Nyanzvi dzeNziyo Dzinotomuka Dzezvipembenene Zvose
ISU tinobvuma kuva zvisikwa zvine nzara yakasiana-siana. Uye hungu, nzara yedu inogona kumutsa hasha dzavanamuzvinamapurazi avo vanotirangarira seudyi nokuda kwokuparadza zvirimwa zvavo. Kunyanguvezvo, isu hwiza tine miitiro inofadza yakati—matomukire atinoita, mabhururukire atinoita, makwirire atinoita, uye maitire atinoita “nziyo.”
Waiziva here, somuenzaniso, kuti tine maziso mashanu? Panzvimbo pokupfeka magirazi okuona nawo sezvinoita vanhu vazhinji, tine maziso matatu maduku mberi kwomusoro wedu nokuda kwokuona zviri pedyo. Mamwe maziso edu maviri makuru uye akaiswa shure zvishoma kwomusoro, achitiita kuti tione chiri kuitika makatipota mose. Ndokusaka tichikwanisa kutomuka usati wationa. Haungadi here kuva nameso ane mano akadaro?
Mano edu okutomuka akanaka zvakadiniko? Tinogona kutomuka kane gumi kupfuura urefu hwedu ndokundomhara anenge mamita 0,9. Kuti munhu atevedzere ikoko, angatofanira kukwakuka urefu hwechivako chenhurikidzwa nhanhatu. Chakavanzika chedu ndidzo tsandanyama dzedu dzine simba zvikuru mumakumbo eshure. Anotipa simba rokubanha kuti tiite mabasa makuru akadaro.
Kunyange pashure pokutomuka kwedu kwokutanga kubva munzira yako, tinogona kukuita kuti kuve kwakatokuomera kutibata kupfurikidza nokushandisa mapapiro edu mana ayo isu tose tinawo. Mapapiro apamusoro akaomarara anoita kushanda kwakafanana namapapiro endege, nepo mapapiro apasi akapfava zvikuru achishandiswa somutoo wokubhururuka nawo womuraudzo. Nokudaro, kupfurikidza nokubatanidza unyanzvi hwedu hwokutomuka uye kubhururuka, nguva dzose tinogona kubhururuka kure kukuru zvikuru kuodza mwoyo kutironda kwako.
Unokuwana kuchinetsa here kukwira bango rine mafuta? Hakutinetsi. Kutaura idi, tinogona kumhanya tichikwira chipande chouswa tisingatsvedzi nemhaka yenzira iyo Musiki akagadzira nayo tsoka dzedu nhanhatu. Tumakushini twuri patsoka imwe neimwe tune tumakushe tunobudisa mvura inonamatira, inotibetsera kuwana kubata kwakatsiga pazvinhu. Mukuwedzera, tsoka imwe neimwe yakashongedzerwa nechikokovo chakasimba, chine muromo wakapinza chinotidzivirira pakutsvedzera shure pamikwidzwa. Hungu, kare vanhu vasati vambofunga nezvokukwira makomo, isu takanga takasanoshongedzerwa kukwira.
Hwizarume dzamarudzi edu inyanzvi dzokuimba. Hwizakadzi dzinoororwa zvikurukuru uye dzinodzirangarira kuva dzakakomborerwa. Hungu, tinogona kunzwa ndokudavidza mukurira kwakasiana. Nzeve dzedu dzinowanwa kurutivi rumwe norumwe rwedundundu. Nokudaro, painenge yakafara, hwizarume inokweva zvinyoronyoro gumbo reshure rinomara pabapiro rakasimudzwa munzira yakafanana nokukweva kunoita muridzi weviolin uta hwake hwokuridza nahwo pangoi dzeviolin. Kunozorodza sei pazuva rapakati pamadziya rinodziya kurara mumunda uzerwe nouswa ndokupinza kuimba kunotsinhirana kunobva muhwiza dzine chiuru namakurwe. Haiwa, kunzwika kwakadini kwomumadziya!