Vanyajambwa vaVaprista Vanobata Zvisina Kufanira Vana Muvatano Vanozivisa Pamhene Zvakaitika
“MUMAKORE gumi apfuura, vaprista veRoma Katurike vane 400 vakashumwa kuchechi kana kuti kuzviremera zvehurumende nokuda kwokubatwa zvisina kufanira kwavana muvatano,” mukuwirirana neU.S.News & World Report. Pamisi ichangobva kupfuura iyi, kuungana kwamarudzi kwavapukunyuki vokubatwa zvisina kufanira kwakadaro kwakaitwa pedyo neChicago, Illinois. Vazhinji vakataura pamhene nezvemaitirwe avakanga vaitwa vanyajambwa navaprista vanobata zvisina kufanira vana muvatano.
Asi NCR (National Catholic Reporter) inoti vakurukuri vakataura mumwe musoro mukudzokorora vadzokororazve mumusangano wose: “Kubatwa zvisina kufanira kwokutanga ivatano; kwechipiri uye kunorwadza zvikuru, ndokwendangariro.” Uku kubatwa zvisina kufanira kwechipiri kunoitika apo chechi inoramba kuteerera vanyajambwa vokubatwa zvisina kufanira, inokundikana kufungisisa pomero dzavo, ndokupfuurira bedzi kukutaviridza vaprista vanotadza. “Nomutoo wakanaka kana kuti nomutoo usina kunaka,” NCR inoshuma kuti, “vanoratidza vafundisi veKaturike savari veboka risina kunaka navanotungamirirwa zvisina kufanira vakakombamira zvikuru kukuchengetedza ropafadzo nesimba panzvimbo pokubatira zvinodikanwa zvavanhuwo zvavo.” Vakurukuri vanoverengeka vakaita kuenzanisira kunotyisidzira kuChinjo, iyo yakakamuranisa chechi chose chose muzana ramakore rechi 16.
Mukuwirirana naRichard Sipe, aichimbova muprista akava nyanzvi yoruzivo rwokurapwa kwendangariro uye gorokotera pakubatwa zvisina kufanira muvatano kunoitwa navafundisi veKaturike, uku kuramba kose kwesangano kunoratidza “kupererwa nezano rose kwakakura uye kuziva batanidzwo yomunhu oga muchinetso chacho.” Akawedzera kuti: “Chechi inoziva uye yakaziva kwenguva refu zvakawanda zvikuru pamusoro pevatano yavaprista vayo. Yakafuratira noune, yakaregeredza, yakavanza uye yakangonyepawo zvayo pamusoro pomwero wakafara wevatano yavaprista vayo.”
Nomutoo usingashamisi, ipapoka, vapukunyuki vokubatwa zvisina kufanira vakawanda vari kumhangarira chechi. NCR inonokora mashoko murovereri mhaka ari nyanzvi chaiyo mumhaka dzakadaro kuva ari kutaura kuti kune mhaka dzavaprista vanobata zvisina kufanira vana muvatano mune rimwe nerimwe ramaruwa 188 echechi muUnited States. Anotaura kuti kunze kwokutaura kwedare romutemo kugadzikiswa kwakakwirira kusvikira ku Z$1 500 000 pamhaka imwe. U.S.News & World Report inotaura kuti kumhangarira kwakadaro kwakatodyira chechi mari ine Z$2 000 000 000, chiverengero chingagona kukwira kusvika ku Z$5 000 000 000 pakuzosvika mugore ra 2000. Uye Canadian Press yakashuma pamisi ichangobva kupfuura iyi kuti vapukunyuki vane 2 000 vokubatwa zvisina kufanira muvatano vouhwana mumasangano 22 enherera neendangariro anotarisirwa nechechi muQuebec ari kumhangarira gadziriro nhanhatu dzorudzidziso nokuda kwe Z$7 000 000 000 mukuvadziko.
Nomutoo unofadza, kunyange zvakadaro, murovereri wemhaka weUnited States adudzwa kare, anomirira vanyajambwa 150 vavaprista vanobata zvisina kufanira vana muvatano munyika 23, anotaura kuti achigere kuva nomutsamiri akanga achidisa kuenda kudare. Mumwe nomumwe akatanga kuedza kutsvaka ruramisiro “pakati pavafundisi vechechi.” NCR inogumisa kuti: “Vapukunyuki vanoenda kumatare, kunoratidzika kudaro, kwete sokwokutendeukira kwokutanga, asi sokwokutendeukira kwokupedzisira.”