakashata kwomunhu oga kunogona kutapura zvinopfuura mamakisi ako. Iye anoti: “Kana usina kusanorongeka, unorasikirwa nenguva yakawanda uchisarudza chauchatevera kuita.” Unogona sei, ipapoka, kuzviita umene akarongeka?
Murangariro Wakadzikama Webasa Rechikoro
Kutanga, unofanira kuisa basa rako rechikoro pakutanga. Bhaibheri rinotiudza “kuva nechokwadi chezvinhu zvinokosha zvikuru.” (VaFiripi 1:10, NW) Uye apo unofunga pamusoro pako, chii zvomenemene chinofanira kuva chinhu chinokosha zvikurusa muupenyu hwako? Haifaniri kuva mitoro yako yomudzimu here? Pashure pokurangarira zvose, Jesu akaudza vateveri vake, kuti: “Rambai, ipapoka, muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake.” (Mateo 6:33, NW) Ikoko kunoreva kupa nzvimbo yokutanga kumisangano yechiKristu, munyengetero, fundo, uye basa rokuparidzira kuvamwe.
Ikoku kunoreva here kuti basa rechikoro harikoshi? Nyangwe. Asi somuKristu, nharidzano yako mukuronda dzidzo haifaniri kuva yokuzvishongedzera umene nokuda kwebasa rakati rokunyika. Panzvimbo pako, inofanira kuva kudzidza unyanzvi uhwo huchabvumikisa kuva hunoshanda kwauri mubasa rako somushumiri waMwari. Panguva imwe cheteyo, uri kuzvigadzirira umene kuva anokwanisa kuchengeta basa ndokuzvitsigira umene, uye zvimwe mhuri rimwe zuva. (1 VaTesaronika 4:11, 12; 1 Timotio 5:8) Kuziva izvozvi kunofanira kukubetsera kuvavarira kuita zvakanakisisa zvako muchikoro. Panguva imwe cheteyo, unofanira kuita nhamburiko dzine mufungo kuzvichengeta umene wakasimba mumudzimu.
“Kutenga nguva” nokuda kwemisengwa yomudzimu, mabasa, nhandaro, uye basa rechikoro, kunogona kuva denho chaiyoiyo, asi kunogona kuitwa.—VaEfeso 5:15, 16, NW.
Ukoshi Hwokugadza Rudungwe
Imwe nzira yokutenga nayo nguva ndeyokuva anobudirira zvikuru munzira yaunofunda nayo. Ganhuro 18 rebhuku raMibvunzo Inobvunza Vechiduku—Mhinduro Dzinoshanda rinogovera chiverengero chezvikarakadzo zvinobetsera.a Somuenzaniso, wakaedza here kuita rudungwe kana kuti kuronga muitiro nokuda kwebasa rako rechikoro?—Enzanisa naVaFiripi 3:16.
“Pasina panikiro chinetso chakarovedzeka zvikurusa mufundo,” anonyora kudaro Harry Maddox mubhuku rake rinonzi How to Study, “kungokundikana kuvamba basa renguva dzose rinopiwa ngwariro.” Zvakadiniko newe? Unorega kuita basa rako rinoitirwa kumba kutozosvikira wava kunzwa uchida kuita—kana kuti apo kunoratidzika kuva kwakakodzera zvikuru here? Muparidzi 11:4 inonyevera, kuti: “Unogara achicherekedza mhepo haangakushi; uye unotarira makore, haangacheki.”
Harry Maddox anocherekedzazve, kuti: “Kuri nyore zvikurusa kupambadza nguva yakawanda pashoma napashoma. Kana usingatangi kugadza rudungwe umene zvimwe uchashandisa nguva yaunofanira kuva uchirava mukutarira T.V., kurava magazini, . . . kana kuti kuita chimwe chezvinhu zvizhinji izvozvo icho vadzidzi vasina unyanzvi vakagadzirira kuita panzvimbo pokushanda. Kana une rudungwe uye uchiomerera kwarwuri, rune simba rose romutemo usingafaniri kusateererwa, uye munguva kuomerera kwarwuri kunova kusina nhamburiko, uye unovamba kurwurangarira sorutivi rwomuzvarirwo rwoupenyu hwako.”
Kana ukaita basa rako rechikoro nomutoo wakasanorongwa uye wakadzikama, uchava nenguva yakawanda inowanika. Kuronga kwakanaka kurutivi rwako kunogona kukubetserawo kudzivisa rwisano pakati pokupedza migove yako yechikoro nokuita misengwa yako yechiKristu, zvakadai sokupinda misangano yeungano.
Ronga Nguva Yako!
Zvakadiniko nezvezvimwe zvinhu zvaunoda nezvaunoshuva kupedza, zvakadai samabasa epamba? Panowo kurongeka ndicho chinhu chinokosha. Edza kushandisa zvikarakadzo zvinotevera:
Chengeta ndaza yezvinhu zvokuita. Mupangiri wokuchengetwa kwenguva Stephanie Winston anorumbidza kutakura kabhuku kanokwana muhomwe panguva dzose. Kashandise kunyora “mufungo uri wose, mugove, runhare, mubato, basa, kana kuti rwendo—zvikuru kana kuti zviduku, zvisingakoshi kana kuti zvinokosha—sezvazvinomuka.” Pakuona kwokutanga, rudungwe rwako rungaratidzika kuva rwakati kurei, asi kushandisa zvikarakadzo zvinotevera, unogona kurudukupisa kuukuru hunodzoreka zvikuru.
Ronga zvinhu nenhevedzano yenzvimbo yazvo. Ikoku kunogona kukubetsera kunangidzira ngwariro pazvinhu zvinoda zvomenemene kuitwa. Panguva imwe cheteyo, unogona kubvisa zvinhu zvinogona kumira kana kuti zvausina hako nguva yokuita.
Gadzirira rudungwe. Hungu, shandura rudungwe rwako kuva murongedzero yechiito—rudungwe rwakanyorwa. Karenda duku rinokwana muhomwe, kana kuti diary, zvingasanokukubetsera muna ikoku. Kure nokuganhurira rusununguko rwako, rudungwe rwakasanodzikama ruchakugonesa kudzora zviri nani nguva yako.
Iva ane chokwadi. Kupfurikidza nokuedza nokururamisa kukanganisa, ronga apo kunenge kuri kwakanakisisa kuita zvinhu zvakati. Ungakuwana kuchibetsera, somuenzaniso, kuronga marusando ebasa rako rinoitirwa kumba nokukurumidza sezvinobvira muzuva, apo unenge uchakasvinurira mundangariro.
Ziva, kunyange zvakadaro, kuti haudikanirwi kuronga nhambo iri yose youpenyu hwako. Chengeta rudungwe rwako ruchichinjika, uchikusiira nzvimbo yezvisingakarirwi nezvisingadeyi kuonwa. Ita gadziridzo sedzinodikanwa, asi omerera kurudungwe rwako kakawanda sezvinobvira. Cherekedza: Kunowanzova kwakanakisisa kunyanyokarakadzira huwandu hwenguva yauchada kuti upedze basa rakati. Unogona nguva dzose kugadziridza kana ukakurumidza kupedza.
Gadza miganhu yako umene. Ikoku kunokubetsera kudzivisa kombamiro yokumirira kutozosvikira kuminiti yokupedzisira kuita kuti chimwe chinhu chiitwe. Kana une mubato wechikoro, edza kugadza musi wokuupedza uyo uri mberi zvikuru kwomusi wachinofanirwa kuendeswa.
Zvirange umene kuti uomerere kurudungwe rwako. Kunogona kuva kunoedza kuenda kumba kweshamwari apo unoda kugara kumba kuti ufunde nokuda kwebvunzo dzokupedzisira. Asi dyara zvishoma pakureva nezvefundo dzako, uye ungacheka mamakisi akashata gare gare. (Enzanisa na 2 VaKorinte 9:6.) Kunze kwezvo, kazhinji kazhinji uchafarikanya nguva yako yokusununguka kana ukapedza basa rako. Nheyo inobetsera ndeyokuti, Zvinhu zvinokosha kutanga, zvinhu zvokufara pashure.
Kuzvirongera rudungwe nokuzvironga umene kuchatora nguva, shiviriro, uye kuzvidzora kwakati, asi maKristu anoudzwa kushandisa kuzvidzora muzvinhu zvose. (1 VaKorinte 9:25) Kudzidza kuomerera kurudungwe muitiro wakanaka mukushandisa iyi nheyo. Miuyo yacho ingava gutsikano yechinopedzwa, kudzora kwakawanda paupenyu hwako, uye nguva yakawanda yokuita zvinhu zvaunoda nokushuva kuita.
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.
[Mufananidzo uri papeji 14]
Gadza rudungwe rwokufunda uye omerera kwarwuri